Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Pana VaFiripi 2:9 (NW), Pauro akati nezvaJesu: “Mwari wakamukwidziridza kunzvimbo yakakwirira uye nomutsa akamupa zita rinopfuura rimwe zita riri rose.” Nderipi riri iri zita idzva? Uye kana Jesu ari muduku kuna Jehovha, zita raJesu riri pamusoro perimwe zita riri rose sei?
VaFiripi 2:8, 9, (NW) inorava, kuti: “Kupfuura izvozvo, apo iye [Jesu] akazviwana amene muchimiro chakaita somunhu, akazvininipisa ndokuteerera kusvikira kurufu, hungu, rufu padanda rokutambudzira. Nokuda kweichi chikonzero chaichowo, Mwari wakamukwidziridza kunzvimbo yakakwirira uye nomutsa akamupa zita rinopfuura rimwe zita riri rose.”
Chikamu ichi chamashoko hachirevi kuti sezvo Jehovha bedzi ane zita riri pamusoro chose chose perimwe zita riri rose, Jesu anofanira kuva munhu mumwe cheteyo naJehovha. Sezvinoratidza mashoko akapoteredza ari muna VaFiripi ganhuro 2, Jesu akagamuchira zita rake rakakwidziridzwa pashure porumuko rwake. Ikoko kusati kwaitika, akanga asinaro. Pano rumwe rutivi, Jehovha nguva dzose ave ari mukurusa, uye nzvimbo yake haina kutongochinja. Idi rokuti Jesu akagamuchira zita rakakura zvikuru kupfuura zita raaiva naro asati aita basa rake rapasi rinobvumikisa kuti haasi mumwe cheteyo naJehovha. Apo Pauro akataura kuti Jesu akapiwa zita rinopfuura rimwe zita riri rose, akareva kuti Jesu zvino ane zita gurusa pazvisikwa zvose zvaMwari.
Nderipi riri zita raJesu rakakwirira? Isaya 9:6 inotibetsera kupindura. Mukuporofita pamusoro paMesiya anouya, Jesu, ndima iyoyo inoti: “Umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari unesimba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.” Pano “zita” raJesu rine chokuita nenzvimbo yake yakakwirira nechiremera, kuriwo kunzwisisa kwatinoita “zita rinopfuura rimwe zita riri rose,” rinodudzwa pana VaFiripi 2:9. Ibvi riri rose rinorairwa kupfugamira Jesu mukubvuma nzvimbo yakakwirira yechiremera iyo Jehovha akamupa—nzvimbo yechiremera inopfuura iyo yakapiwa chimwe chisikwa chipi nechipi. Shoko rokuti “rimwe” mushanduro ino harimirirwi zvakananga mumashoko makuru echiGiriki, asi rinoratidzirwa nemufungo wendima yacho. “Zita” raJesu harisi pamusoro pezita rake amene asi riri pamusoro perimwe zita rechisikwa chiri chose.
Tinofara sei kukumbanira ngirozi dzose dzakatendeka navanhu mukupfugama mukuziva zita raJesu! Tinoita ikoku kupfurikidza nokuzviisa timene pasi paJesu ari munzvimbo yakakwirira uye inesimba yaakapiwa naJehovha—“kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.”—VaFiripi 2:11; Mateo 28:18.