‘Kungofanana Nesimbi Inorodza Simbi’
NECHOKUMUGUMO kwezana ramakore rechitatu C.E., mumwe murume muduku wapachokwadi ainzi Anthony, anorondedzerwa so“muKristu aiva muCopt,” akabva munyika ndokupedza makore 20 ari oga murenje. Neiko? Ainzwa kuti iyi ndiyo yakanga iri nzira yakanakisisa yokuti abatire Mwari nayo. Akanga ari aigara ega anopesvedzera wokutanga wechiKristudhomu, kana kuti zindoga.
Nhasi, chiKristudhomu chine vanogara voga vashoma. Asi vanhu vakawanda zvikuru vanotsvaka kuva voga neimwe nzira. Vanoramba kutaura kuvamwe nezverudzidziso, vachinzwa kuti kutaura kwakadaro kunotungamirira kukusabvumirana nokurwa. Kunamata kwavo kunoumbwa zvikurukuru nokusakuvadza muvakidzani wavo.
Chokwadi, kusakuvadza muvakidzani womunhu rutivi rworudzidziso rwechokwadi, asi zvakawanda zvinodikanwa. Chimwe chirevo chekare chinoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Idi ndeiri, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kusangana pamwe chete, kwete kuzviparadzanisa vamene chose chose munyika kana kuti muvamwe vaKristu. (Johane 17:14, 15) Rinoti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Zvapupu zvaJehovha zvinotevera zano iroro. Kanoverengeka pavhiki, zvinoungana pamwe chete ku‘rodza chiso chomumwe nomumwe,’ zvichivaka kutenda kwavadaviri biyazvo. Zvinowana kuti kukurukura Bhaibheri nokutendeka hakutungamiri kukurwa. Panzvimbo pezvo, kunotungamira kutsinhirano norugare. Rutivi runokosha rwokunamata kwechokwadi.