Bhokisi Rine Zvokudya Rinopa Uchapupu
MUMAZUVA akatevera kudengenyeka kwapasi muKobe, Japan, January akapfuura, vanhu vaiva munharaunda yakatapurwa vaiva nenguva yakaoma kuti vawane zvokudya. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvina kushaya zvokudya, nemhaka yeyamuro yomutsa yeshamwari dzazvo. Kwamazuva maviri kana kuti matatu okutanga pashure pokudengenyeka, ungano dzaiva pedyo dzakagovera kudya kwakagadzirwa nomupunga. Nokukurumidza, shamwari dzinoitira hanya dzakanga dzave kugovera zvokudya zvaiva mumabhokisi. Muzvokudya zvaiva mumabhokisi, vakawanda vakaisa tutsamba twairatidzira kuitira hanya kwavo vakatapurwa. Avo vakagamuchira zvokudya zvacho vakataura kuti zvokudya zviri zvose zvakanga “zvakaiswa munyu” sezvavaisagona kudzora misodzi pakurava tutsamba twacho.
Zvapupu zvaJehovha zvakagoverana zvokudya zvazvo navamwe vakanga vachishayiwa. Chimwe Chapupu chakazviwana chimene chichidya kudya kwacho kwamasikati pachaifamba nemotokari neshamwari isiri Chapupu yaishanda mukambani imwe chete. Naizvozvo chakagoverana rimwe ramabhokisi ezvokudya iro chakanga chagamuchira.
“Watenga kupi iri bhokisi rine zvokudya zvamasikati?” shamwari yake yakabvunza kudaro. Hama yacho yakatsanangura basa reyamuro reZvapupu. “Handina kumbodya miriwo kwamazuva akati. Ndichachengeta mumwe ndokuenda nawo kumusha nokuda kwemhuri yangu,” murume wacho akadaro nenzira yokuonga.
Pakaitika izvi kechitatu, shamwari yacho yakapa 3 000 yen (inenge $297,50) kuChapupu chacho ndokuti: “Ndakarovedzana nemibato yenyu, naizvozvo ndapota rega ndiite mupiro kubasa renyu. Ndinoonga kugoverana kwako kudya kwako kwamasikati neni. Chaizvoizvo, shamwari dzako vose vanhu vakanaka kudai.”