RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 11/1 pp. 2-4
  • Pakati Pedu Pane Ngirozi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pakati Pedu Pane Ngirozi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Kufadzwa Nengirozi
    Mukai!—1999
  • Kuongorora Nyaya Dzacho
    Mukai!—1999
  • Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Une Ngirozi Inokutarisira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 11/1 pp. 2-4

Pakati Pedu Pane Ngirozi Here?

Zvakaitika nokukurumidza zvikuru. Akanyura mumifungo uye asingazivi zvakamupoteredza, Marilynn akafamba-famba munjanji. Kamwe kamwe, akanzwa ruzha. Akasimudza musoro, kungowana bedzi kuti akanga akamira munzira chaimo mechitima chaiuya! Marilynn akamira asingazununguki, apera simba nokutya. Chitima chakanga chava pedyo kwazvo zvokuti aigona kuona maziso ebhuruu nechiso chakabatwa norutyo chomuchairi. Marilynn haana kutongokanganwa zvakatevera kuitika. “Kwakaita sokunge kuti hofori yakandisairira necheshure,” akadaro. “Ndakati ze-e ndokuwira pamarasha kunze kwenjanji chaiko.” Akuvara zvishomanene, Marilynn akasimuka kuti atende mununuri wake—asi hapana waakaona! Chii chaiva kugumisa kwake? “Ngirozi yangu inondirinda yaponesa upenyu hwangu,” Marilynn anodaro. “Aigona kuva ari aniwo zvake?”

NYIKA isina tariro kamwe kamwe inoratidzika seinowanzoshanyirwa nengirozi. Mumakore achangobva kupfuura, vanhu vokudenga vave vari purogiramu dzeterevhizheni, mabhaisikopo, uye kunyange Mutambo unoitwa. Mabhuku pamusoro pengirozi ari pamusoro pandaza yezvinotengwa zvikurusa zvorudzidziso. Kune makirabhu, misangano, uye mashoko akadhindwa engirozi. Mishandirapamwe yakaumbwa kuti ikubetsere—sokutaura kunoita imwe nyaya—kuti uwane “‘betsero yengirozi’ yako.”

Vanowana betsero yesangano rengirozi nenzira yakanaka vashambadzi vanozivisa zvinotengeswa zvisingaperi. “Chinhu chipi nechipi chine ngirozi chinhu chinotengwa zvikuru,” anodaro mumwe muzvinabhizimisi anokutsirana nomumwe muUnited States. Mukuwedzera kumabhuku akawanda, anopa ndaza ye“zvifananidzo zvengirozi, zvinopinirwa, zvidhori, masikipa, mifanikiso yokunamira namakadhi ekwaziso”—zvose zvichiungana izvo mumwe munyori wenhau anodana kuti “porofiti yokudenga.”

Asi iyi haisati ichingovawo zvayo fashoni, vanoomerera kudaro vatsigiri vengirozi. Kuti vatsigire kutaura kwavo, vanogovera chipupuriro chimwe pashure pechimwe—“kusangana chaikoiko” nengirozi. Vamwe vanotaura kuti vakaona ngirozi iri munhu. Vamwe vakaona chiedza, vakanzwa inzwi, vakanzwa kuvapo kwakati, kana kuti vakanzwa sundo iyo yakanga, vanodavira kudaro, iri yengirozi. Vakawanda, kufanana naMarilynn, vanotaura kuti imwe ngirozi yakaponesa upenyu hwavo.

Chii chiri kuitika? “Ndinofunga pane kuvamba kushingairazve kwoumudzimu,” anodaro Joan Wester Anderson, uyo akanyora mabhuku maviri pamusoro pokusangana ne“zvinopfuura simba ravanhu.” Alma Daniel, uyo akabetsera kunyora rimwe bhuku, anokurondedzera zvinopfuura izvozvo. Anotaura kuti ngirozi dziri ku“rayirwa zvino kuzvizivisa dzimene kuitira kuti vanhu vakawanda zvikuru vagogona kusvikwa. Chikonzero nei tiri kuona zvakawanda pamusoro padzo imhaka yokuti ndizvo zvadzinoda. Dziri kukuita.”

Zvakadaro chaizvoizvo here? Kana kuti chimwe chinhuwo zvacho chiri seri kwokufadzwa nengirozi kwenguva ino? Kuti tizive, tinofanira kunzvera Shoko raMwari. Bhaibheri rine zvokwadi pamusoro pengirozi, sezvatichaona.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Peji 3 ne4: The New Testament: A Pictorial Archive from Nineteenth-Century Sources, by Don Rice/Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe