Kusvika Marudzi Ose Avanhu muAthens Yomuzuva Razvino Uno
APO muapostora Pauro akashanyira Athens munenge muna 50 C.E., guta racho rakanga richiri nzvimbo inokosha yezvokutengeserana, kunyange zvazvo rakanga risati richafarikanya mbiri yenguva yakapfuura yaro yakaisvonaka. Rimwe bhuku renhau rinoti: “[Athens] yakapfuurira kuva dzimbahwe romudzimu nerounyanzvi reGreece, pamwe chete nenzvimbo inodikanwa yeshanyo dzavakadzidza uye vane simba venguva iyoyo.”
Ari ikoko, Pauro zvimwe akava nemukana wokuparidzira vaJudha, vaAthenian vechihedheni, uye vanhu vakabva munzvimbo zhinji dzakasiyana-siyana. Sezvaaiva mudzidzisi akangwarira naane unyanzvi, akataura mune imwe hurukuro kuti Mwari akapa “vose upenyu nokufema,” uye kuti “wakaita marudzi ose avanhu achibva kune mumwe chete,” uye kuti “[vanofanira, NW] kwose kwose kuti vatendeuke” nemhaka yokuti Achatonga “nyika.”—Mabasa 17:25-31.
Ndima Yakasiyana
Mumakumi amakore mashoma apfuura Athens zvakare rakava guta rinokwezva vanhu vanobva kwose kwose. Vamiriri venyika uye vashandi vomumauto vakasvika sorutivi rwavashandi vokunze kwenyika. Vanhu vaduku vanobva kuAfrica uye kuMiddle East vanogarako savadzidzi vapayunivhesiti. Vashandi vanotama vanobva kuAfrica, Asia, uye nyika dzeEastern Europe vakadiranamo. Kune vaFilipino vazhinji navamwe vanobva kuSoutheast Asia, avo vakauya vachitsvaka basa savashandi vomudzimba. Uye kune kupinda kwenguva dzose kwavapoteri vanobva munyika dziri pedyo uye nzvimbo dzisina kuterama kupota nyika.
Aya mamiriro ezvinhu anopa denho kuvaparidzi vomunzvimbomo vamashoko akanaka oUmambo. Vazhinjisa vavagari vechinguvana vanotaura chiNgezi, asi vamwe vanotaura bedzi ndimi dzavo dzekwavakaberekerwa. Vanhu ava vanomirira mamiriro ezvinhu akare mazhinji akasiyana-siyana etsika neorudzidziso. Pakati pavashanyi, unogona kuwana vanoti vaKristu, vaMuslim, vaHindu, vaBuddha, vanotenda kuti zvinhu zvose zvine mweya, vanoti Mwari haazivikanwi, uye vasingadaviri kuvapo kwaMwari. Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kudzidza kuchinja mharidzo dzazvo kuti dzikodzere mamiriro ezvinhu akare akasiyana-siyana aava vanhu.
Sezvo vazhinji vaava vauyi vatsva vakapfuura nomunguva dzakaoma, vanowanzova nemibvunzo pamusoro perevo youpenyu nekariro dzeramangwana. Vamwe vanokoshesa Bhaibheri zvikuru uye havana chinetso kugamuchira zvarinotaura. Vazhinji vari muiyi ndima yakasiyana vanozvininipisa, vanyoro, uye vane nzara yezvokwadi. Vanonzwa vakasununguka zvikuru kutsvaka zvokwadi nemhaka yokuti vari kure nemhuri yavo nemhoteredzo yomusha.
Ungano yokutanga yechiNgezi yakarongwa muAthens muna 1986 kuti ifukidze ndima iyi. Kukura kwacho kwave kuchishamisa. Mukati memakore mashanu apfuura, vatsva vanenge 80 vakabhapatidzwa. Mugumisiro wacho ndowokuti ungano yechiArabhu, ungano yechiPolish, uye kwenguva yakati, boka rechiFrench zvakatangwa muAthens. Vamwe vanobva muungano yechiNgezi vakatama kuti vabetsere dzimwe ungano dzakadaro namapoka muThessalonica kuchamhembe, muHeraklion, Crete, uye muPiraeus, chitechi chengarava cheAthens. Ungada here kusangana navamwe vokune dzimwe nyika avo vakadzidza zvokwadi muAthens?
Vanoshuviwa Vamarudzi Vari Kupinda
Thomas akaberekerwa muAsmara, Eritrea, uye akakura ari muKaturike anoshingaira. Pazera ramakore 15, akapinda munogara mamongi. Akabvunza mumwe wavakuru vamamongi, kuti: “Kunobvira sei kuti Mwari mu- mwe ndivaMwari vatatu?” Mukuru wamamongi wacho akapindura, kuti: “Nemhaka yokuti tinogamuchira izvo papa anotaura nezvezvinhu zvomudzimu. Kupfuura zvose, ichi ndichakavanzika, uye uri muduku zvikuru zvokusagona kuchinzwisisa.” Pashure pamakore mashanu ari munogara mamongi, Thomas akaenda, aodzwa mwoyo uye ashatiriswa nomufambiro uye dzidziso dzechechi. Bva, akanga asina kurega kutsvaka kwake Mwari wechokwadi.
Rimwe zuva nokukurumidza pashure pokunge atamira kuAthens, akawana pasuo rake kopi yeNharireyomurindi, yaiva nomusoro webutiro waiti “Utano Hwakanaka noMufaro Zvinogona Kuva Zvako.” Akairava kanoverengeka. Mumagazini imwe cheteyi, akarava kuti tinofanira kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. (Mateo 6:33) Thomas akapfugama ndokukumbira Mwari nzira yokuita nayo ikoku, achivimbisa, kuti: “Kana mukandiratidza nzira yokutsvaka nayo Umambo hwenyu, ndichatsaura mwedzi mitanhatu youpenyu hwangu kudzidza nzira yokukubatirayi nayo.” Muvhiki yechina pashure paikoko, Zvapupu zviviri zvakagogodza pasuo rake. Nokukurumidza Thomas akabvuma fundo yeBhaibheri, uye mwedzi gumi gare gare akabhapatidzwa. Anoti: “Jehovha akapindura munyengetero wangu chaizvoizvo, uye akandipa mukana wokuva mumwe weZvapupu zvake. Zvino rudo rwake runondisunda kutsvaka Umambo hwake nokururama kwake pakutanga muupenyu hwangu.”
Zvichiparidza pasuo nesuo, zvimwe Zvapupu zviviri zvakawana zita rokunze kwenyika pedyo nebhero.
“Munodei?” rakauya inzwi romukadzi paintercom.
Mumwe weZvapupu zvacho akataura kuti vakanga vachiedza kuwana vanhu vanotaura chiNgezi avo vaifarira Bhaibheri.
“Muri vorudzidziso rwupi?” mukadzi wacho akabvunza kudaro.
“Tiri Zvapupu zvaJehovha.”
“Haiwa, zvakanaka! Kwirai kuuriri hwapamusoro.”
Vakaita saizvozvo uye, sezvo suo rechikwidzo rakazaruka, murume muhombe aiva nechimiro chendangariro chakati ipei akamira ipapo. Asi mukadzi wacho akashevedzera ari mukati.
“Vapinzei. Ndinoda kutaura kwavari.”
Kwakaitika kuti akafamba munyika nechikwata chemitambo chomurume wake, uye zuro wacho bedzi, akange ave achinyengetera kuti awane Zvapupu zvaJehovha. Naizvozvo fundo yeBhaibheri yakatangwa pakarepo. Sezvo nguva yavo yokuramba vari muGreece yakanga yakaganhurirwa, fundo nhatu pavhiki dzakarongwa, bhuku raKurarama Nokusingaperi richipedzwa muvhiki gumi chete.
Mwaka wakatevera wemitambo wakavadzosa zvakare kuGreece. Mudzimai wacho akatangazve fundo yake ndokuita fambiro mberi yakaisvonaka. Pashure pemwedzi mishoma, akakumbanira Zvapupu mubasa rokuparidza somuparidzi asina kubhapatidzwa ndokutanga nokukurumidza fundo yake yeBhaibheri yokutanga. Naani? Murume wake, uyo anoororwa zvikuru neZvapupu uye nechinjo mumudzimai wake.
Allan, mwanakomana womufundisi weProtestant, akakurira muSouth Africa. Kubva pazera duku zvikuru, aipwiswa kuti Bhaibheri chizaruro chakafuridzirwa chakabva kuna Mwari. Asina kugutswa norudzidziso rwake, akatendeukira kuuzivi nezvamatongerwe enyika, asi ikoku kwakamusiya achinzwa asina maturo zvikuru kupfuura nakare kose. Pashure pokutamira kuGreece, kunzwa kwake kwokusava namaturo kwakakura. Akanzwa kuti upenyu hwake hwakanga husina chinangwa, kuti akanga ari munzira isina kwainotungamirira.
Humwe usiku chimwe chinhu chakaitika. “Ndakapfugama ndokuzarura mwoyo wangu kuna Mwari,” Allan anorondedzera kudaro. “Nemisodzi yorusuruvaro yamararamire angu, ndakakumbira Mwari kuti anditungamirire kuvateveri vake vechokwadi. Ndakavimbisa kuti ndaizofamba muchiedza chenhungamiro yake.” Mukati mevhiki racho, akanga ari muchitoro ndokutanga kukurukurirana nomuridzi wacho, mumwe mukadzi, uyo akanga ari Chapupu. Kurukurirano iyoyo yakabvumikisa kuva nguva chaiyoiyo yechinjo huru muupenyu hwaAllan. “Mumazuva akatevera, ndakaona ndisisadaviri zvitendero zvangu zvandaikoshesa: Utatu, hero yomwoto, kusafa kwomweya—dzose nenzira yakajeka hadzisi dzidziso dzeBhaibheri.” PaHoro yoUmambo, Zvapupu zvakaroorana zvakakarakadza kufunda Bhaibheri naye. Akabvuma ndokuita fambiro mberi yokukurumidza. “Zvokwadi yakaita kuti ndicheme nomufaro,” Allan anoyeuka kudaro, “uye yakandisunungura.” Gore rimwe gare gare akabhapatidzwa. Nhasi anofara kubatira somubatiri anoshumira muungano yomunzvimbomo.
Elizabeth anobva kuNigeria, uko akanga atsvaka Mwari muchechi dzakasiyana-siyana asi akanga asina kugutswa. Yaimutyisa zvikurusa yaiva dzidziso yokutambudzwa kusingagumi muhero yomwoto. Apo akauya kuAthens nemhuri yake, Zvapupu zviviri zvakashanyira suo rake, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Elizabeth akafadzwa nokuziva kuti Mwari haatambudzi vanhu, asi anogovera tariro youpenyu husingagumi mupasi reparadhiso. Akanga aine pamuviri pomwana wake wechina, uyo akanga achida kupfupfudza. Ipapo akadzidza muBhaibheri murangariro waJehovha pamusoro poutsvene hwoupenyu. Zvino ane mwanasikana akaisvonaka. Elizabeth akafambira mberi nokukurumidza zvikuru uye nokukurumidza akabhapatidzwa. Kunyange zvazvo aine vana vana nebasa renguva yakazara, anokwanisa kuita upiyona hwebetsero unoda kuva mwedzi uri wose. Akakomborerwa nokuona murume wake achitanga kufunda Bhaibheri. Anoti: “Pakupedzisira ndakawana Mwari wechokwadi nokunamata kwechokwadi, ndinotenda Jehovha nesangano rake rine rudo.”
Vazhinji vavanhu vari mundima iyi yakasiyana vanowanwa mubasa romumugwagwa, asi kunoda kupfuurira kutanga fariro yavo. Ikoku kwakanga kwakadaro nomumwe mukadzi muduku anonzi Sallay, anobva kuSierra Leone. Chimwe Chapupu chakamupa turakiti, chikatora kero yake, uye chakaronga kuti ashanyirwe. Sallay akanga achifarira uye akabvuma fundo yeBhaibheri, asi nemhaka yedzvinyiriro dzaibva kubasa nezvimwe zvinetso, yaisaitwa nguva dzose. Ipapo kamwe kamwe akatama asina kugovera kero itsva. Chapupu chacho chakapfuurira nokuenda kukero yakare, uye pakupedzisira Sallay akatumira shoko rokuti Chapupu chacho chiuye kumusha wake mutsva.
Fundo yacho zvino yakava yenguva dzose zvikuru kunyange zvazvo Sallay akanga ari mumwedzi yokupedzisira yapamuviri pake. Pashure pokuberekwa kwomwana, Sallay akava muparidzi asina kubhapatidzwa. Kana kwose ikoku kuchinzwika kuva nyore, kwakanga kusiri. Pa6:30 a.m., anofanira kuva akagadzirira kukwira bhazi kwehafu yeawa kuti aendese mwana wake kukirechi, kuchiteverwa neimwe awa yokukwira bhazi kuenda kubasa. Pashure pokushanda pabasa rake rokuchenesa, anoita rwendo rwokudzoka kumusha wake. Pausiku hwemisangano, kana kuti apo anopinda mubasa romumunda, anofamba imwe awa nebhazi nzira imwe neimwe, pasinei zvapo nechishoro chinobva kumurume wake. Nepo achimuratidza rudo neshiviriro, akafambira mberi kusvika kupfundo retsauriro norubhapatidzo. Zvakadini nomurume wake? Akapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu ndokubvuma kuva nefundo yeBhaibheri.
Kukomborerwa Nemigumisiro Yakaisvonaka
Nokuda kwavazhinjisa vaava vanhu, kugara kwavo muAthens ndokwechinguvana. Vazhinji vanodzokera kunyika yavo yavakabva kuti vagoverane mashoko akanaka nehama dzokunyama neshamwari. Vamwe vanotamira kunyika dzokuMadokero dzakasiyana-siyana ndokupfuurira kubatira Jehovha. Avo vanogara vari muGreece vanofarikanya migumisiro yakanaka vachipupurira vanhu vokunyika kwavo avo vakatamirawo ikoko. Mune zvimwe zviitiko mbeu dzezvokwadi dzakabereka zvibereko bedzi pashure pokunge vashanyi vakatamira kune imwe nyika uye vakawanwa neZvapupu.
Kwose ikoku kunobvumikisa kuti Jehovha haasaruri. Anogamuchira vanhu vanobva murudzi rwuri rwose avo vanomutya nokuda kururama. (Mabasa 10:34, 35) Nokuda kwavanhu vakadaro vakafanana namakwai, kutamira kwavo kuimwe nyika nokuda kwebetsero dzokunyama kwakaguma nezvikomborero zvakakura zvikuru kupfuura izvo vakanga vakarira—kuziva Mwari wechokwadi, Jehovha, uye chipikirwa chake choupenyu husingagumi munyika itsva yakarurama. Hungu, Jehovha zvirokwazvo akakomborera zvikuru nhamburiko dzokusvika vanhu vanotaura mitauro yokumwe muAthens yomuzuva razvino uno!
[Mifananidzo iri papeji 16]
Vanhu vanobva munyika zhinji vari kunzwa mashoko akanaka muAthens