Rutyo—Ishamwari Here Kana Kuti Muvengi?
“Ndinofunga pamusoro penzira yandinoda kufa nayo. Handidi kupfurwa, asi kana ndikapfurwa, ndinoda kupfurwa mumusoro apa chaipo, kuitira kuti ndife pakarepo.”
MUTORI wenhau weLos Angeles Times akanzwa izvozvo kubva kune mumwe musikana wamakore 14 okukura. Akanga achibvunzurudza vadzidzi pamusoro pokuuraya kwenguva pfupi yapfuura—pwere dzichiuraya vose vari vaviri vakuru nedzimwe pwere. Mushumo wacho waiva nomusoro unoti: “Nyika Yorutyo.”
Haugoni kukundikana kuziva kuti vakawanda vanorarama munyika yorutyo. Rutyo rwei? Kwaizova kwakaoma kunanga rutyo rupi norupi rwakati. Ona kana uchigona kuwana kubva mubhokisi riri parutivi zvinhu izvo shamwari dzako kana vanhu vakawanda munharaunda mako vanotya. Bhokisi racho rinobva muNewsweek yaNovember 22, 1993, uye rinoratidza migumisiro yebvunzurudzo isina kurongwa ye“vana 758 vari pakati pamazera 10 ne17, pamwe chete navabereki vavo.”
Kudai pwere idzodzo dzaizobvunzurudzwa zvino, dzingataura zvikonzero zvakawedzerwa zvokutya, zvakadai sokudengenyeka kwenyika. Zvichitevera kudengenyeka kune ngwavaira muLos Angeles muna January 1994, Time yakashuma, kuti: “Pakati pezviratidzo zvechirwere chapashure pedzvinyiriro inorwadza pane yeuko dzakamwe kamwe dzisingadzoreki, maroto anotyisa, kuva akasvinura zvakanyanyisa uye hasha pamusoro pokukundikana kudzora upenyu hwomunhu.” Mumwe muzvinabhizimisi uyo akanga asarudza kutama munharaunda yacho, akati: “Kuvadziko yacho haisiri chinhu. Kutyisa kwacho. Unodzika kunorara pauriri hwapasi wakapfeka shangu. Haurari. Unongogara ipapo uchikumirira usiku huri hwose. Hazvifadzi.”
“Nhevedzano Yengwavaira Inosiya Vagari veJapan Vachitya” wakanga uri musoro wakapiwa mushumo weTokyo, waApril 11, 1995. Wakati: “Chirwere chinotapura gadziriro yetsinga . . . chakanga chiri zvikurukuru denho yakakomba kundangariro dzeveJapan nemhaka yokuti chakauya senhevedzano yezviitiko izvo pamwe chete zvakaparira kusava nechokwadi kutsva kukuru pamusoro penguva yemberi. . . . Vanhu havachanzwizve vakakotsekana mumigwagwa iyo yaimbosanozivikanwa nokuda kwekotsekano yayo masikati kana kuti usiku.” Uye havasati vari vakwegura chete vanotya. “Purofesa Ishikawa [weSeijo University] akati funganyo yacho . . . yakanga iri huru zvikurukuru pakati pavanhu vaduku, avo vasingawanzova nemufungo wakajeka weicho nguva yemberi yakavachengetera.”
Ufakazi hunokarakadza kuti “chiitiko cherutyo rukuru chinogona kuchinja kushanda kwouropi, kuchiita kuti vanhu vadavidze zvikuru kusundo dzeadrenaline kunyange makumi amakore gare gare.” Vasayendisiti vari kuedza kunzwisisa kuti uropi hunodudzira sei mamiriro ezvinhu anotyisa—nzira yatinoyera nayo maidi ndokudavidza kurutyo. Purofesa Joseph LeDoux akanyora, kuti: “Kupfurikidza nokudzidza munofamba namaneuron kupfurikidza namo mamiriro ezvinhu anoparira chisikwa kuziva pamusoro porutyo, tinotarira kujekesa kushanda kwose kweichi chimiro cheyeuko.”
Vakawanda vedu, kunyange zvakadaro, hatifariri zvikuru kwazvo hwaro hwemakemikoro kana kuti hwamaneuron hworutyo. Chaizvoizvo tingava nefariro mumhinduro kumibvunzo yakadai sokuti, Neiko tichitya? Tinofanira kudavidza sei? Rutyo rupi norupi rwakanaka here?
Zvimwe ungabvuma kuti pane dzimwe nguva rutyo runogona kukubetsera. Somuenzaniso, fungidzira kuti kwasviba sezvaunosvika imba yako. Suo rakavhurwa zvishoma, kunyange zvazvo warisiya rakavharwa zvakasimba. Nepahwindo unenge uri kuona mimvuri iri kufamba. Nokukurumidza haugadzikani, uchinzwa kuti chimwe chinhu hachina kururama zvikuru. Zvichida mbavha kana kuti muvhozhokeri ane banga ari mukati.
Rutyo rwako rwomusikirwo rwamamiriro ezvinhu akadaro rungagona kukuchengetedza pakupinda wakarivara mumamiriro ezvinhu ane ngozi. Rutyo rungakubetsera kuzvidzivirira kana kuti kuwana yamuro usati watarisana nengozi inobvira. Kune mienzaniso yakadaro yakawanda: chiratidzo chinokusvinudza pasimba guru ramagetsi; chiziviso chenhepfenyuro chedutu riri kusvika nokukurumidza munharaunda yenyu; ruzha rukuru rwomukati memotokari yako sezvo unotyaira mumugwagwa une zvinofamba mauri zvakawanda.
Mune zvimwe zvinoitika rutyo zvirokwazvo runogona kuva shamwari. Runogona kutibetsera kuzvidzivirira timene kana kuti kuita nokuchenjera. Unosanoziva, zvisinei, kuti rutyo rwenguva dzose kana kuti rukuru zvirokwazvo harusati ruri shamwari. Muvengi. Runogona kuparira kufemereka, kurova nokukurumidza kwomwoyo, kufenda, kudedera, kunzwa mudumbu, uye pfungwa yokunzwa kusaitira hanya mhoteredzo dzomunhu.
Ungakuwana kuchifadza zvikurusa kuti Bhaibheri rakajekesa kuti nguva yedu yaizoratidzirwa nezviitiko zvinotyisa pasi pano uye norutyo rukuru. Kwakadaro sei, uye ipesvedzeroi iyo kunofanira kuva nayo paupenyu hwako nokufunga? Uyewo, neiko kuchigona kutaurwa kuti kubva mumurangariro weBhaibheri, kune rutyo rwezuva nezuva urwo zvikurukuru runobetsera uye rwakanaka? Ngationei.
[Bhokisi riri papeji 3]
Vabvunzwa chinovanetsa zvikurusa ivo nemhuri dzavo, vakuru navana vanoti vanotya:
VANA VABEREKI
56% Utsotsi mukurwisana nomutezo wemhuri 73%
53% Mukuru anorasikirwa nebasa 60%
43% Kusakwanisa kutenga zvokudya 47%
51% Kusakwanisa kubhadhara chiremba 61%
47% Kusakwanisa kubhadhara pokugara 50%
38% Mutezo wemhuri une chinetso chemirimo 57%
38% Mhuri yavo haingagari pamwe chete 33%
Manyuko: Newsweek, November 22, 1993