‘Haiwa, Kudai Munhu Ari Wose Akanga Akaita Saizvo!’
Aya akanga ari mashoko omumwe munyori wenyaya dzepepanhau mupepanhau reLuxembourg Letzebuerger Journal. Akanga achitaura nezvavanaani?
Akanga aenda kuPoland kunopinda kuchengetwa kwegore negore kwechi50 kwekusununguka kweAuschwitz ndokucherekedza kuti boka rimwe rakanga ratambura zvikuru ikoko harina kutongodudzwa. Munyaya yake yaFebruary 2, 1995, akazivisa boka iri seZvapupu zvaJehovha ndokunyora, kuti: “Usungwa hwakakomba zvikurusa kana kuti musasa wechibharo, kana kuti tyisidziro yokuparara zvinosiririsa mudzimba dzenzara kana kuti kuurawa nedemo kana kuti kuchekwa hazvaigona kuzviita kuti zvirambe kutenda kwazvo.” Akapfuurira, kuti: “Kunyange varindiri veSS vane utsinye vakashamiswa neushingi uhwo Zvapupu zvaJehovha zvakaenda nahwo kurufu rwazvo.”
Zvapupu zvaJehovha hazvina kutsvaka rufu. Asi, savaKristu muzana ramakore rokutanga, zviuru zvazvo zvakasarudza rufu panzvimbo pokubvumiranisa pane zvisina kufanira nheyo dzechiKristu. Kutenda kwakadaro kwakazviratidzira sezvakasiyana zvakatanhamara mumazuva anotyisa eThird Reich.
Munyori wacho wenyaya dzepepanhau akagumisa, kuti: “Haiwa, kudai vanhu vose vakanga vakaita seZvapupu zvaJehovha!” Kudai vakanga vakadaro, hondo yenyika yechipiri ingadai isina kutongoitika.