Vazivisi voUmambo Vanoshuma
VaKristu Vechokwadi Vachatambudzwa
KUBVIRA mumazuva aAbheri, vazhinji vevabatiri vaJehovha vakatsungirira chitambudzo chorudzidziso. (Ruka 11:49-51) Uye hakushamisi, nokuti Bhaibheri rinonyevera kuti “vose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa”! (2 Timotio 3:12) Nenzira inowirirana, nhasi munyika dzinopfuura 25, Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa uye zvinotsungirira chitambudzo.
Muimwe nyika umo Zvapupu zvaJehovha zvisina kungorambidzwa bedzi asiwo zvinotambudzwa naverudzidziso, vaparidzi vemashoko akanaka vanopfuura 12 000 vanopfuurira kushanda nokushingaira, vachifunda Bhaibheri navanhu vanopfuura 15 000. Chokwadika, basa ravo rokuparidza rinoitwa nokungwarira. Kazhinji kazhinji, vanoita misangano yavo yechiKristu mudzimba dzavanhu, uye vanongwarira pakukokera vanhu vanofarira kumisangano yakadaro.
Nguva pfupi yapfuura hurumende yakagamuchira chimiro chendangariro chakapfava zvikuru kuZvapupu, izvo zvino zvinoita zhinji rebasa razvo pasina kuvhiringidzwa kwoukono. Zvisinei, mapoka akasiyana-siyana orudzidziso akashandisa pesvedzero yawo kunyandura dambudziko.
Murimwe guta mhomho yakashatirwa yavanyanyisi vorudzidziso 200 yakafora yakananga imba uko zvinenge 50 zveZvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiita musangano weungano. Vamwe vaiva mumhomho yacho vakanga vakatakura mabwe uye vachidanidzira kutaura kworudzidziso. Chinangwa chavo chaiva pachena chakanga chiri chokudenha Zvapupu uye kuparadza imba yacho. Vatungamiriri vorudzidziso sezviri pachena vakanga vachiona mibato yemusangano wacho kwenguva yakati ndokumirira nguva yakarurama yokudenha. Mhomho yacho yakanga yavakutoda kupinda mumba macho apo mapurisa 15 akasvika ndokurayira boka racho kupararira. Ichi chakanga chiri chishamiso kuZvapupu zvacho, sezvo pasina nomumwe wazvo akanga awana kunyange nguva yokudana mapurisa.
Pane dzimwe nguva, kunyange zvazvo zvakadaro, vashori vakabudirira zvikuru. Zvapupu zvinoverengeka zvakatongwa ndokutongerwa kupinda mutorongo. Imwe nhau yedare yakanga isina kugumiswa kwamakore anoverengeka, uye sezviri pachena varoveri vemhaka vakanga varasa fariro mairi. Zvisinei, pakusvudziro yavafundisi vomunzvimbomo, nhau yacho yakadzorerwa kudare, uye Chapupu chacho chakatongerwa torongo.
Mune imwe nzvimbo rimwe boka reZvapupu raisangana mumusha womunhu kuzochengeta Chidyo chaShe Chamadekwana. Gare gare madekwana iwayo mapurisa anoverengeka akasunga saimba nomukuru akanga aitisa musangano wacho. Pakamba yamapurisa, vakarohwa zvakakomba. Bvunzurudzo youtsinye yakatora maawa anoverengeka. Mumwe weZvapupu zvacho akatsungirirawo chitambudzo chokuiswa mutsime rinotonhora.
Neiko mapurisa aidenha zvakadaro? Zvakare, rimwe boka ravanyanyisi vorudzidziso, nebetsero yavafundisi vomunzvimbomo, raitsigira chiito chamapurisa. Gare gare mukuru wamapurisa akazivisa kuti kusunga kwacho kwakaitwa pasina mvumo yake. Kukumbira ruregerero kwakaziviswa, uye vanhu vakaparira kurova kwacho vakarangwa.
Munyika yose Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, kunyange mukutarisana nechishoro chamasimba masimba. Zvinotevera zano raJesu, rokuti: “Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva.”—Mateo 10:16.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Aberi akanga ari wokutanga kutambudzwa