RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 9/1 pp. 22-26
  • “Rudo Harutongoperi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rudo Harutongoperi”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Boka Refundo yeBhaibheri Rinoumbwa
  • Chishoro Chavafundisi
  • Mubato Wedu Wokuparidza
  • Makore Ehondo
  • Mupimo waJehovha Weroorano Unojekeswa
  • Ropafadzao Dzebasa
  • Rudo Rwechokwadi Harutongoperi
  • Ndakanga Ndiri Mwanakomana Akarasika
    Mukai!—2007
  • Kugutsikana Kunobva Kuna Mwari Kwakandisimbisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Nhaka Inokosha yechiKristu Yakaita Kuti Ndibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 9/1 pp. 22-26

“Rudo Harutongoperi”

YAKATAURWA NASAMUEL D. LADESUYI

Ndinoshamisika apo ndinorangarira makore apfuura ndokuona zvose zvakaitwa. Jehovha ave achiita zvinhu zvinoshamisa mupasi rose. MuIlesha, Nigeria, vashomanene vedu avo vakavamba kuparidza muna 1931 vazova ungano 36. Vanenge 4 000 avo vakanga vachipupura muNigeria apo vakapedza kufunda vokutanga veWatchtower Bible School of Gilead vakasvika muna 1947 vakura kuva vanopfuura 180 000. Mumazuva apakuvamba, hatina kukarira, kana kumbofungidzira, futunuko yaizoitika. Ndinoonga sei kuti ndakava negoverano muiri basa rakaisvonaka! Regai ndikuudzei pamusoro paro.

BABA vangu vaitenga nokutengesa pfuti neunga mumataundi; vaisawanzova pamusha. Vaiva navadzimai vanomwe vandaiziva nezvavo, asi havasati vari vose vaigara navo. Baba vangu vakagara nhaka amai vangu kubva kumukoma uyo akanga afa. Vakava mudzimai wavo wechipiri, uye ndakagara navo.

Mumwe musi Baba vakauya kumusha vachibva kundoshanyira mudzimai wavo wokutanga, uyo aigara mune mumwe musha waiva pedyo. Vari ikoko, vakaziva kuti mwanakomana wokwamaiguru akanga achipinda chikoro. Mwanakomana wokwamaiguru akanga ane makore gumi okukura, zera rimwe chetero neni. Naizvozvo Baba vakasarudza kuti ndaifanira kupindawo chikoro. Vakandipa mapeni mapfumbamwe—mapeni matatu nokuda kwebhuku rokurava uye mapeni matanhatu nokuda kwechiredhi. Maiva muna 1924.

Boka Refundo yeBhaibheri Rinoumbwa

Kubva mumakore angu apakuvamba zvikurusa, ndaida Shoko raMwari, Bhaibheri. Ndaifarira zvidzidzo zveBhaibheri muchikoro uye ndairumbidzwa nguva dzose navadzidzisi vangu veSandisikuru. Naizvozvo muna 1930, ndakashandisa mukana wokupinda hurukuro iyo yakapiwa nomumwe Mudzidzi weBhaibheri aishanya, mumwe wevokutanga kuparidza muIlesha. Mushure mehurukuro yacho, akandigovera kopi yebhuku raThe Harp of God mumutauro wechiYoruba.

Ndakanga ndapinda Sandisikuru nguva dzose. Zvino ndakatanga kutora The Harp of God ndokurishandisa mukuramba dzimwe dzedzidziso dzakanga dzichidzidziswa ipapo. Nharo dzakatevera, uye ndaiwanzonyeverwa navatungamiriri vorudzidziso kuti ndisatevere iyi ‘dzidziso itsva.’

Gore rakatevera, ndichifamba-famba zvangu nomugwagwa, ndakasvika pane rimwe boka ravanhu vakanga vachiteerera mumwe murume uyo akanga achivakurukurira. Mukurukuri wacho akanga ari J. I. Owenpa, Mudzidzi weBhaibheri. Akanga atumwa ikoko naWilliam R. Brown (aiwanzodanwa kuti Bible Brown), uyo akanga achitarisira basa rokuparidza Umambo ari muLagos.a Ndakaziva kuti boka duku rokufunda Bhaibheri rakanga raumbwa muIlesha kuti ridzidze The Harp of God, naizvozvo ndakavakumbanira.

Ndakanga ndiri mudukusa muboka racho—mwana wechikorowo zvake, ane anenge makore 16 okukura. Kazhinji kazhinji ndaifanira kuve ndakakwenudzwa, kunyange kutya, kuti ndisonganire zviri pedyo zvakadaro navarume vakanga vava mumakore avo okuma30 uye vakura zvikuru. Asi vakanga vachifara zvikuru kuva neni pakati pavo, uye vaindikurudzira. Vakanga vakaita savanababa kwandiri.

Chishoro Chavafundisi

Nokukurumidza takavamba kutarisana nechishoro chakakomba kubva kuvafundisi. VaKaturike, vaAnglican, uye vamwe, avo vaimborwisana, zvino vakanga vabatana mukutirwisa. Vakarangana namadzishe omunzvimbomo kuti vaite chiito chokutiodza mwoyo. Vakatumira mapurisa kuzobvuta mabhuku edu, vachitaura kuti akanga ane ngozi kuvanhu. Zvisinei, mukuru mukuru weruwa akanyevera kuti vakanga vasina kodzero dzokutora mabhuku acho, uye vhiki mbiri gare gare mabhuku acho akadzorerwa.

Mushure maizvozvi takadaidzwa kumusangano uko takasangana naoba, kana kuti ishe mukuru, pamwe chete navamwe vanhu vakatanhamara vetaundi racho. Takanga tiri vanenge 30 muchiverengero panguva yacho. Vavariro yacho yakanga iri yokutiregedzesa kurava mabhuku “ane ngozi.” Vakatibvunza kana takanga tiri vaeni, asi apo vakanyatsotarira zviso zvedu, vakati, “Ava vanakomana vedu, kunyange zvazvo pane vaeni pakati pavo.” Vakatiudza kuti vaisada kuti tipfuurire kudzidza mabhuku orudzidziso rwakanga ruchizotikuvadza.

Takaenda kumusha tisina kutaura chinhu chipi nechipi, nokuti takanga tasarudza kusapa ngwariro ipi neipi kuvanhu vakatanhamara ivavo. Vakawanda vedu takanga tichifara zvikuru nezvatakanga tichidzidza uye takanga takatsunga kupfuurira kufunda. Naizvozvo, kunyange zvazvo vashomanene vakava vanotyisidzirwa ndokubva muboka redu, vakawanda vedu takapfuuridzira fundo yedu mushopu yomuvezi. Takanga tisina muitisi. Taivamba nomunyengetero uye ipapo ndokuita majana okurava ndima dzebhuku racho. Mushure meinenge awa, tainyengetera zvakare uye ipapo taienda kumusha. Asi takanga tichisoriwa, uye madzishe navatungamiriri vorudzidziso vakapfuurira kutidaidza vhiki mbiri dzoga dzoga ndokutinyevera kuti tisafunde mabhuku eVadzidzi veBhaibheri.

Munguvayi, takanga tichiedza kushandisa zivo shomanene iyo taiva nayo kuti tibetsere vanhu, uye vakawanda vakanga vachibvumirana nesu. Mumwe pashure pomumwe, vanhu vamwe navamwe vakanga vachitikumbanira. Takafara zvikuru, asi takanga tichiri vasingazivi zvakawanda zvikuru pamusoro porudzidziso urwo takanga tichisonganirana narwo.

Mukuvamba kwa1932 imwe hama yakasvika ichibva kuLagos kuzobetsera kutironga, uye muna April “Bible” Brown akauyawo. Vachiona kuti kwaiva neboka ravanenge 30, Hama Brown vakabvunza pamusoro pefambiro mberi iyo takanga tichiita mukurava kwedu. Takavaudza zvose zvataiziva. Vakataura kuti takanga tagadzirira kuti tibhapatidzwe.

Sezvo wakanga uri mwaka wokusanaya kwemvura, taifanira kuenda kurwizi rwaiva makiromita 14 kubva muIlesha, uye vanenge 30 vedu vakabhapatidzwa. Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi takazviona timene savaparidzi voUmambo uye takavamba kuenda paimba neimba. Takanga tisina kukarira kuita izvozvi, asi zvino takanga tava kudisa kugoverana navamwe zvataiziva. Taifanira kusanogadzirira kuitira kuti tive netsigiro yeBhaibheri yokuramba dzidziso dzenhema idzo taisangana nadzo. Naizvozvo pamisangano yedu, taiwanzokurukura dzidziso dzacho, tichibetserana nezvataiziva.

Mubato Wedu Wokuparidza

Takafukidza taundishipi yacho nokuparidza kwedu. Vanhu vakatizvidza nokutituka, asi hatina kuzviitira hanya. Mufaro wedu wakanga uri mukuru nemhaka yokuti taiva nezvokwadi, kunyange zvazvo takanga tichine zvakawanda zvokudzidza.

Taienda paimba neimba Svondo iri yose. Vanhu vaibvunza mibvunzo, uye taiedza kuvapindura. Mumanheru eSvondo taipa hurukuro yavose. Takanga tisina Horo yoUmambo, naizvozvo taiitira misangano yedu panze. Taiunganidza vanhu pamwe chete, topa hurukuro, ndokuvakumbira kubvunza mibvunzo. Pane dzimwe nguva taiparidzira muchechi.

Takafambawo kunharaunda uko vanhu vakanga vasina kutongonzwa nezveZvapupu zvaJehovha. Kakawanda, taienda namabhasikoro, asi pane dzimwe nguva taihaya bhazi. Apo taisvika pamusha, tairidza hwamanda zvinonzwika. Musha wose waitinzwa! Vanhu vaimhanyira kuzowana chakanga chichiitika. Ipapo taipa shoko redu. Mushure mokunge tapedza, vanhu vairwidzana kuti vawane makopi emabhuku edu. Taigovera zvitsama zvikuru.

Taikarira nokudisa kuuya kwoUmambo hwaMwari. Ndinoyeuka kuti apo takagamuchira 1935 Yearbook, imwe yehama, payakaona rudungwe rwakazara rwekurukurirano dzorugwaro dzegore racho, yakabvunza, kuti: “Ikoku kunoreva here kuti tichapedza rimwe gore rose Armagedhoni isati yauya?”

Mukupindura muitisi wacho akabvunza, kuti: “Hama, munofunga kuti kana Armagedhoni ikauya mangwana, ticharega kurava Yearbook here?” Apo hama yacho yakati aiwa, muitisi wacho akati: “Ipapo muri kunetsekerei?” Takanga, uye tichiri, kudisa zuva raJehovha.

Makore Ehondo

Mukati mehondo yenyika yechipiri, kupinzwa munyika kwamabhuku edu kwakarambidzwa. Imwe hama muIlesha isingazivi yakaratidzira bhuku raRiches kumupurisa. Mupurisa wacho akabvunza, kuti: “Ndiani ari muridzi weiri bhuku?” Hama yacho yakati rakanga riri rayo imene. Mupurisa wacho akataura kuti rakanga riri bhuku rinorambidzwa, akaiendesa kukamba yamapurisa, ndokumuvharira.

Ndakaenda kukamba yamapurisa uye, mushure mokubvunza, ndakabhadharira hama yacho bheroauti. Ipapo ndakaridzira Hama Brown runhare muLagos kuti ndimuzivise zvakanga zvaitika. Ndakabvunzawo kana kwakanga kune mutemo upi noupi wairambidza kuparadzirwa kwamabhuku edu. Hama Brown vakatiudza kuti kupinzwa munyika bedzi, kwete kuparadzirwa, kwamabhuku edu kwakanga kwarambidzwa. Mazuva matatu gare gare, Hama Brown akatuma hama kubva kuLagos kuti ione zvakanga zvichiitika. Hama iyi yakasarudza kuti tose zvedu taifanira kubuda mubasa rokuparidzira zuva raitevera namagazini namabhuku.

Takapararira mumativi akasiyana-siyana. Mushure meinenge awa, ndakashumwa kuti hama dzakawanda dzakanga dzasungwa. Naizvozvo hama yaishanyira neni takaenda kukamba yamapurisa. Mapurisa akaramba kuteerera tsananguro yedu yokuti mabhuku acho akanga asina kurambidzwa.

Hama 33 dzakanga dzasungwa dzakatumirwa kuDare raMejastriti Mukuru kuIfe, uye ndakadzikumbanira. Vanhu vomutaundi vakationa tichitorwa vakadanidzira, kuti: “Basa ravanhu ava zvino ragumiswa. Havasati vachizouya kuno zvakare.”

Pomero yakasumwa kuna mejastriti mukuru, mugari weNigeria. Mabhuku ose namagazini akaratidzirwa. Akabvunza kuti ndiani akanga apa mukuru wamapurisa chiremera chokusunga ava vanhu. Mukuru wamapurisa akapindura kuti akanga atevedzera mirayiridzo yaibva kumukuru mukuru weruwa. Mejastriti mukuru akadaidza mukuru wamapurisa nevana vavamiriri vedu, kubatanidza ini, kukamuri rake.

Akabvunza uyo akanga ari Mr. Brown. Takamuudza kuti akanga ari mumiriri weWatch Tower Society muLagos. Ipapo akatiudza kuti akanga agamuchira tenigramu yaibva kuna Mr. Brown pamusoro pedu. Akatindika nhau yacho zuva iroro ndokubvumira hama dzacho bheroauti. Zuva rakatevera akaona hama dzisina mhosva, achidzisunungura, uye akarayira mapurisa kudzorera mabhuku.

Takadzokera kuIlesha, tichiimba. Zvakare vanhu vakatanga kudanidzira, asi panguva ino vakanga vachiti, “Vauyazve!”

Mupimo waJehovha Weroorano Unojekeswa

Makanga muri muna 1947 apo vakapedza kufunda veGilead vatatu vokutanga vakasvika muNigeria. Mumwe weidzi hama, Tony Attwood, achiri kubatira pano, paBheteri reNigeria. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, takaona chinjo huru musangano raJehovha muNigeria. Imwe yechinjo huru yakanga iri murangariro wedu webarika.

Ndakaroora Olabisi Fashugba muna February 1941 uye ndaiva nezivo yakakwana yokusatora vadzimai vapi navapi vokuwedzera. Asi kutozosvikira muna 1947 apo vafundisi vakauya, barika rakanga richizivikanwa navose muungano. Hama dzaiva namabarika dzakaudzwa kuti dzakanga dzaroora anopfuura mudzimai mumwe mukusaziva. Naizvozvo kana dzaiva navadzimai vaviri kana kuti vatatu kana kuti vana kana kuti vashanu, dzaigona kuvachengeta, asi dzaisafanira kutora vamwezve. Iyi ndiyo tsika yataiva nayo.

Vanhu vakawanda vakanga vave vachidisa kutikumbanira, zvikurukuru Nzanga yeCherubim naSeraphim yaiva muIlesha. Vakataura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri vanhu bedzi vaidzidzisa zvokwadi. Vaibvumirana nedzidziso dzedu uye vaida kuchinjira chechi dzavo kuva Horo dzoUmambo. Takanga tichishanda nesimba kuti tiite ikoku. Taitova nenzvimbo dzokurovedza vakuru vavo.

Ipapo kwakauya nhungamiro itsva pamusoro pebarika. Mumwe wavafundisi akapa hurukuro pagungano redunhu muna 1947. Akataura pamusoro pomufambiro wakanaka netsika. Tevere akanokora mashoko 1 VaKorinte 6:9, 10, iyo inotaura kuti vasakarurama havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari. Ipapo akawedzera, kuti: “Uye vapariki havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari!” Vanhu vaiva muvateereri vakadanidzira, kuti: “Haiwa, vapariki havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari!” Kwakaguma nokukamukana. Kwakanga kwakaita sehondo. Vakawanda vevakanga vachangobva kusonganira vakarega kusonganira, vachiti: “Tinoonga Mwari, hatisati tanyanyobatanidzwa.”

Voruzhinji vehama, zvisinei, vakatanga kugadziridza nzira dzavo kupfurikidza nokuregera vadzimai vavo. Vakavapa mari ndokuti, ‘Kana uchiri muduku, enda undotsvaka mumwe murume. Ndakaita chikanganiso nokukuroora. Zvino ndinofanira kuva murume womudzimai mumwe.’

Nokukurumidza chimwe chinetso chakamuka. Vamwe, mushure mokusarudza kuchengeta mudzimai mumwe ndokuendesa vamwe, vakachinja ndangariro dzavo ndokusarudza kuti vaida kutora zvakare mumwe wavamwe vadzimai ndokuendesa uyo vakanga vachengeta kare! Naizvozvo chinetso chakatanga zvakare.

Imwe nhungamiro yakabva kudzimbahwe muBrooklyn, yakavakirwa pana Maraki 2:14, iyo inonongedzera ku“mukadzi woujaya hwako.” Nhungamiro yacho yakanga iri yokuti varume vanofanira kuchengeta mudzimai wokutanga uyo vakanga varoora. Iyi ndiyo nzira iyo nhau yacho yakapedzwa nayo pakupedzisira.

Ropafadzao Dzebasa

Muna 1947 Sosaiti yakavamba kusimbisa ungano ndokudzironga kuva matunhu. Vaida kugadza hama dzakakura mumudzimu dzaiva nezivo yakawanda sa‘vabatiri vehama,’ zvino vava kunzi vatariri vamatunhu. Hama Brown vakandibvunza kana ndaizogamuchira kugadzwa kwakadaro. Ndakataura kuti chikonzero chokubhapatidzwa kwangu chakanga chiri chokuita kuda kwaJehovha, ndichiwedzera, kuti: “Ndimi makatondibhapatidza. Apo kune mukana zvino kuti ndibatire Jehovha zvizere zvikuru, munofunga kuti ndinoramba here?”

Muna October wegore iroro, vanomwe vedu takadaidzwa kuLagos uye takapiwa rovedzo tisati tatumirwa mubasa redunhu. Mumazuva iwayo matunhu akanga akakura. Nyika yose yakanga yakakamurwa kuva matunhu manomwe chete. Ungano dzakanga dziri shomanene.

Basa redu savabatiri vehama rakanga rakaoma. Taifamba mamaira akawanda zuva rimwe nerimwe, kazhinji kazhinji nomumasango omunzvimbo dzinopisa. Vhiki iri yose taifanira kufamba kubva pamusha kuenda pamusha. Padzimwe nguva ndainzwa kuti makumbo angu akanga aneta. Pane dzimwe nguva ndainzwa kuti ndakanga ndava kufa! Asi kwakanga kunewo mufaro mukuru, zvikurukuru pakuona chiverengero chinowedzera chavanhu vaigamuchira zvokwadi. Chokwadika, mumakore manomwe chete, nhamba yavaparidzi munyika yacho yakawedzera kakapetwa kana!

Ndakagoverana mubasa redunhu kutozosvikira muna 1955 apo utano husina kutsarukana hwakandimanikidza kudzokera kuIlesha, uko ndakagadzwa somutariri weguta. Kuva pamusha kwakandigonesa kupa ngwariro yakawanda kukubetsera mhuri yangu mumudzimu. Nhasi vatanhatu vose vevana vangu vari kubatira Jehovha nokutendeka.

Rudo Rwechokwadi Harutongoperi

Apo ndinorangarira makore apfuura, ndine zvakawanda zvikuru zvokuva anoonga nokuda kwazvo. Kwakanga kune kuodzwa mwoyo, funganyo, uye kurwara, asi kwakangawo kune mifaro yakawanda. Kunyange zvazvo zivo yedu nenzwisiso zvakakura mumakore akapfuura, ndakadzidza kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira revo ya1 VaKorinte 13:8, iyo inoti: “Rudo harutongoperi.” Kana uchida Jehovha uye uchirambira zvakatsiga mubasa rake, achakubetsera muzvinetso zvako uye achakukomborera zvikuru.

Chiedza chezvokwadi chiri kupenya zvishoma nezvishoma. Mumazuva apo takatanga, taifunga kuti Armagedhoni yaizouya nokukurumidza; ndokusaka takanga tichikurumidzira kuita zvose zvataigona. Asi kwose kwakanga kuri nokuda kwebetserwo yedu. Ndokusaka ndichibvumirana namashoko ewezvamapisarema anoti: “Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.”—Pisarema 146:2.

[Mashoko Omuzasi]

a Hama Brown vaidanwa kuti Bible Brown nemhaka yetsika yavo yokunongedzera kuBhaibheri sechiremera chokupedzisira.—Ona “Kukohwa Kwomuevhangeri Wechokwadi” iri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1992, peji 32.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Samuel naMilton Henschel muna 1955

[Mufananidzo uri papeji 24]

Samuel nomudzimai wake, Olabisi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe