Nzira Yakafara Ine Rusununguko Rushoma
Mhuri yavatatu—baba, amai, uye mwanasikana muduku— yakanga iri pamusha muSydney, Australia, apo imba yakabatira mwoto. Vakaedza kusvetuka napamahwindo, asi iwaya akanga ane mipingo. Nemhaka yeiyi mipingo yechengeteko, vadzimuri vemwoto vaisagona kuvaponesa. Mai vacho nababa vakaparara muutsi namarimi. Mwanasikana wacho akafa gare gare muchipatara.
KUNOSURUVARISA sei kuti iyi mhuri yakafa nemhaka yezvakaiswa izvo zvaifanira kuvadzivirira! Chiratidzo panguva dzedu kuti iyi mhuri haisati iri yoga mukuita kuti musha wayo utaviridzwe nemipingo uye kiyi dzechengeteko. Vakawanda vavavakidzani vanewo misha nezvivako zvakafanana nenhare. Nemhaka yei? Vari kutsvaka chengeteko norugare rwendangariro. Kutambura kwakadini mu“nzanga yakasununguka” umo vanhu vanonzwa vakakotsekana bedzi apo vanenge vakapfigirwa savasungwa mumisha yavo vamene! Muchiverengero chinokura chenharaunda, vana havachagonizve kutamba nenzira yakakotsekana mupaka iri pedyopo kana kuti kuenda kuchikoro vasingaperekedzwi nomubereki kana kuti mumwe mukuru. Mumativi akawanda oupenyu, rusununguko ruri kunyangarika sedova ramangwanani.
Mugariro Wakasiyana
Mazuva avanasekuru vedu akanga akasiyana. Savana, vaigona kazhinji kazhinji kutamba uko vaida pasina kutya. Savakuru, vakanga vasina funganyo yekiyi nemipingo. Vainzwa vakasununguka, uye kumwero wakati vakanga vakasununguka. Asi vanasekuru vedu vakaona kombamiro yenzanga ichichinja mukati menduramo yavo. Yazova isina ushamwari zvikuru, ine udyire zvikuru; munzvimbo dzakawanda kuda muvakidzani kwakatsiviwa nokutya muvakidzani, uko kwakaparira chiitiko chine ngwavaira chadudzwa pamusoro apa. Chinowirirana nouku kushayikwa kworusununguko chave chiri kuderera kunopfuurira kwezvinokosha zvetsika. Nzanga yazova inoda zvikuru “tsika itsva,” asi chaizvoizvo, mamiriro ezvinhu zvino azosvikwa apo kuri kwakaoma kuona tsika dzipi nedzipi.
Aichimbova mudzidzisi mudzidzo paUniversity of Queensland, Dr. Rupert Goodman, anonyora, kuti: “Vanhu vaduku zvino vava kuratidzirwa kumuraramiro wakasiyana, womufaro . . . uko ‘ini’ ari chinhu chinokosha: kuzvifadza, kuzviziva, kuzvigutsa, kutsvaka fariro dzomunhu oga.” Anotiwo: “Zvinokosha zvakadai sokuzvidzora, kuzviramba, basa rakaoma, kushandisa mari nokungwarira, kuremekedza chiremera, kuda uye kuremekedza vabereki . . . mirangariro isina kurovedzeka kune vakawanda.”
Zvirokwazvo Inzira Yakafara
Avo vakarovedzana nouporofita hweBhaibheri havashamiswi nouhwu udyire hwakapararira, nokuti Jesu Kristu akanyevera vateereri vake, kuti: “Suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:13, 14) Nzira yokutanga, ine nzvimbo huru nokuda kwavafambi, ya“kafara” nemhaka yokuti haiganhurirwi nokuita kuti nheyo dzeBhaibheri dzidzore tsika nokurarama kwezuva nezuva. Inofadza kuavo vanoda kufunga sezvavanoda uye kurarama sezvavanoda—vasina mitemo, vasina misengwa.
Chokwadi, vakawanda vakasarudza nzira yakafara vanotaura kuti vanofarikanya rusununguko rwavo. Asi vakawandisa vavo vanosundwa nomudzimu wavose woudyire. Bhaibheri rinoti vanodzorwa nomudzimu “unobata zvino muvana vokusateerera.” Uyu mudzimu unovasunda kurarama mu“nyama . . . , [va]chiita kuda kwenyama,” ikoko kungava unzenza, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, kana kuti kuronda pfuma kwoupengo, mukurumbira, kana kuti simba.—VaEfeso 2:2, 3.
Nzira Yakafara Inotungamirira Kungwavaira
Cherechedza kuti avo vanofamba munzira yakafara vanosundwa kuita “kuda kwenyama.” Ikoku kunoratidza kuti havana kutongosununguka—vana tenzi. Varanda venyama. Uye kubatira uyu tenzi kunogona kutungamirira kuzvinetso zvakawanda—nhenda dzezvirwere zvinopfuudzwa muvatano, misha yakaputsika, miviri nendangariro zvinorwara nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo nezvinwiwa zvinodhakisa, kungodudza zvishomanene. Kunyange zviito zvamasimba masimba, kupaza, uye kubata chibharo zvinobva mukufunga kwoudyire kunokudziridzwa muiyi nzira yakafara yamadiro. Uye, nepo iyi nzira “inoenda kukuparadzwa” inopfuurira kuvapo, zvibereko zvayo zvichapfuurira kuva zvinokuvadza zvikuru.—Zvirevo 1:22, 23; VaGaratia 5:19-21; 6:7.
Rangarira mienzaniso chaiyoiyo miviri inobva kuAustralia. Mary akatera kumuedzo, achishandisa zvisina kufanira mirimo inopinda muropa pamwe chete nokuita unzenza.a Asi mufaro waaitsvaka wakamunzvenga. Kunyange mushure mokuva navana vaviri, upenyu hwake hwakaratidzika kuva husina maturo. Akasvika papfundo rakaipa zvikurusa apo akaziva kuti akanga ava neAIDS.
Tom akakuvadzwa munzira yakasiyana. “Ndakakurira pamisheni yechechi kuchamhembe kweQueensland,” anonyora kudaro. “Pazera ramakore 16, ndakatanga kunwa zvikuru. Baba vangu, vanasekuru, neshamwari vose vakanga vari vanonwa zvikurusa, naizvozvo kwakaratidzika kuva chinhu chomuzvarirwo chokuita. Ndakasvika padanho apo ndainwa chinhu chipi nechipi, kubva kudoro kusvika kumethylated spirits. Ndakatangawo kubhejera mabhiza, pane dzimwe nguva ndichirasikirwa neyakawanda zvikurusa yemiripo yangu yaiwanika kubva mukushanda zvakaoma. Ichochi chakanga chisati chiri chitsama chiduku, nokuti basa rangu rokutema nzimbe raibhadhara zvakanaka zvikuru.
“Ipapo ndakaroora uye takava navana. Panzvimbo pokutarisana nemitoro yangu, ndakaita zvaiitwa neshamwari dzangu—kunwa, kubhejera, uye kurwa. Kazhinji kazhinji ndaipfigirwa mujeri romunzvimbomo. Asi kunyange ikoku hakuna kuva netapuro pandiri. Upenyu hwangu hwakanga hwava kuenda kumawere. Hwakanga hwazara nezvinetso.”
Hungu, kupfurikidza nokutera kuzvishuvo zvisina kururama, Tom naMary vakakuvadza kwete ivo vamene bedzi asiwo mhuri dzavo. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vanhu vaduku vakawanda vanokombamira kukuedzwa nomudzimu worusununguko rwakawanda, usina kururama unogoverwa munzira yakafara. Kudai bedzi vechiduku vaigona kuziva chitarisiko chinonyengera, chourwu rusununguko. Kudai bedzi vaigona kuona zvomene dzeiyi nzira yakafara—migumisiro yakakomba iyo vose vari kufamba mairi vanofanira kuripa pakupedzisira. Chokwadi, yakafara uye iri nyore kufamba mairi. Asi kufara kwayo kumene kutukwa. Nzira yokuchenjera kurangarira zvakakomba idi risingarambiki rokuti “unodzvarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama.”—VaGaratia 6:8.
Zvisinei, kune chisarudzo chiri nani. Inzira nhete. Asi iyi nzira inoganhurira sei, yakamanikana uye inhete sei? Uye inotungamirira kupi?
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.