RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/1 pp. 20-24
  • Nhaka Yedu Yomudzimu Inokosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhaka Yedu Yomudzimu Inokosha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hwapakuvamba Hwababa
  • Kuenda kuEast Africa
  • Kurerwa kwechiKristu Kworudo
  • Kutendeka Kusvika Kumugumo
  • Vabereki Vedu Vakatidzidzisa Kuda Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Nhaka Yakaisvonaka yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kutevera Mumakwara Avabereki Vangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ko Kana Mubereki Wangu Achirwara?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/1 pp. 20-24

Nhaka Yedu Yomudzimu Inokosha

YAKATAURWA NAPHILLIP F. SMITH

“Mwenje wabatidzwa uyo uchabvira muAfrica ine rima zvikurusa.” Takafadzwa sei kurava zviri pamusoro apa papeji 75 ye1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses! Mashoko iwayo akanyorwa muna 1931 nasekuru vedu, Frank W. Smith, mutsamba kuna Hama Joseph F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society wapanguva iyeyo. Sekuru vakanga vanyora kuti vashume pamusoro peshanyo yokuparidza yavakaita nomunun’una wavo.

“GRAY SMITH namukoma wake Frank, mapiyona maviri akashinga aibva kuCape Town [South Africa], vakaenda kuBritish East Africa kuti vanonzvera bviro dzokuparadzira mashoko akanaka. Vakatora motokari, yeDe Soto iyo vakanga vachinjira kuva karavhani (motokari iri imba), ndokuiisa mungarava pamwe chete nemakatoni 40 emabhuku, ndokufamba nengarava kuenda kuMombasa, chiteshi chengarava cheKenya,” inotsanangura kudaro 1992 Yearbook.

Mutsamba yavo kuna Hama Rutherford, Sekuru vakarondedzera rwendo rwokubva kuMombasa kuenda kuNairobi, dzimbahwe reKenya, vachiti: “Takatanga rwendo rwunotyisa zvikurusa nemotokari rwandisati ndamboita. Kwakatitorera mazuva mana, tichifamba zuva rose, kufamba makiromita 580 . . . Pano neapo ndaifanira kubuda nefoshoro kuti ndienzanise mihomba, kuvhara makomba, uye kucheka uswa nemiti kuti ndizadze machakwi kuti mavhiri abatirire.”

Mushure mokusvika kuNairobi, Frank naGray vakashanda kwamazuva 21 aitevedzana vachiparadzira mabhuku avo eBhaibheri. “Kubva muzvinhu zvatinonzwa,” Sekuru vakanyora kudaro, “basa racho rakanyandura Nairobi yorudzidziso.” Mushure macho, Sekuru vakanga vachidisa kudzokera kumusha kumwanakomana wavo aiva namakore maviri okukura, Donovan, uye mudzimai wavo, Phyllis, uyo akanga achikarira mwana wavo wechipiri, baba vedu, Frank. Sekuru vakakwira ngarava yokutanga kuwanika kubva kuMombasa, asi vakafa nemarariya vasati vasvika kumusha.

Sezvo hanzvadzi yangu, munun’una wangu, uye ini takafungisisa nhoroondo iyoyo yeYearbook, ndangariro dzedu dzakatendeukira kuna baba vedu vanodiwa. Muna 1991, mwedzi mishomanene bedzi tisati tagamuchira 1992 Yearbook, vakanga vafa nezvinetso zvekuvhiyiwa kwemwoyo. Kunyange zvazvo vakanga vasina kutongosangana nababa vavo, vakagoverana kuda Jehovha kukuru kwababa vavo. Sekuru vaizofara sei kuziva kuti makore 28 gare gare, muna 1959, mwanakomana wavo aizotevera makwara avo somushumiri wechiKristu kuEast Africa!

Upenyu Hwapakuvamba Hwababa

Baba vedu vakaberekwa pana July 20, 1931, muCape Town, mwedzi miviri mushure morufu rwababa vavo vamene, vane zita ravakatumidzwa. Kubva pazera rapakuvamba, Baba vakaratidza kuda kwavo Jehovha. Apo vakanga vane makore mapfumbamwe bedzi, vakamira muchiteshi chikuru chechitima muCape Town vachiita basa rezvikwangwani apo vokuchikoro biyavo vaivaseka. Pazera ramakore 11, vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Pane dzimwe nguva Baba vaigoverwa kuti vashande vari voga mugwagwa wose muushumiri. Pakasvika nguva yavakanga vava namakore 18, vakanga vachiitisa Fundo yeNharireyomurindi rimwe boka rehanzvadzi dzechiKristu dzakwegura mune mumwe musha weCape Town.

Muna 1954 Watch Tower Society yakazivisa kuti kokorodzano dzamarudzi dzakanga dzichizoitwa gore raitevera muEurope. Baba vaishuva zvikuru kuenda, asi vakanga vasina mari yakakwana yokuenda ikoko vachibva Cape Town. Naizvozvo vakaita chibvumirano chokushanda kwemwedzi mitatu semushandi wezvechemistry mumigodhi yekopa muNorthern Rhodesia (zvino yonzi Zambia). Nzvimbo uko kunzverwa kwemhangura yezvinocherwa kwaiitwa yakanga iri musango reAfrica.

Baba vaiziva kuti kwakanga kune nhamba huru yeZvapupu zvechitema muNorthern Rhodesia, naizvozvo apo vakasvika vakavatsvaka ndokuziva kwavaipindira misangano yavo. Kunyange zvazvo vaisagona kutaura mutauro womunzvimbomo, kunyange zvakadaro vakasonganirana navo ndokupinda nguva dzose misangano yeMine Ungano yeZvapupu zvaJehovha. VokuEurope pamigodhi yacho vakanga vane fungira mano akaipa edzinza uye vairatidza fungira mano akaipa avo kupfurikidza nokuwanzotuka vatema. Baba, zvisinei, vakanga vane mutsa nguva dzose.

Pamugumo wemwedzi mitatu, mumwe mushandi wechitema uyo akanga asiri Chapupu akauya kuna Baba ndokubvunza, kuti: “Unoziva kuti tinokudana kuti ani?” Murume wacho akanyemwerera ndokuti: “Tinokudaidza kuti Bwana [Mr.] Watchtower.”

Muna 1955, Baba vakakwanisa kupinda Magungano e“Umambo Hunokunda” muEurope. Ikoko vakasangana naMary Zahariou, uyo akava mudzimai wavo gore rakatevera. Mushure meroorano yavo, vakagara muParma, Ohio, U.S.A.

Kuenda kuEast Africa

Mukati meimwe kokorodzano yeruwa muUnited States, kokero yakatambanudzirwa kuvakokorodzani kuti vabatire uko kwaiva nokushayiwa kukuru zvikuru kwavashumiri. Vabereki vedu vakasarudza kuenda kuEast Africa. Vakaita chaizvoizvo Watch Tower Society yakakarakadza. Vakachengeta mari yakakwana yokutenga matikiti okuenda nokudzoka vachiitira kuti pamwe Baba vaisazobudirira mukuwana basa, sezvo avo bedzi vakanga vane mvumiro dzebasa vaibvumirwa kugara munharaunda iyoyo.

Mushure mokuwana mapasipoti, mavhiza, uye kubayiwa mushonga wokudzivirira zvirwere, muna July 1959, Baba naAmai vakafamba nengarava yavashambadzi yaibva kuNew York City ichienda kuMombasa ichipfuura neCape Town. Rwendo rwacho rwakavatorera vhiki ina. MuMombasa vakagamuchirwa noushamwari panoburukira vanhu nehama dzechiKristu idzo dzakanga dzavatangira kusvika kuti dzibatire uko kwaiva nokushayiwa kukuru zvikuru. Apo vakasvika muNairobi, Baba vakaona tsamba yakavamirira. Yakanga iri mhinduro yechikumbiro chavo chokuva mushandi mune zvechemistry muGeological Survey Department muEntebbe, Uganda. Baba naAmai vakakwira chitima chaienda kuKampala, Uganda, uko Baba vakabvunzurudzwa ndokupinzwa basa. Panguva iyeyo, kwakanga kune Chapupu chimwe bedzi munharaunda yeEntebbe-Kampala, George Kadu.

Hurumende yokumwe yaitonga yakabhadharira Baba kuti vadzidze mutauro womunzvimbomo, chiLuganda. Vakafara, sezvo vakanga varonga kuudzidza kunyange zvakadaro kuitira kuti vagova vanobudirira zvikuru muushumiri. Gare gare, Baba vakatobetsera kushandurira bhukwana rokuti “Aya Mashoko Akanaka oUmambo” muchiLuganda.

Baba vakanga vasingatyi mukupupurira vamwe. Vaitaura kuvaRungu vose vaiva mudhipatimendi ravo, uye vaigoverana nguva dzose mukuparidzira veUganda. Vakatopupurira mukuru wemagweta wechitema weUganda. Murume wacho haana kuteerera shoko roUmambo bedzi asi akakoka Baba naAmai nokuda kwokudya kukuru kwezuva.

Hanzvadzi yangu, Anthe yakaberekwa muna 1960, uye ini ndakaberekwa muna 1965. Mhuri yedu yakava pedyo zvikuru nehama nehanzvadzi muungano duku asi yaikura mudzimbahwe, Kampala. SeZvapupu bedzi zvechichena zvaiva pedyo neEntebbe, takava nezvakaitika zvaifadza. Kamwe chete imwe shamwari yaBaba yakaita kumira kusingakarirwi paEntebbe ndokuedza kuwana Baba. Haina kubudirira kutozosvikira yabvunza, kuti: “Munozivawo here varoorani vechiRungu kuno vari Zvapupu zvaJehovha?” Munhu wacho akamutakura nemotokari kusvika pamusha paBaba naAmai chaipo.

Takavawo nezvakaitika zvakaoma, kubatanidza kutsungirira kumukira kuviri kune zvombo. Varwi vehurumende pane imwe nguva vakanga vachipfura munhu upi noupi weboka rakati rerudzi, reBaganda. Zuva rose nousiku, kwakanga kune kupfura kunopfuurira. Sezvo kwakanga kune ganhuriro yokufamba kubva na6:00 p.m. kusvika na6:00 a.m., misangano yaiitwa masikati mumusha wavabereki vangu muEntebbe.

Gare gare, apo ganhuriro yokufamba yakabviswa, Baba vakatiendesa nemotokari kuKampala nokuda kweFundo yeNharireyomurindi. Mumwe murwi akatondeka pfuti kwatiri, akamisa motokari yedu, uye akarayira kuziva kwatakanga tichienda. Panguva iyoyo ndakanga ndingori kacheche, uye Anthe akanga ava namakore mashanu. Apo Baba vakatsanangura zvinyoronyoro, vachiratidza murwi wacho maBhaibheri edu namabhuku, akatiregera kuti tiende.

Muna 1967, mushure meanenge makore masere tiri muUganda, vabereki vedu vakasarudza kudzokera kuUnited States nemhaka yezvinetso zvoutano nemitoro yemhuri. Takava rutivi rweUngano yeCanfield, Ohio, uko Baba vakabatira somukuru. Ikoko vabereki vangu vakasvika pakuda hama dzacho zvikuru sokuda kwavaiita ungano duku yomuKampala.

Kurerwa kwechiKristu Kworudo

Muna 1971 munun’una wangu David akaberekwa. Sezvataikura, takarerwa mumhoteredzo yomusha wakazara norudo noushamwari. Pasina kupokana ikoku kwakabva muukama hworudo urwo vabereki vedu vaifarikanya nomumwe nomumwe.

Apo takanga tiri vaduku, Baba vaitiravira nguva dzose nhau yeBhaibheri panguva yokurara, kunyengetera, uye ipapo, Amai vasingazivi, vaitipa chokoreti yakaputirwa mupepa regoridhe rinotaima. Taifunda nguva dzose Nharireyomurindi yedu pamwe chete semhuri, pasinei zvapo nekwataiva. Tiri kumazororo emhuri, takamboifunda pedyo negomo uye pane imwe nhambo takatarira nyanza. Baba vaiwanzotsinhira kuti idzodzo dzakanga dziri dzimwe dzeyeuko dzavo dzinofadza zvikurusa. Vakataura kuti vainzwira urombo avo vairasikirwa nomufaro mukuru uyo fundo yemhuri inogona kuunza.

Apo kwaiuya kukuratidza kuda Jehovha, Baba vakadzidzisa nomuenzaniso. Nguva ipi neipi apo kopi itsva yemagazini yeNharireyomurindi kana kuti yeMukai! yaiuya kana kuti taigamuchira chimwe chinyorwa cheWatchtower, Baba vairava chinyorwa chacho chose. Takadzidza kwavari kuti zvokwadi yeBhaibheri haifaniri kurangarirwa nokurerutsa asi inofanira kurangarirwa sepfuma inokosha. Chimwe chezvinhu zvedu zvinokosha zvikurusa iReference Bible raBaba. Inodokuva peji iri yose yakazadzwa nezvinonyorwa zvakawanwa mukufunda kwavo. Zvino apo tinorava tsinhiro dzavo dzomumicheto, tinodokuva vanogona kuvanzwa vachitidzidzisa nokutipa zano.

Kutendeka Kusvika Kumugumo

Pana May 16, 1991, vari mubasa roushumiri, Baba vakabatwa nehosha yemwoyo. Vhiki dzakati gare gare, vakava nokuvhiyiwa mwoyo uko kwakaratidzika kuva kunobudirira. Zvisinei, mukati mousiku hwakatevera kuvhiya, takagamuchira foni yaibva kuchipatara. Baba vakanga vachibuda ropa, uye vanachiremba vakanga vachinetseka zvikuru. Vakadzorerwa kaviri mukamuri rokuvhiya usiku ihwohwo kuti vaedze kumisa kubuda ropa asi hazvina kubudirira. Ropa raBaba rakanga risiri kubumba.

Zuva rakatevera, sezvo mumiriro wezvinhu waBaba wakaderera nokukurumidza, vanachiremba vakatanga kutora parutivi amai vangu uye ipapo munun’una wangu kuti vaise dzvinyiriro pavari kuti vabvume kuisirwa ropa kwaBaba. Bva, Baba vakanga vataurira kare vanachiremba kuti vaisazogamuchira kuisirwa ropa mumamiriro ezvinhu api naapi. Vakatsanangura kwavari zvikonzero zvavo zvapaMagwaro zvokuramba kuisirwa ropa asi vakati vaizogamuchira zvimwe zvinotsiva zvisina ropa.—Revhitiko 17:13, 14; Mabasa 15:28, 29.

Ruvengo rukuru rwemitezo inoverengeka yavashandi vokurapa rwakaparira mamiriro ezvinhu akashata muICU (intensive care unit). Ikoku, pamwe chete nemumiriro wezvinhu wakanga uchiipa zvikuru waBaba, padzimwe nguva zvairatidza kuva zvakanyanya kupfuura zvataigona kutsungirira. Takakumbira Jehovha betsero uye takaedzawo kushandisa zvikarakadzo zvinoshanda zvatakanga tagamuchira. Naizvozvo pakushanyira ICU, taipfeka zvakanaka nguva dzose uye tichiremekedza vashandi vokurapa. Takava nefariro yokushingaira mumamiriro ezvinhu aBaba kupfurikidza nokubvunza mibvunzo ine revo, uye takatenda mutezo wavashandi uri wose waibatanidzwa mukutarisirwa kwaBaba.

Nhamburiko dzedu dzakacherechedzwa navashandi vokurapa. Mumazuva mashomanene, mamiriro ezvinhu akashata akachinja kuva omutsa. Vanamukoti vaitarisira Baba vairamba vachitarisa fambiro mberi yavo kunyange zvazvo vakanga vasisinazve kugoverwa kuvatarisira. Mumwe chiremba akanga ava ane utsinye zvikuru kwatiri akatopfava kusvika papfundo rokubvunza Amai kuti vakanga vachigonana sei. Ungano yedu nehama dzokunyama vakatitsigirawo nenzira yorudo. Vakatumira zvokudya namakadhi akawanda okunyaradza, uye vakatinyengeterera.

Nenzira inosuruvarisa, Baba havana kutongodavidza kukurapa kwacho. Vakafa mazuva gumi mushure mokuvhiya kwavo kwokutanga. Tinochema zvikuru Baba. Padzimwe nguva, mirangariro yokurasikirwa mikuru zvikuru. Sezvineiwo, Mwari wedu anopikira kuti acha‘titakurira mutoro wacho zuva nezuva,’ uye takadzidza kutsamira paari kupfuura nakare kose.—Pisarema 68:19.

Tose zvedu takatsunga kuti isuwo tichapfuurira kubatira Jehovha nokutendeka kuitira kuti tigowana mufaro wokuona Baba munyika itsva.—Marko 5:41, 42; Johane 5:28; Mabasa 24:15.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Frank Smith naamai vake, Phyllis, vari muCape Town

[Mufananidzo uri papeji 22]

Baba naAmai panguva yomuchato wavo

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nokuda kworubhapatidzo rwokutanga muEntebbe, hama dzakashandisa dziva romumwe ishe wechitema

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kukwazisa nenzira yetsika

[Mufananidzo uri papeji 24]

Baba naAmai nokukurumidza Baba vasati vafa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe