RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 6/15 pp. 24-27
  • Kukwira Gomo Refu Zvikuru Kupfuura Himalayas

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukwira Gomo Refu Zvikuru Kupfuura Himalayas
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Nepal—Umambo Huri Mugomo
  • Mavambo Maduku
  • Futunuko Pasinei Zvapo Nezvitambudzo
  • Nepal Nhasi
  • Kukwira Kurefu Zvikuru Kupfuura Himalayas
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 6/15 pp. 24-27

Kukwira Gomo Refu Zvikuru Kupfuura Himalayas

HIMALAYAS! Mashoko iwayo anoita kuti ufungidzire chii? Urengarenga hunotyisa, hune aizi, uye mhepo dzine simba here? Mufaro worukundo, kumira pamusoro pegomo refu zvikurusa renyika here? Nokuda kwavakawanda zvikurusa vedu, kukwira Gomo reEverest, muMakomo eHimalayas muNepal, kwaizova kusingabviri. Bva, nhasi vanhu vakawanda muNepal vari kukwira gomo rakareba zvikuru kupfuura Himalayas! Tisati taziva pamusoro pourwu rwendo kugomo guru, ngatitangei kutarira Umambo huduku asi hwakaisvonaka hweNepal.

Nepal—Umambo Huri Mugomo

Umambo hweNepal ndohwechienzi nemhaka yokuti ndohumwe hwoumambo hushomanene hwasara munyika uyewo nemhaka yokuti huri, umambo kwete hwenyika, asi hworudzidziso. Nepal ndiyo nyika bedzi yechiHindu munyika. Voruzhinji vavagari vayo mamiriyoni 20 vaHindu. Zvisinei, kune mhatsa huru mumavambo emadzinza evanhu vayo. Avo vari kugara munharaunda yokuchamhembe ine makomo zvikurukuru ndevemavambo echiTibeto-Burman, nepo mumapani okumaodzanyemba, vanhu vacho zvikurukuru ndevemamiriro ezvinhu ekare echiIndo-Aryan. ChiNepali ndiwo mutauro wapamutemo wenyika yacho uye rurimi rwaamai rweinenge 60 muzana yavanhu vacho. Vasara vacho vanotaura inopfuura mitauro 18 yedzinza.

Nepal yakada kuti ivei nechimiro chirefu chine mativi mana, makiromita 880 kubva kumabvazuva kuenda kumadokera uye makiromita 200 kubva kuchamhembe kuenda kumaodzanyemba. Himalayas anotyisa, ayo anoumba muganhu wokuchamhembe, anobatanidza Gomo reEverest, urengarenga hurefu zvikurusa munyika pamamita 8 848, uye humwe urengarenga husere hunopfuura mamita 8 000. MuNepal yapakati pane makomo akaderera zvikuru uye nyanza nemipata. Kumaodzanyemba chaiko, kwakaganhurana neIndia, kune Tarai yakaorera, nharaunda huru yokurima.

Kathmandu, dzimbahwe, riri munharaunda yepakati, zvirokwazvo ndichinofadza chavashanyi vanoona nzvimbo. Rinopa kubhururuka nendege pamusoro pamakomo makuru, nzendo kuminhanga yezvipenyu zvesango, uye kuona nzvimbo dzomunzvimbomo kwakawanda. Nepal pane dzimwe nguva inodaidzwa kuti mupata wavamwari nemhaka yokuti rudzidziso runoita basa guru muupenyu hwavanhu vayo. Rudzidziso ndichowo chikonzero nei mamiriyoni kupota nyika ari kuenda ku“gomo” refu zvikuru kupfuura Himalayas.

Anenge makore 2 700 apfuura, muporofita wechiHebheru Isaya akafuridzirwa kufanotaura kuti “pamazuva okupedzisira . . . gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo . . . Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” (Isaya 2:2, 3) Pano kunamatwa kwakachena kwakakwidziridzwa kwaJehovha, Musiki noMubati Ushe woUchangamire wechisiko chose, kunofananidzwa negomo, rakakwidziridzwa pamusoro pezvimwe zvimiro zvokunamata zvakafanana namakomo. Ndiwo musoro webasa rokudzidzisa renyika yose iro rinobetsera vanhu vane nzara yezvokwadi kudzidza pamusoro penzira dzaJehovha. Basa iri rakatangwa sei muNepal?

Mavambo Maduku

Murwi muUto reBritain muHondo yeNyika II akanga achitsvaka rudzidziso rwechokwadi. Vabereki vake vaHindu veNepal vakanga vatendeukira kuchiKaturike. Sezvaaikura, akaona kusava namaturo kwokunamata zvidhori, akaramba dzidziso dzakadai sedzidziso yemwoto wehero, uye akavamba kunzvera zvitendero zvechechi dzechiPurotesitendi. Asi haana kugutsikana.

Atorwa somusungwa novokuJapan muiyo yakanga iri panguva iyoyo Rangoon, Burma, uyu murwi akanyengetera kuti apukunyuke utsinye hwemusasa wechibharo kuti apfuuridzire kutsvaka kwake kunamata kwechokwadi. Gare gare, akakwanisa kupukunyuka kubva kuvatapi vake uye akabetserwa nomumwe mudzidzisi wechikoro uyo ane musha umo akawana bhukwana raWhere Are the Dead?, rakanyorwa naJ. F. Rutherford. Achiziva kuratidzirwa kwezvokwadi, akabvuma nokudisa kufunda apo Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira muRangoon muna 1947. Mumwedzi mishomanene, akabhapatidzwa, achiteverwa nokukurumidza nomudzimai wake muduku. Vakasarudza kudzokera kuIndia, vachigara muKalimpong yavakaberekerwa, mumakomo okuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Vana vavo vaviri vakaberekwa uye vakadzidzira kuno. Muna March 1970, vakatamira kuKathmandu.

Mutemo weNepal wairambidza kutendeutsa. Munhu upi noupi aiwanika achiparadzira runonzi rudzidziso rwokumwe akanga achizofanira kuiswa mujere kwamakore manomwe, uye munhu aikumbanira rudzidziso rwakadaro aigona kupiwa chirango chamakore matatu mujere pamwe chete nefaindi yakakura. Naizvozvo kupupurira kwaifanira kuitwa nokungwarira. Ushumiri hwapaimba neimba hwaireva kushanyira musha mumwe, ipapo kuenda kune imwe nharaunda ndokuita shanyo ikoko. Nenzira inonzwisisika, uchapupu hwamasanga hwakaita basa guru mukuparadzira mashoko akanaka.

Migumisiro yakanga ichinonoka kuuya. Nenhamba yavagari vemo yavanenge mamiriyoni gumi, munda wacho wakaratidzika kuva unoodza mwoyo. Mbeu dzezvokwadi dzakasimwa sezvo iyi mhuri yoga yakapupurira kushamwari, vazivikanwi, vashandirwi, uye vashandi biyavo. Vaiita misangano yenguva dzose mumusha wavo uye vaikoka vanofarira kuti vavakumbanire. Pakupedzisira, muna March 1974, mushure memakore mana okusima nokudiridza kunopfuurira, chibereko chokutanga muNepal chakavapo—uye ichocho chaibva mumanyuko asingafungirwi!

Achishanyira mumwe musha, muparidzi wacho akataura kumumwe murume akapfuma uyo akanga ari munyori wemutezo wemhuri youmambo. “Taura kumwanakomana wangu,” murume wacho akadaro. Mwanakomana wacho akabvuma fundo yeBhaibheri. Mushure menguva yakati akachinja basa rake, sezvo aishanda mukasino yokubhejera. Baba vake, muHindu akazvipira, vakamushora. Zvisinei, iri jaya rakatsigira Jehovha. Mugumisiro wacho? Baba vake gare gare vakarega kumushora, uye boka rehama dzake dzapedyo dzokunyama rakagamuchira zvokwadi yeBhaibheri. Zvino anobatira somukuru muungano yechiKristu.

Kuti rirambe rakasimba mumudzimu uye kuti riteerere murayiro wapaMagwaro wokusarega kuungana pamwe chete kwavo vamene, boka racho riri muKathmandu rakaita misangano yenguva dzose mumumwe musha womunhu. Asi kusvikira kutambanuko huru, hama dzacho dzakapotsa kuungana kukuru zvikuru. Avo vaigona kuita kudaro vaienda kuIndia nokuda kwamagungano—rwendo rurefu uye runodhura pamusoro pehwenze hwamakomo.

Inhambo inofadza zvakadini yakwakava apo purogiramu yekokorodzano yoruwa yose yakapiwa mumusha uyo vaiitira misangano! Fungidzira hama ina, kubatanidza mutezo webazu reIndia, dzichitarisira purogiramu yose! Kunyange mutambo weBhaibheri wakaratidzwa. Seiko? Masiraidhi akanga atorwa kubva murovedzo yakazara muIndia. MuNepal, aya amasiraidhi akaiswa pachidzitiro, achibatanidzwa nekurukurirano yakatapwa. Vateereri vakaida. Vateereri vacho vakanga vakawanda sei? Vanhu gumi navasere!

Betsero mubasa rokuparidza yaibva kunze kwenyika yakanga yakaganhurirwa. Basa roufundisi rakanga risingabviri, uye kwakanga kusiri nyore kuti vokumwe vawane basa rokunyika. Zvapupu zviviri zveIndia, zvisinei, zvakawana basa muNepal panguva dzakasiyana, zvichipedza makore anoverengeka zviri muKathmandu uye zvichibetsera kusimbisa ungano yakanga ichangobva kuumbwa. Pakasvika 1976 kwakanga kune vaparidzi voUmambo 17 muKathmandu. Muna 1985 hama dzacho dzakavaka Horo yoUmambo yadzo dzimene. Pakupedzwa kwayo, kokorodzano dzeruwa dzegore negore, pamwe chete namamwe magungano, zvakatanga kuitirwa imomo nguva dzose. Horo yacho zvirokwazvo yakanga iri musimboti wokunamata kwakachena mundima iyoyo iri kure, ine makomo.

Futunuko Pasinei Zvapo Nezvitambudzo

Mumakore iwayo apakuvamba, basa rokuparidza, raiitwa nokungwarira kukuru, rakanga risina kunyandura cherechedzo huru kubva kuzviremera. Pedyo nomugumo wa 1984, kunyange zvakadaro, ganhuriro dzakavamba kuiswa. Imwe hama nehanzvadzi nhatu vakasungwa ndokuchengetwa muchitokisi kwamazuva mana vasati vabudiswa nenyevero yokusapfuuridzira mibato yavo. Mune mumwe musha, vanhu vashanu vakasungwa vachiita fundo dzeBhaibheri mumisha yavo. Vatanhatu vakaiswa mujere kwamazuva 43. Kumwe kusunga kunoverengeka kwakaitika, asi hapana chiito chapamutemo chakaitwa.

Nguva pfupi yapfuura sa 1989, hama nehanzvadzi dzose pane imwe Fundo yeBhuku yeUngano dzakasungwa, dzikachengetwa kwamazuva matatu, ndokusunungurwa. Padzimwe nguva, dzakakumbirwa kusaina mashoko aitaura kuti dzaisazoparidza. Dzakaramba. Dzimwe dzakabudiswa bedzi mushure mokunge dzasaina mashoko okuti dzaizova dzichidisa kutarisana nemigumisiro yacho kana dzaizobatwa dzichiparidza zvakare.

Pasinei zvapo nezvitambudzo zvakadaro, hama dzacho dzakapfuurira kuparidza mashoko akanaka oUmambo nokushingaira. Somuenzaniso, muna 1985, gore mushure mokunge kupindira kwehurumende kwavamba, kwakanga kune wedzero ye 21 muzana munhamba yavaiparidza. Vaparidzi 35 vakapedza avhareji yamaawa 20 pamwedzi vachitaura kuvamwe pamusoro pokunamata kwakachena.

Sezvo nguva yakapfuura, chinjo dzezvamatongerwe enyika dzakavamba kuitika muNepal. Zviremera zvehurumende zvakavamba kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisati zviri tyisidziro. Kutaura idi, basa razvo rokudzidzisa Bhaibheri rakava netapuro yakanaka, inovaka pavanhu, richivaita vagari vemo vari nane. Zviremera zvakaona kuti kutendeseka, basa rakaoma, uye mufambiro wetsika wakarurama zvakasimbiswa sezvinodikanwa zvikuru nokuda kwavanamati vaJehovha.

Uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa apo mumwe mukadzi aichimbova muHindu akazvipira akava Chapupu ndokuramba kuisirwa ropa. Vanachiremba vakakatyamadzwa nechimiro chake chakasimba, chakadzidzwa. Uyu mukadzi akabetserwa kudzidza zvokwadi neyamuro yebhurocha raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Pasinei zvapo nechishoro nokunyomba chaibva kumhuri yake, akabhapatidzwa muna 1990 sezvaakasvika pedyo namakore 70 okukura. Gare gare akatyoka gumbo rake uye, achitambura zvimwe zvinetsowo, aifanira kutarisana nokuvhiya kukuru. Kwevhiki mbiri akadzivisa dzvinyiriro yokubvuma ropa yaibva kuna vanachiremba nehama dzokunyama. Pakupedzisira, boka rinovhiya rakavhiya nenzira inobudirira pasina ropa. Kunyange zvazvo zvino yakaganhurirwa mukufamba, iyi hanzvadzi yakatendeka inogara pagedhi rayo mangwanani ari ose uye inokoka vapfuuri kuti vagare nayo ndokunzwa mashoko akanaka anofadza.

Nepal Nhasi

Zvinhu zvakaita sei muNepal nhasi? Zvapupu zvaJehovha zvinofarikanya mwero wakati worusununguko rwokunamata sezvinoita hama dzazvo munyika yose. Kubvira panguva apo mumwe kana kuti vaviri vavakwiri vokufananidzira vakavamba kukumbanira avo vaikwira gomo rokunamata kwechokwadi, nhamba inowedzera yavanhu yakati, ‘Uyai, ngatikwirei kugomo reimba yaJehovha.’ Pakasvika 1989 kwakanga kune avhareji ye 43 mwedzi mumwe nomumwe vaigoverana mubasa rokuparidza, uye 204 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu gore iroro.

Ipapo, sezvakapikirwa, Jehovha akavamba kukurumidzisa kuunganidzwa kwavatsvaki vezvokwadi kuimba yake. (Isaya 60:22) Isiri nguva refu yapfuura ungano yechipiri yakaumbwa muKathmandu, uye zvino kwava namapoka maviri ari oga kunze kwedzimbahwe. Muna April 1994, makanga mune vaKristu 153 vakashuma mubato wokuparidza—wedzero ye 350 muzana muasingapfuuri makore mashanu! Vakaitisa vanhu vanofarira fundo dzeBhaibheri dzapamusha 386. PaChirangaridzo muna 1994, kwakanga kune nhamba inofadza yavapindi 580. Nokuda kwezuva regungano chairo, 635 vakatutirana muhoro, uye 20 vakazvipa vamene nokuda kworubhapatidzo. Naizvozvo wedzero huru dziri kufarikanywa neZvapupu zvaJehovha munyika yose dziri kuitikawo muNepal duku.

Mumakore mashomanene apfuura uwandu hwamabhuku akabudiswa mumutauro wechiNepali hwakawedzera zvikuru, zvichibetsera vanozvininipisa kubatisisa zvokwadi. Vashanduri vakarovedzwa pahofisi yebazu reIndia muunyanzvi hweshanduro uye kushandiswa kwamakomupiyuta zvino vanobatira kwenguva yakazara muKathmandu. Vakashongedzerwa nokuda kwefutunuko, vakwiri vamakomo voubati ushe hwaMwari veNepal vari kufamba!

Kukwira Kurefu Zvikuru Kupfuura Himalayas

Iwewo unogona kufarikanya rwendo rwokukwira gomo rakareba zvikuru kupfuura Himalayas. Uchiita kudaro, uchave uchikumbanira kwete bedzi avo veNepal asi mamiriyoni “vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Navo, uchafarikanya kudzidziswa noMusiki wamakomo makuru kufanana naayo ari muNepal. Uchaona Musiki achi“ruramisa zvinhu,” uye uchakwanisa kukarira kurarama nokusingaperi papasi rakacheneswa rakanakiswa.—Isaya 2:4, NW.

[Mepu iri papeji 24]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kathmandu

Gomo reEverest

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kunze kweHoro yoUmambo muKathmandu

[Mufananidzo uri papeji 26]

VaNepal vakawanda vari kubetserwa nefundo dzeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe