RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 6/15 pp. 9-12
  • Shiviro—Neiko Isingawanzowanikwa Kwazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shiviro—Neiko Isingawanzowanikwa Kwazvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Yokusashivira
  • Zvisakiso Zvokusashivira
  • Shiviro—Chikonzero Nei Ichikosha Kwazvo
  • Mienzaniso Inokurudzira
  • Tuso Dzeshiviro
  • Ramba Uine Mwoyo Murefu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Unogona Kushandisa Shiviriro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Tevedzera Kushivirira kwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Dzidza Pakushivirira kwaJehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 6/15 pp. 9-12

Shiviro—Neiko Isingawanzowanikwa Kwazvo?

EMILIO akanga ava nemakore omuma 60.a Akanga auya kuOahu pabasa rinosuruvarisa—kuti avige mwanakomana wake akura. Apo akanga achifamba mumugwagwa usina motokari dzakawanda womugomo uye achitaura neshamwari, Emilio akavhundutswa nemotokari yaimhanya ichikwidza neruvhesi mumugwagwa unotsaukira muruvazhe rwapaimba. Motokari yacho yakadokumurova, uye nemhaka yokushatirwa nokusashivira, Emilio akapopotera muchairi wacho ndokurova motokari noruoko rwake. Kukakavadzana kwakatevera. Kunoratidzika kuti muchairi wacho akasaidzira Emilio, uyo akawa ndokurovera musoro wake papevhumendi yakaoma. Mumazuva mashomanene, Emilio akanga afa nemhaka yokukuvadzwa kwake mumusoro. Mugumisiro unosuruvarisa zvakadini!

Tiri kurarama munyika umo shiviro riri vara risingawanzowanikwa. Vachairi vemotokari vakawanda zvikuru vanomhanya. Vamwe vanochaira zvine ngozi vari mumashure chaimo meimwe motokari—kutevera vari pedyo zvikuru—motokari dzinofamba nesipidhi huru inobvumirwa nomutemo. Bva vamwe vanochinja-chinja kubva kurutivi rwomugwagwa kuenda kurutivi rwomugwagwa nemhaka yokuti havagoni kushivira kuva shure kweimwe motokari. Mumusha, mitezo yemhuri ingaratidzira hasha ndokuva yamasimba masimba. Kunyange vamwe vaKristu vangava vanonyanyotsamwa nemhaka yekukundikana kana kuti mhosho dzehama dzavo dzomudzimu.

Neiko shiviro isingawanzowanikwa kwazvo? Kwave kwakadaro nguva dzose here? Neiko kwakaoma kwazvo kushivira munguva yedu?

Mienzaniso Yokusashivira

Bhaibheri rinotiudza nezvemukadzi uyo asina kumirira kubvunza murume wake asati aita chisarudzo chakakomba. Zita rake rakanga riri Evha. Achimhanyira mberi kwaAdhama, zvichida murutivi nemhaka yokusashivira, akadya muchero wakarambidzwa. (Genesi 3:1-6) Zvakadiniko nomurume wake? Iyewo angave akaratidzira kusashivira kupfurikidza nokutevera Evha ndokupinda muchivi asina kutanga kusvika Baba vake vokudenga, Jehovha, nokuda kwebetsero kana kuti nhungamiro. Makaro avo, sezvinobvira akabatanidzwa nokusashivira uko kwakatungamirira kuchivi, akava nemigumisiro inouraya nokuda kwedu tose zvedu. Takagamuchirawo kubva kwavari senhaka chimiro chendangariro chokuita zvivi, kubatanidza zviya zvokuzvitutumadza nokusashivira.—VaRoma 5:12.

Makore anenge 2 500 mushure mechivi chavabereki vedu vokutanga, vanhu vaMwari vakasarudzwa, vaIsraeri, vakaratidzira kushayikwa kukuru, kwenguva dzose kwokutenda, pamwe chete nokushayikwa kweshiviro. Kunyange zvazvo Jehovha akanga achangobva kuvanunura nenzira inoshamisa muuranda muEgipita, vakakurumidza ku“kanganwa mabasa ake” uye “havana kurindira zano rake.” (Pisarema 106:7-14) Nguva nenguva vakawira muchakaipa chakakomba nemhaka yokuti vaisava vanoshivira. Vakaita mhuru yendarama ndokuinamata; vakanyunyuta pamusoro pegadziriro yokunyama yaJehovha yemana nokuda kwavo; uye vakawanda vavo vakatopandukira mumiriri waJehovha akagadzwa nenzira youmwari, Mosesi. Zvirokwazvo, kushayiwa kwavo shiviro kwakavapinza munhamo nengwavaira.

Mambo wokutanga aiva munhu waIsraeri, Sauro, akarasikirwa nemukana wokuti vanakomana vake vave vatsivi vake voumambo. Neiko? Nemhaka yokuti akakundikana kumirira muporofita Samueri, uyo aifanira kuita chibayiro kuna Jehovha. Kutya munhu kwakaparira Sauro kumhanyira mberi kwaSamueri mukupa chibayiro chacho. Fungidzira kuti anofanira kuve akanzwa sei apo Samueri akaoneka nokukurumidza mushure mokunge Sauro apedza mutambo wacho! Kudai bedzi akanga amirira mamwe maminiti mashomanene!—1 Samueri 13:6-14.

Kudai bedzi Evha akanga amirira Adhama panzvimbo pokukurumidza kutora muchero! Kudai bedzi vaIsraeri vakanga vayeuka kumirira zano raJehovha! Hungu, shiviro ingadai yakabetsera kuponesa ivo nesu munhamo huru nokurwadziwa.

Zvisakiso Zvokusashivira

Bhaibheri rinotibetsera kunzwisisa chisakiso chikuru chokusashivira nhasi. Timotio Wechipiri ganhuro 3 rinorondedzera chizvarwa chedu sechiri kurarama mu“nguva dzokutambudzika.” Rinotaura kuti vanhu “vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza . . . vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka.” (2 Tim. 3 Ndima 2, 3) Chimiro chendangariro chakadaro chamakaro nechoudyire chiri mumwoyo nendangariro zvavanhu vakawanda, kuchiita kuti kuomere vose, kunyange vaKristu vechokwadi, kushivira. Apo tinoona vanhu vokunyika vachichaira vachimhanya zvikuru kana kuti kupindira mumitsetse kana kuti kutituka, shiviro yedu inogona kuedzwa zvikuru. Tingaedzwa kuti tivatevedzere kana kuti kuvatsiva, nenzira iyoyo tichiderera kusvikira kumwero wavo worudado rwoudyire.

Pane dzimwe nguva imhedziso dzedu dzisina kururama dzinotisakisa kurasikirwa neshiviro. Cherekedza kuti Mambo Soromoni akachenjera akaratidzira sei batano pakati pokurangarira kwokukurumidzira, kusina kururama nokuita kwokusashivira, kwokutsamwa: “Uno mwoyo murefu unopfuura uno mwoyo unozvikudza. Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachifuva chamapenzi.” (Muparidzi 7:8, 9) Kana tikawana nguva yokuwana chiono chakazara, chakarurama chamamirire ezvinhu tisati taita chiito, sezvingabvira tichava vanonzwisisa zvikuru, vanonzwira tsitsi zvikuru, vanoshivira zvikuru kune vamwe. Pane rumwe rutivi, mudzimu wokuzvitutumadza, woudyire ungatiparira kuva vasingagamuchiri mirangariro yavamwe, vasingashiviri, uye vakakasharara, kufanana navaIsraeri vainyunyuta, vaiva nemitsipa mikukutu avo vakatambudza Mosesi.—Numeri 20:2-5, 10.

Chimwe chisakiso chokushayiwa shiviro kunowedzera kwenyika ino mamirire ezvinhu zvayo asina tariro, anobva mukuparadzana naJehovha. Dhavhidhi akaratidzira kufanira kwomunhu kumirira Jehovha: “Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo; nokuti ndinomutarira iye.” (Pisarema 62:5) Vanhu vakawanda vasingazivi Jehovha vane chiono chakaganhurirwa, chisingafadzi, naizvozvo vanoedza kutora mufaro uri wose neporofiti zvavanogona nguva yavo isati yapera. Kufanana nababa vavo vomudzimu, Satani Dhiyabhorosi, kazhinji kazhinji havaitiri hanya pamusoro pokuti zviito zvavo zvingakuvadza sei vamwe.—Johane 8:44; 1 Johane 5:19.

Hakushamisi kuti shiviro haiwanzowanikwa kwazvo nhasi. Tsika ino yakaipa, ine udyire yezvinhu, mwari wayo Satani, uye kombamiro dzokutadza dzenyama yedu inotadza zvinoita kuti kuomere munhu ari wose, kunyange vapachokwadi, kuva anoshivira. Bva, Bhaibheri rinotikurudzira kuti “shivirai,” zvikurukuru pamusoro pokuitwa kwezvinangwa zvaMwari. (Jakobho 5:8, NW) Neiko shiviro ichikosha kwazvo? Itusoi idzo inogona kutiunzira?

Shiviro—Chikonzero Nei Ichikosha Kwazvo

“Vanobatirawo avo vanomira bedzi ndokumirira.” Mashoko iwayo akataurwa nomudetembedzi weEngland John Milton makore anopfuura mazana matatu akapfuura munhetembo yake inoti “Pamusoro Poupofu Hwake.” Pakuvamba zvikuru munhetembo yacho, iye akaratidzira kuvhiringidzika kwake nefunganyo pamusoro pokunzwa kwake asingakwanisi kubatira Mwari zvizere nemhaka yokuti akanga ava bofu ari mumakore ake omuma 40. Asi sezvinoratidzirwa nemutsetse wokupedzisira wenhetembo yacho wanokorwa mashoko pamusoro apa, akasvika pakuziva kuti munhu anogona kunamata Mwari kupfurikidza nokutsungirira dambudziko nenzira yokushivira uye kutsvaka nokuterama mikana inowanika yebasa. Milton akaona ukoshi hwokuvimba naMwari kwokushivira.

Vakawanda zvikurusa vedu tingave tichiona zvakanaka, asi tose zvedu tine ganhuriro idzo dzinogona kutisakisa kuva vanotsamwa kana kuti vanofunganya. Tinogona sei kuwana ndokushandisa shiviro?

Mienzaniso Inokurudzira

Bhaibheri rinotigovera mienzaniso inoverengeka yakaisvonaka yeshiviro. Shiviro yaJehovha inoita kuti upenyu husingaperi hubvirire mamiriyoni namamiriyoni avanhu. (2 Petro 3:9, 15) Mukokero yake yomutsa yokuti titakure joko rake ndoku“wan[a] zororo pamweya ye[du],” Jesu anoratidzira nenzira yakakwana shiviro inoshamisa yaBaba vake. (Mateo 11:28-30) Kufungisisa iyi mienzaniso yaJehovha naJesu kunogona kutibetsera kuva vanoshivira zvikuru.

Mumwe airatidzika kuva ane chikonzero chakakwana chokuva anotsamwa, akakasharara, kana kuti anotsiva akanga ari mwanakomana waJakobho Josefa. Vakoma vake vakanga vamubata nenzira yokusaruramisira zvikurusa, vachironga rufu rwake uye pakupedzisira vachimutengesera muuranda. MuEgipita, pasinei zvapo nebasa rake rokutungamirirwa nehana, rokuvimbika kuna Potifari, Josefa akapomerwa nenzira isina kururama ndokuiswa mutorongo. Akatsungirira nenzira yokushivira matambudziko ake ose, sezvinobvira achinzwisisa kuti miedzo yakadaro yaigona kubatira zvinangwa zvaJehovha. (Genesi 45:5) Nemhaka yokuti akasakurira kutenda netariro muna Jehovha pamwe chete nokuzvininipisa nokunzwisisa, Josefa aigona kushandisa shiviro kunyange mumamirire ezvinhu anotambudza zvikuru.

Imwe yamuro inokosha mudzimu mutsvene waJehovha. Kana, somuenzaniso, tichikurumidza kushatirwa uye kunyomba, tinogona kunyengeterera betsero yomudzimu mutsvene kuti tigone kusakurira zvibereko zvawo. Kufungisisa pamusoro pechimwe nechimwe chezvibereko izvozvi, zvakadai somwoyo murefu nokuzvidzora, kuchatibetsera kuona kuti zvakabatana zvikuru sei neshiviro.—VaGaratia 5:22, 23.

Tuso Dzeshiviro

Kuva vanoshivira kunogona kutiunzira betsero dzakawanda. Kunosimbisa unhu hwedu uye kunotidzivirira pakuita zviito zvokukurumidza, zvoufuza. Ndiani wedu asina kuita zvikanganiso zvinokuvadza nemhaka yokuva kwedu vanonyanyokurumidza kuita chiito kumamirire ezvinhu akaoma kana kuti anodzvinyirira? Tingave takataura shoko risiri romutsa kana kuti kuita nomutoo wakashata. Tingave takabvumira chiitiko chiduku kukura kuva makakatanwa nomudiwa. Mushure mokutsamwa kukuru, kuvhiringidzika, uye kurwadziwa, tingave takafunga nenzira yokuzvidemba kuti, ‘Kudai ndakanga ndangomirira zvishomanene chete.’ Kushivira kunogona kutidzivirira pamarudzi ose enhamo. Idi iroro roga rinopa upenyu hwedu rugare rwakawanda zvikuru kwazvo, kutsiga, uye gutsikano.—VaFiripi 4:5-7.

Kuva anoshivira kunogonawo kutibetsera kuva nomwoyo wakaterama, unovimba. Ikoku kunogona kutungamirira kukufarikanya kwedu utano huri nani hwokunyama, hwemirangariro, uye hwomudzimu. (Zvirevo 14:30) Dzikasazodzorwa, shungu dzinogona kuparira kurwara kwakakomba kwemirangariro nekwomuviri uye rufu. Pane rumwe rutivi, kupfurikidza nokuva vanoshivira tinogona kuwana chimiro chendangariro chakanaka zvikuru kune vamwe, zvikurukuru hama dzedu dzomudzimu nemitezo yemhuri. Ipapo tichava vanoda zvikuru kuva vanorangarira navanobetsera panzvimbo pokuva vanoshatiriswa navanotsoropodza. Vamwevo vachakuwana kuri nyore zvikuru uye kuchifadza zvikuru kuva patiri.

Vakuru muungano yechiKristu zvikurukuru vanofanira kushandisa shiviro. Padzimwe nguva, vaKristu biyavo vanovasvika nezvinetso zvakakomba. Ava vanhu vapachokwadi vangave vakavhiringidzika, vakakangaidzika, kana kuti vakaora mwoyo, apo vakuru vamene vangave vakaneta kana kuti vakatsauswa nezvinetso zvavo vamene zvomunhu oga kana kuti zvemhuri. Bva, kunokosha sei kuti vakuru vashivire mumamirire ezvinhu anoedza akadaro! Neiyi nzira vanogona kurayiridza “nounyoro” uye ku“bata boka nounyoro.” (2 Timotio 2:24, 25; Mabasa 20:28, 29, NW) Upenyu hunokosha huri mungozi. Vakuru vane mutsa, vane rudo, uye vanoshivira chikomborero chakadini kuungano!

Misoro yemhuri inofanira kubata mhuri dzayo neshiviro, kunzwisisa, uye mutsa. Inofanirawo kukarira nokukurudzira mitezo yose yemhuri kushandisa mavara mamwe chete iwaya. (Mateo 7:12) Ikoku kuchabetsera zvikuru kurudo norugare mumusha.

Kushandisa shiviro apo vanenge vari muushumri hwomumunda kuchabetsera vashumiri vechiKristu kufarikanya iri basa zvizere zvikuru. Vachakwanisa zviri nani kutsungirira kusaitira hanya kupi nokupi nechishoro zvinosanganwa nazvo. Panzvimbo pokuitirana nharo navanasaimba vakashatirwa, vashumiri vanoshivira vachakwanisa kupa mhinduro nyoro kana kuti kubva chinyararire, nokudaro vachichengeta rugare nomufaro. (Mateo 10:12, 13) Kupfuurirazve, apo vaKristu vanobata munhu ari wose neshiviro nomutsa, vanhu vakafanana namakwai vachakweverwa kushoko roUmambo. Jehovha akakomborera nhamburiko dzokushivira pamwero wenyika yose, sezvo mazana ezviuru avatsvaki vezvokwadi vanyoro vanodirana kuungano yaJehovha ine rudo gore rimwe nerimwe.

Zvirokwazvo, kushivira kuchatiunzira tuso dzakaisvonaka. Tichadzivisa tsaona dzakawanda nezvinetso zvinoparirwa nechimbi-chimbi kana kuti kunyanyokurumidza kutaura. Tichava vanofara zvikuru, vakaterama zvikuru, uye sezvingabvira vane utano hwakanaka zvikuru. Tichawana mufaro mukuru zvikuru norugare muushumiri hwedu, muungano, uye pamusha. Asi chikurusa chazvose, tichafarikanya ukama hwapedyo zvikuru naMwari. Naizvozvo mirira Jehovha. Shivira!

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Unoshivira sei muupenyu hwezuva nezuva?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe