Ruvengo Ruchazomboguma Here?
KANA wakatarira kunyange kubudisa nhau kushomanene kweterevhizheni, wakarovedzana noruvengo. Ruvengo chinhu chinozivikanwa navose chinotsigira kupondwa kwavakawanda uko kunoratidzika kuva kunosiya rinodokuva zuva nezuva chiratidzo chako chine ropa munyika ino. Kubva kuBelfast kusvikira kuBosnia, kubva kuJerusalem kusvikira kuJohannesburg, vanongoriwo zvavo vasina rombo rakanaka vanourawa.
Vanyajambwa vacho kazhinji kazhinji havazivikanwi navadenhi vavo. “Mhaka” yavo bedzi ndeyokuti zvichida ndeve“rumwe rutivi.” Mukutsinhana kunotyisa, nzufu dzakadaro dzingava kutsiva utsinye hwomunguva yakapfuura kana kuti chimiro choku“paradza dzinza.” Kuitika kumwe nokumwe kwamasimba masimba kunobatira kuwedzera ruvengo pakati pamapoka ane utsinye.
Uku kudzokororwa kunotyisa kworuvengo kunoratidzika kuva kunowedzera. Kurwisana kwehama dzokunyama kuri kutanga pakati pamarudzi, madzinza, uye mapoka edzinza kana kuti orudzidziso. Ruvengo runogona kuzombobviswa here? Kuti tipindure ikoko, tinofanira kunzwisisa zvisakiso zvoruvengo, sezvo tisina kuberekwa kuti tivenge.
Kusima Mbeu Dzoruvengo
Zlata Filipovic, mumwe musikana muduku weBosnia wokuSarajevo, achigere kudzidza kuvenga. Mudhayari rake iye anonyora nenzira yakajeka pamusoro pamasimba masimba edzinza, kuti: “Ndinoramba ndichibvunza kuti Neiko? Kuti zvidini? Ndiani ane mhaka? Ndinobvunza asi hapana mhinduro. . . . Pakati peshamwarikadzi dzangu, pakati peshamwari dzedu, mumhuri yedu, kune vaSerb navaCroat navaMuslim. . . . Tinovhengana navakanaka, kwete navakashata. Uye pakati pevakanaka pane vaSerb navaCroat navaMuslim, sezvo vachingovapo pakati pevakashata.”
Vakura vakawanda, pane rumwe rutivi, vanofunga neimwe nzira. Vanodavira kuti vane chikonzero chiri chose chokuvenga. Neiko?
Kusaruramisira. Sezvinobvira chinonyandura ruvengo chikuru ndiko kusaruramisira nedzvinyiriro. Sokutaura kunoita Bhaibheri, “kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.” (Muparidzi 7:7) Apo vanhu vanoitwa vanyajambwa kana kuti kubatwa nenzira youtsinye, kuri nyore kuti vakudziridze ruvengo kuvadzvinyiriri. Uye kunyange zvazvo kungava kuri kusina mufungo, kana kuti ‘kuva benzi,’ ruvengo rwacho kazhinji kazhinji runonangidzirwa kuboka rose.
Nepo kusaruramisira, chaikoiko kana kuti kunofungidzirwa, kungava chisakiso chikuru choruvengo, handicho bedzi. Chimwe ndiko kufungira mano akaipa.
Kufungira mano akaipa. Kufungira mano akaipa kazhinji kazhinji kunobva mukusaziva pamusoro peboka rakati redzinza kana kuti rorudzi. Nemhaka yorunyerekupe, ruvengo rwegamuchidzanwa, kana kuti chiitiko chakashata nomunhu mumwe kana kuti vaviri, vamwe vangati mavara akashata ndeedzinza rose kana kuti rudzi. Kana kufungira mano akaipa kwangosimba bedzi, kunogona kupofumadza vanhu kuchokwadi. “Tinovenga vamwe vanhu nemhaka yokuti hativazivi; uye hatisati tichizovaziva nemhaka yokuti tinovavenga,” akadaro munyori weEngland Charles Caleb Colton.
Vezvamatongerwe enyika nevezvenhau, pane rumwe rutivi, vangasimudzira nemaune kufungira mano akaipa nokuda kwezvinangwa zvezvamatongerwe enyika kana kuti zvourudzi. Hitler akanga ari muenzaniso mukuru. Georg, aichimbova mutezo weboka reHitler Youth, anoti: “Mashoko aiparadzirwa eNazi pakutanga akatidzidzisa kuvenga vaJudha, ipapo vaRussia, ipapo ‘vavengi veReich’ vose. Sewechiduku, ndakadavira zvandakaudzwa. Gare gare, ndakaziva kuti ndakanga ndanyengerwa.” SomuGermany yeNazi nokuimwe nzvimbowo zvayo, kufungira mano akaipa kwerudzi kana kuti kwedzinza kwakaruramiswa nokushandisa urudzi, mamwe manyuko oruvengo.
Urudzi, uye udzinza. Mubhuku rake rinonzi The Cultivation of Hatred, wezvenhau Peter Gay anorondedzera zvakaitika pakutanga kwehondo yenyika yokutanga, kuti: “Muhondo yokuvimbika urudzi hwakakurira kumwe kwose. Kuda nyika yomunhu nokuvenga vavengi vayo kwakabvumikisa kuva kururamiswa kune simba zvikurusa kwokudenha uko zana ramakore rechigumi namapfumbamwe rakareba rakaparira.” Murangariro wourudzi weGermany wakakurumbirisa rwiyo rwehondo runozivikanwa se“Rwiyo Rwokuvenga.” Vaparadziri voruvengo muBritain neFrance, Gay anotsanangura kudaro, vakaumba nhau pamusoro pavarwi veGermany vachibata chibharo vakadzi nokuponda vana. Siegfried Sassoon, murwi weEngland, anorondedzera pfundo guru ramashoko aiparadzirwa ehondo yeBritain, kuti: “Munhu, kunoratidzika kudaro, akanga asikwa kuti auraye vaGermany.”
Kufanana nourudzi, kukwidziridzwa kwakanyanyisa kweboka redzinza kana kuti rudzi kunogona kubatira kunyandura kuvenga mamwe mapoka edzinza kana kuti marudzi. Urudzi hunopfuurira kunyandura masimba masimba munyika dzeAfrica dzakawanda nepo udzinza huchiri kutambudza Western Europe neNorth America. Chimwe chinhu chinokamuranisa icho chingabatana nourudzi ndirwo rudzidziso.
Rudzidziso. Dzakawanda dzerwisano dzisingadzorwi zvikurusa dzenyika dzine chinhu chorudzidziso chakasimba. MuNorthern Ireland, Middle East, uye kune imwe nzvimbowo zvayo, vanhu vanovengwa nemhaka yorudzidziso rwavanobvuma. Anopfuura mazana amakore maviri akapfuura, munyori weEngland Jonathan Swift akati: “Tine rudzidziso rwakakwana chaizvo kuita kuti tivenge, asi rusina kukwana kuita kuti tidane.”
Muna 1933, Hitler akazivisa bhishopi weOsnabrück, kuti: ‘Kana vari vaJudha, ndiri kungopfuurira nomuitiro mumwe chetewo uyo Chechi yeKaturike yakagamuchira kwamakore 1 500.’ Kuuraya vakawanda kwake kworuvengo hakuna kutongoshurikidzwa navatungamiriri vechechi vakawanda zvikurusa veGermany. Paul Johnson, mubhuku rake rinonzi A History of Christianity, anonyora kuti “Chechi yakadzinga vaKaturike vaitaura muzvido zvavo zvenhaka kuti vaida kupiswa, . . . asi havana kuvarambidza kushanda mumisasa yechibharo kana kuti yorufu.”
Vamwe vatungamiriri vorudzidziso vakapfuura kuregerera ruvengo—vakaruyeresa. Muna 1936, pakutanga kweHondo Yavagari Vemo yeSpain, Pope Pius XI akashurikidza ‘kuvenga Mwari zvirokwazvo kwousatani’ kweVanotsigira Repabhuriki—kunyange zvazvo kwakanga kune vaprista veKaturike kurutivi rweVanotsigira Repabhuriki. Nenzira yakafanana, Kadhinaro Gomá, mutungamiriri weSpain mukati mehondo yavagari vemo, akataura kuti ‘kuyanana kwakanga kusingabviri pasina kurwisa kwakashongedzwa nezvombo.’
Ruvengo rworudzidziso haruratidzi chiratidzo chokuderera. Muna 1992 magazini inonzi Human Rights Without Frontiers yakamhura nzira iyo vakuru vakuru veChechi yeOrthodox yeGreece vakanga vachinyandura nayo ruvengo mukurwisana neZvapupu zvaJehovha. Yakadudza, pakati pemienzaniso yakawanda, chiitiko chomuprista weOrthodox yeGreece uyo akapomera Zvapupu zviviri zvine makore 14 okukura. Pomero yacho? Akazvipomera ‘kuedza kumuita kuti achinje rudzidziso rwake.’
Migumisiro Yoruvengo
Munyika yose, mbeu dzoruvengo dziri kusimwa nokudiridzirwa kupfurikidza nokusaruramisira, kufungira mano akaipa, urudzi, uye rudzidziso. Zvibereko zvisingadzivisiki ndiko kutsamwa, kudenha, hondo, uye ruparadziko. Kutaura kweBhaibheri kuri pana 1 Johane 3:15 kunotibetsera kuona ukombi hwaikoku: “Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muurayi.” Zvirokwazvo, uko ruvengo runobudirira, rugare—kana ruchitongovako—haruna kukotsekana.
Elie Wiesel, muwani woMubayiro weNobel uye mupukunyuki woRuparadziko Rukuru, anonyora, kuti: “Basa romupukunyuki nderokupupurira zvakaitika . . . Unofanira kunyevera vanhu kuti zvinhu izvozvi zvinogona kuitika, kuti uipi hunogona kusunungurwa. Ruvengo rwedzinza, masimba masimba, kunamata zvidhori—zvichiri kubudirira.” Nhau yezana ramakore rechi 20 inogovera chibvumikiso chokuti ruvengo harusati rwuri mwoto uchazvidzima umene zvishoma nezvishoma.
Ruvengo ruchazombodzurwa mumwoyo yavanhu here? Ruvengo runoparadza nguva dzose here, kana kuti kune rutivi rwakanaka here? Ngationei.