RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 5/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Sweden

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Sweden
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukura Kunoda Kuvaka
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Munzira Yokuenda Kunyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Dzimba dzeUmambo Dzinovakirwei Uye Dzinovakwa Sei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 5/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Sweden

SWEDEN iri murutivi rwokumabvazuva rwenyika iri pakati pemvura yeScandinavia uye inotatamukira kumusoro chaizvo kweActic Circle. Inozivikanwa munyika yose nokuda kwechifukidziro chayo chikuru chamasango anoramba akasvibira, pamwe chete namakungwa ayo, uye makomo, Sweden ndiyo imwe yenyika dzine vagari vemo vakataramuka zvikurusa muEurope. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvakatsvaka nokubudirira vadi vezvokwadi imomo kuvambira mukupera kwema 1800. Rangarira muenzaniso wazvino uno.

Mumwe mudzimai akafunda Bhaibheri neZvapupu, asi murume wake akanga asingadi ikoku. Iye akaudza mudzimai wake kurega kufunda, uye akadaro. Uyu murume aishanda padura rechimera chinobikiswa doro. Rimwe zuva mumwe mutyairi werori akauya kudura racho nemuzukuru wake ane makore gumi okukura. Sekuru vacho vakakumbira murume wacho kutarisira mukomana apo ivo vaikwidza zvinhu murori. Kuti vangokurukurirana chete, murume wacho akabvunza mukomana kuti zvipoi zvaakanga agamuchira nokuda kwezuva rake rokuberekwa renguva pfupi yapfuura. Kukushamiswa kwake, mukomana wacho akamuudza kuti iye nemhuri yake vakanga vasingachengeti mazuva okuberekwa nemhaka yokuti vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Mukomana wacho akamuudzawo kuti aiwana zvipo pane dzimwe nguva dzegore uye aisashayiwa chinhu chipi nechipi, sezvo aiva nemhuri ine ushamwari ine rudo zvikuru. Hapana zvipo zvaikosha zvikuru saizvozvo, akawedzera kudaro.

Mukomana wacho akadzoka nasekuru vake kanoverengeka. Nguva imwe neimwe, murume wacho aibvunza mukomana wacho mibvunzo yakawanda, uye akaororwa zvikuru nenzira iyo mukomana wacho akapa mhinduro dzapachokwadi, dzakajeka pasina kuzengurira kupi nokupi. Akaororwawo nokunzwisisa kwemukomana wacho mipimo yechokwadi. Humwe usiku pashure pokunge murume wacho aona purogiramu yeterevhizheni iyo yakaratidza mamiriro ezvinhu munyika anosuruvarisa, iye akaziva kuti aifanira kunzvera zvinhu zvomudzimu zvakakomba zvikuru. Akaridzira runhare Chapupu chakanga chafunda nomudzimai wake ndokuchikumbira kudzoka. Nokukurumidza murume wacho akange ave kufundwa naye nechimwe Chapupu uye akaita fambiro mberi yokukurumidza. Akabhapatidzwa pana April 10, 1994. Mudzimai wake zvino akabhapatidzwawo.

Kukura Kunoda Kuvaka

Sweden musha kuvapoteri vakawanda vanobva kune dzimwe nyika, uye Zvapupu zvomuSweden zvine migumisiro yakanaka mukuvaparidzira. Zvikurukuru basa rakaitwa nebudiriro yakadaro zvokuti Horo dzoUmambo itsva dzakadikanwa kuwanira nzvimbo futunuko yacho. Kuvambira muna 1986 kusvikira 1993, Horo dzoUmambo 37 dzakavakwa nomutoo wokuvaka nokukurumidza, nepo horo 8 dzakakudzwa uye kugadziridza. Muna 1994 moga, Horo dzoUmambo nomwe dzokuwedzera dzakavakwa, uye nhatu dzakagadziridzwa.

Pari zvino, kune ungano 65 dzakamirira betsero yokuvaka Horo yoUmambo itsva kana kuti kukudza kana kuti kugadziridza yavo iripo zvino. Vazvipiri 2 500 vanobetsera mabasa okuvaka akadaro, uye ungano dzinoonga zvikuru yamuro yavo yorudo.

Rutivi rwokuchamhembe rweSweden, runotambanukira kumusoro kweArctic Circle, pane dzimwe nguva runonzi nyika yezuva repakati pousiku. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti mukati merutivi rwezhizha zuva haritongonyuri ikoko. MuSweden mose, zvisinei, chiedza chezvokwadi chiri kupfuurirawo kupenya zvakajeka. Nechikomborero chaJehovha, chiedza ichocho chomudzimu hachizotongodzimi asi chichapfuurira kupenya zvakajeka zvikuru kwazvo.

[Bhokisi riri papeji 8]

KUKAMURANISWA KWENYIKA

Gore Rebasa ra 1994

NHAMBA YEPAMUSORO INOPUPURA: 24 246

RESHIYO: Chapupu 1 ku 362

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 40 372

AVHAREJI YEVAPARIDZI MAPIYONA: 2 509

AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 11 306

NHAMBA YAVAKABHAPATIDZWA: 850

NHAMBA YEUNGANO: 358

HOFISI YEBAZU: ARBOGA

[Mufananidzo uri papeji 9]

Hofisi yeBazu neMusha weBheteri kuAborga

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvapupu zvapakuvamba muHjo zvakashandisa iri bhazi duku kufukidza ndima yemakiromita 1 500 akaenzana kumativi mana

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe