Kokorodzano ya“Varumbidzi Vanofara” Uchavapo Here?
MUFARO! Shoko iroro rinonzwika kuva rechienzi here, kunyange kuva rokumwe, muiyi nguva yakazadzwa nezvinetso? Zvirokwazvo mapepanhau haapi zvikonzero zvakawanda zvomufaro. Hondo dzamarudzi, nzara yakapararira, kushayikwa kwamabasa, kusvibisa kune ngozi, kusagadzikana kwezvamatongerwe enyika, utsotsi—izvi hazvisati zviri zvinhu zvokuzadza mwoyo nomufaro, zvinodaro here?
Vanhu vakawanda zvikurusa nhasi vanobvuta mufaro upi kana upi wavanogona muupenyu. Asi mufaro here? Mufaro wakarondedzerwa se“chimiro chomufarwa; kufara.” Vasina kunyanyowanda vakawana mufaro chaiwoiwo, uye apo vanodaro, unowanzova wechinguvana zvikuru.
Bva, richitarira mberi kunguva yedu, Bhaibheri rakafanotaura, kuti: “Zvanzi naShe Jehovha: Tarirai, varanda vangu vachafara. Tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo.” (Isaya 65:13, 14) Ikoko kunogona kudaro sei?
Kuti uwane mhinduro, tinokukoka kupinda imwe yekokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha dzichaitwa muna 1995. Musoro wekokorodzano dzacho unoti “Varumbidzi Vanofara,” uye kupinda ndokwapachena. Purogiramu yekokorodzano yamazuva matatu ichaumbwa nehurukuro dzakavakirwa paBhaibheri, mienzanisiro, kurukurirano, uye zvakawanda. Mupurogiramu yose, musoro womufaro uchasimbiswa.
Kokorodzano dzacho dzinotanga muUnited States muna June uye dzichapfuurira mumaguta kupota nyika kutozosvikira mukuvamba kwa 1996. Sezvingabvira, kuchava neimwe pedyo newe. Huregererei kubvunza Zvapupu zvaJehovha zvinogara munharaunda yako? Tinokukoka noushamwari kuti uvepo.