Mufaro Wakachengeterwa Avo Vanowana Zvokwadi
MUKAMURI rake repasi pedenga reimba, mumwe murume weFinland akawana bhuku raThe Divine Plan of the Ages. Akatanga kurirava pakarepo, uye nokukurumidza akataura kwaari amene, achiti, ‘Iyi ndiyo zvokwadi; iyi ndiyo zvokwadi.’ Aburuka mukamuri riri pasi pedenga reimba, akaudza mudzimai wake kuti, “Ndawana rudzidziso rwechokwadi.”
Ichi chakaitika hachisati chiri chenguva dzose munzira iyo uyu murume akawana zvokwadi, asi vakawanda veZvapupu zvaJehovha vangagona kurondedzera kuita kwakafanana. Vose zvavo vanogona kukuudza nezvomufaro wakunounza kuwana zvokwadi. Zvakaitika zvinotevera zvinosimbisa ikoku.
Dzidziso Dzechokwadi dzeBhaibheri Dzinounza Mufaro
Margarita Königer akakurira muMunich, Germany, mukati meHondo yeNyika II. Dzimba dzaibhombwa nedzaitsva zvakanga zviri chiono chenguva dzose. Hanzvadzi yake yakafira muhondo yacho. Sezvaaipinda minamato yeKaturike, akanzwa minyengetero ichipiwa nokuda kwavarwi veGermany uye führer, Hitler. Pashure pehondo yacho, akawana mari yokubetsera kupfuuridzira dzidzo kuti apinde imwe koreji muUnited States sorutivi rwepurogiramu yokuchinjanisa vadzidzi. Akawana kuti vanhu vakanga vane ushamwari kwaari, naizvozvo akanetseka kuti chakanga chiri chii chairatidzika kuva chaisunda vanhu, avo vane chishuvo chomuzvarirwo chokugara murugare, kusavimba uye kuvengana mukati menguva yehondo. Adzoka muMunich, akasangana neZvapupu zvaJehovha, uye kupfurikidza nefundo yeBhaibheri nazvo, akawana mhinduro dzemibvunzo yake. Anoti: “Ndakaratidzwa muBhaibheri kuti masimba emidzimu yakaipa anobatanidzwa . . . Bhaibheri rinoaidza kuti ‘vatongi venyika,’ uye, kutaura idi, rinotaura kuti Satani ‘ari kutsausa pasi rose rinogarwa.’ . . . Ndichivakira pazviito zvisiri zvoumwari, zvoudhiyabhorosi zvamarudzi navanhu, mhinduro iyi ine mufungo uye inogutsa sei!”—VaEfeso 6:12; Zvakazarurwa 12:9.
Margarita anopfuurira, kuti: “Kwakandiunzira mufaro mukuru kudzidza nezvegadziriro yaMwari yokupedza zvinetso zvapasi. Aiwa, hakusati kuchizova kuri kupfurikidza nepfungwa kana kuti udzori hwavanhu, sezvinokarakadzwa navadzidzisi wenyika. Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinoratidza kuti hurumende itsva yokudenga ichatarisira zvinhu zvapasi. . . . Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: ‘Umambo hwenyu ngahuuye.’ . . . Ndakavamba kuona kuti uhwu umambo ihurumende chaiyoiyo uye kuti rugare rwechokwadi, rwenyika yose rwuchawanika kupfurikidza nahwo bedzi.” Mukati maanodokusvika makore 30, Margarita akabatira somufundisi munyika shanu dzeAfrica—makore 19 apfuura achipedzerwa mukuzivisa zvokwadi kuvanhu vanozvininipisa veOuagadougou, Burkina Faso.
Chakaitika chaMargarita hachisati chiri chechienzi. Vakawanda vakaitawo zvakanaka apo vakawana kuti vafundisi wechiKristudhomu vari kumativi ose ari maviri anorwisana vanonyengetera kuna Mwari nokuda kwerukundo. Vane mwoyo yakatendeseka vanoona kuva nomufungo kwetsananguro yeBhaibheri yokuti Mwari haana chokuita nehondo dzavanhu asi kuti idzodzi dzinotanga nemhaka yokuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” Ava vatsvaki vezvokwadi vanodzidza kuti vaKristu vechokwadi havafaniri kuva “venyika” asi vanofanira kuramba vasingatori rutivi muzvinhu zvayo. Vachiziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakatora chimiro chakadaro, ava vachangobva kufarira vanopwiswa kuti vawana zvokwadi. Vakadaro vanokura mutariro nomufaro sezvavanowana zivo yakawedzerwa pamusoro pechikonzero nei Mwari akabvumira uipi uye nzira yaachaparira nayo nokukurumidza rugare namamiriro ezvinhu akarurama pasi pano kupfurikidza noUmambo hwake.—1 Johane 5:19; Johane 17:16; Mateo 6:9, 10.
Nheyo Dzechokwadi dzeBhaibheri Dzinounza Mufaro
Daniel Rosero wokuEcuador akanzwa kuti upenyu hwakanga husina revo, naizvozvo akatanga kunwa. Chechi yaaipinda yakamudzidzisa kuti chinhu bedzi chaaifanira kukarira chakanga chiri rufu nehero inopisa. Akapindura kuti, “Ndiri kunotsva, naizvozvo regai ndinwe!” Akanga ane mhuri yavana vasere iyo akanga asiri kuriritira, uye akanga achirwa nguva dzose nomudzimai wake, Delia. Nguva yechinjo yakasvika mamwe mangwanani eSvondo apo vakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kufunda Bhaibheri. Nguva yokutanga apo Daniel akapinda gungano redunhu reZvapupu zvaJehovha, akaziva kuti akanga awana zvokwadi. Anoti: “Kurongeka kwacho kwakandishamisa. Vanhu vaifambidzana, vakawanda vavo, pamwe chete. Waigona kunzwa rudo muboka racho. Hapana munhu aisvuta. Hapana mutauro usina kuchena. . . . Ndinoyeuka ndichifunga kuti, ‘Iyi ndiyo zvokwadi!’ Kwakanga kusiri kutya rufu kana kuti kutya mugumo wenyika kwakandisunda. Rwakanga rwuri rucheno rwesangano racho.”
Mhuri yose yekwaRosero yakava Zvapupu zvaJehovha. Upenyu hwavo hwemhuri uye mamiriro avo ezvemari zvakavandudzika sezvo vakashandisa nheyo dzeBhaibheri. Delia Rosero anoti: “Munoziva ndinoonga zvokwadi yeBhaibheri nokuda kwezvose. Ndiani anoziva uko vana vangu vaizodai vari pasina Shoko raMwari? Vose vari vanomwe vakabhapatidzwa uye vakadzikama. Zvokwadi yakareva upenyu hutsva chose chose, mufarwa mutsva, nokuda kwangu.”
Chakaitika chemhuri yekwaRosero hachisati chiri chechienzi. Vakawanda muzuva redu vanotambudzwa nezvinetso. Chikonzero chimwe ndechokuti mipimo yetsika inogoverwa muBhaibheri kazhinji kazhinji haicharemekedzwi, sezvayaiitwa nezvizvarwa zvapakuvamba zvikuru. Marudzidziso akawanda zvikurusa akatevera muitiro iwoyu, kungava nechikonzero chokushivira kana zvimwe kuti nemhaka yokuti anonzwa kuti nokuchinja kwenguva tsika dzekare dzava dzechinyakare. Naizvozvo, kufanana navamwe, vekwaRosero vakaregwa vachitsvangadzira vasina nhungamiro yeBhaibheri. Zvisinei, apo vanhu vanozvininipisa vakadaro vanosvika pakunzwisisa murangariro waMwari wetsika noupenyu hwemhuri, pasina kunonoka vanoshandisa zvavanodzidza. Kubva munhau dzavo tinogona kuona migumisiro yakanaka yokuita kudaro.
Mufaro Unofanira Kusakurirwa
Ikoku hakurevi, zvisinei, kuti muKristu ari muchimiro chokufara nguva dzose. Sezviri pachena, zvinetso izvo vanhu vose zvavo vanotarisana nazvo, zvakadai sokushayikwa kwamabasa, chirwere, uye rufu, zvinotapurawo vaKristu. VaKristu vanofanirawo kurwisana nguva dzose nokusakwana kwavo vamene uye utera. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura kuti Roti akanga “afa neshungu nokuda kwomufambire woutere wavakashata” muguta reSodhoma. VaKristu vakatendeka havagoni kudzivisa mirangariro yakafanana pakuona mamiriro ezvinhu akaipa achipararira.—2 Petro 2:7, 8.
Zvisinei, avo vakawana zvokwadi vane betsero. Somuenzaniso, mutendi ari kuchema mumwe munhu afa haafaniri “kuchema savamwe vasina tariro.” Nhamo yacho haisati ichizova isina miganhu. Ikoku ndokwechokwadi nezvezvimwe zvinetsowo. Munhu awana zvokwadi anoziva kuti zvinetso zvazvino ndezvechinguvana bedzi. Tariro inokuita kuti kuve nyore kuwana ushingi muzvinetso. Mararamiro akadzikama anobetserawo.—1 VaTesaronika 4:13.
Pauro akapa vaKristu iri zano: “Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.” (VaFiripi 4:4) Ikoku kunoratidza kuti nepo mufaro uchiwanwa nesu tose, kunobvirawo kusava nawo. Funganyo dzetsika ino yekare yezvinhu dzingagona kubvumikisa kuva mhinganidzo. Mukuwedzera, Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kusakurira mufaro, chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22) Kana ukapinza nguva dzose zivo yezvokwadi uye kuzviyeuchidza umene nezvepfuma yomudzimu yayakaunza uye yaichiri kuunza, mufaro wako hausati uchizopera. Iwo uchava wakasimba zvikuru sezvo tinosvika nguva apo Mwari a“chapisika misodzi yose” pameso avanhu uye apo “kuchema, kana kurira, kana kutambudzika” zvisingazovipozve.—Zvakazarurwa 21:4.
[Mifananidzo iri papeji 8]
Vakawanda vanoororwa nomufaro nokurongeka kwakanaka pamagungano eZvapupu zvaJehovha