RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 3/15 p. 32
  • Bhaibheri Rinoita Marii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoita Marii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 3/15 p. 32

Bhaibheri Rinoita Marii?

BRITISH Library nguva pfupi yapfuura yakabvuma kubhadhara mari inenge $12 800 000 nokuda kwekopi yeshanduro yechiNgezi yaWilliam Tyndale yaMagwaro echiKristu echiGiriki. Rakabudiswa makore 468 apfuura, ndiyo shanduro bedzi yokutanga yakakwana yeBhaibheri raTyndale yakapukunyuka nhamburiko dzakasimba dzokuriparadza. Iri Bhaibheri rave richiratidzirwa vose muLondon.

Bhaibheri raTyndale rakatengwa kuBristol Baptist College muEngland, uko rave rakachengetwa kubvira muna 1784. Dr. Roger Hayden, mutevedzeri wasachigaro wedare rekoreji, akati: “Iri igwaro rerudzi, retsika uye rechiKristu roukoshi hukuru uye taida kuti rive rinowanika kwakafara zvikuru, sezvo takarichengeta mukamuri dzokuchengetera zvinhu zvinokosha.”

Kwamazana amakore Bhaibheri rave richiwanika zvikurukuru muchiLatin uye raigona kuraviwa bedzi navafundisi neboka rakakwirira ravakadzidza. Kufanana naJohn Wycliffe akamutangira, Tyndale aida kuita kuti Bhaibheri raigona kuraviwa nokunzwisiswa navose riwanike. Akamboti kumumwe mufundisi uyo aimushora: ‘Kana Mwari akandichengeta kwamakore akawanda, ndichaparira mukomana anorima kuziva zvakawanda zvaMagwaro kupfuura zvaunoita iwe.’

Iri rakanga riri basa rine ngozi, sezvo vafundisi vaishora zvinotyisa nhamburiko ipi neipi yokuita kuti Magwaro awanike kuvanhuwo zvawo. Somugumisiro, Tyndale akatiza kubva kuEngland achienda kuGermany. Ikoko akashandura “Testamente Itsva” kubva muchiGiriki chapakuvamba. Makopi 3 000 akadhindwa ndokuverevedzwa muEngland. Bhishopi weLondon akatenga kopi iri yose yaaigona kuwana ndokuapisa pachena muchivanze chechechi yeSt. Paul. Pakupedzisira, Tyndale akabatwa, akatongwa, uye akawanwa ane mhaka yomurangariro unopesana nedzidziso yechechi. Muna 1536 akadzipwa ndokupisirwa padanda. Kunofadza sei kuti Bhaibheri raivengwa kwazvo navafundisi zvino rinoita mari yakawanda yakadaro!

Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira zvapachokwadi kupa zivo yakarurama yeBhaibheri kuvose vanoitsvaka. Kunze kwokudhinda nokuparadzira dzimwe shanduro, zvakabudisa kubva mumitauro yapakuvamba shanduro yeBhaibheri rose iyo iri zvose zviri zviviri yakarurama uye iri nyore kurava. Pakasvika 1995 anosanopfuura makopi 74 000 000 eiyi New World Translation of the Holy Scriptures akanga abudiswa mumitauro 12. Chokwadika, ukoshi chaihwoihwo hweBhaibheri ripi neripi ishoko raro rinopa upenyu.

[Mufananidzo uri papeji 32]

William Tyndale

[Kwazvakatorwa]

From an old engraving in the Bibliothèque Nationale

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe