RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 3/15 pp. 21-24
  • Hapana Kurega Basa Nokuda Kwedu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hapana Kurega Basa Nokuda Kwedu!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Chinovaita Vafare
  • Kudisa Kuchinja
  • Kutsungirira Muzvinetso Zvoutano
  • Ichiri Itiro Hanya Inopfuurira
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 3/15 pp. 21-24

Hapana Kurega Basa Nokuda Kwedu!

“HAPANA KUREGA BASA NOKUDA KWEDU” ndiro shoko raunowana apo unoshanyira musha mumwe wechienzi muTokyo, Japan. Mhuri yavarume navakadzi 22, vanoita avhareji yamakore 70 ezera, vanogaramo. Ivo vakasungwa kwete nezvisungo zvoukama asi nefariro yavose—basa roufundisi. Ivo vakapfuurira mubasa rokuparidza renguva yakazara kwehwerengedzo yamakore 1 026! Mitezo mitatu yakwegura zvikurusa yakaberekwa muna 1910. Vanomwe vavo vakatanga basa ravo renguva yakazara apo vakanga vachiri vechiduku. Vapfumbamwe vavo vakaona kukura kwebasa rokuparidza Umambo muJapan chibviro chamavambo aro pashure peHondo yeNyika II.—Isaya 60:22.

Zvisinei, ichi chaichimbova chivako chebazu cheWatch Tower chine nhurikidzwa nhanhatu inzvimbo yekurudziro, zvikurukuru nemhaka yomudzimu, chimiro chikuru chendangariro, chavafundisi vanogaramo. Kunyange zvazvo vakawanda zvikurusa vavo vane ganhuriro dzemiviri dzine chokuita nezera noutano hwakaipa, hapana navamwe vaava varwi vomudzimu vakagadzirira kurega. Zvapupu zveJapan zvakavavandudzira chose chose chivako chacho, kuchigovera Horo yoUmambo nechepasi nechokukwidzisa vanhu.

Chinovaita Vafare

Vava mumugove wavo kwamakore akawanda kwazvo, ava vafundisi vanonzwa kuti uyu ndiwo musha wavo. “Apo ndakadzokera kuAustralia nokuda kwekokorodzano yoruwa zhezha rino rapfuura,” wakadaro mumwe wemitezo yakwegura zvikurusa wemhuri yacho, “ndakanga ndagadzirira kudzokera kumusha pashure pevhiki mbiri!” Ivo vanoda vanhu avo vari kubatira uye vakavasakurira chidakadaka chikuru. Vafundisi vose vanoda tsamba nokuridzirwa runhare izvo zvinoyeuchidza mibato yamazuva apfuura.

Iwoyo ndiwo mugumisiro woushumiri hwokushingaira. Vachisundwa nokuda Jehovha, vafundisi vakaparidza Shoko raMwari nokukurumidzira mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. (Enzanisa na 2 Timotio 4:2.) “Takazvirovedza timene kuva vanofara nemhaka chete yokuti tiri kubatira Jehovha,” anodaro Vera MacKay, uyo abatira muJapan kwamakore 37. “Kunyange kana pasina munhu anouya kusuo, tiripo kuzopupurira pamusoro paJehovha.”

Gumi navaviri vaava vafundisi havana kutongoroora, asi vanofara kukwanisa kubatira Ishe pasina chinotsausa. (1 VaKorinte 7:35) Gladys Gregory, uyo abatira somufundisi kwamakore 43, ndimumwe wavo. Iye anoti: “Kuti ndive norusununguko rukuru zvikuru nokuda kwebasa raJehovha, ndakapinda mubasa roupiyona, gare gare kuGilead [Watchtower Bible School of Gilead], uye ipapo mubasa roufundisi. Pasina kuva ndakaita mhiko ipi neipi yaikoko, ndaramba ndisina kuroorwa, uye kufanana neshamwari dzakati kuti, handina kutongodemba ikoko.”

Kudisa Kuchinja

Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachiva vane chisimbwa sezvavanokura, vafundisi vave vachidisa kuchinja. Lois Dyer, Molly Heron, uye Lena naMargrit Winteler vakanga vari mumusha muduku zvikuru wavafundisi munharaunda inogarwa yeTokyo. Ivo vakagarapo kwaanopfuura makore 20 ndokuva vanobatanidzwa navanhu vomunzvimbo imomo. Mundima dzavo, vanaWinteler vaiva navanhu 40 kwakamirirwa magazini kwavo, uye Molly naLois vaiva ne 74 kwavo. Ipapo, Sosaiti yakavakumbira kutamira kumusha wavafundisi une nhurikidzwa nhanhatu pakati peTokyo. “Ndakaora mwoyo ndokusafara pakutanga,” anobvuma kudaro Lena. Senguva dzose, zvisinei, ivo vakachinjira kumugove wavo mutsva. Vanonzwa sei zvino? “Tinofara zvikuru,” anopindura kudaro Lena. “Zvino hama mbiri dzapaBheteri dziri pano kuti dzitibikire nokuchenesa musha. Tinosanotarisirwa.” Ivo vose vanobvumirana naLois, uyo anoti: “Tarisiro yorudo inotipa sangano raJehovha inotibetsera kupfuurira.”

Norrine Thompson akachinjirawo kumamiriro matsva ezvinhu. “Kwamakore 15,” iye anodaro, “ndaiva neropafadzo yokuperekedza murume wangu [pakuvamba akabva kuNew Zealand] mubasa roruwa apo Japan yose yaingova ruwa rumwe chete.” Zvisinei, utano hwomurume wake hwakaipa, uye iye aifanira kukurira muedzo mukurusa woupenyu hwake—rufu rwake makore 18 apfuura. “Panguva iyoyo,” iye anodaro, “chakandigonesa kupfuurira ndiri mubasa roufundisi rwakanga rwuri rudo rwakaratidzwa nehama muJapan mose, pamwe chete nomunyengetero nokuramba ndakabatikana mubasa.”

Kutsungirira Muzvinetso Zvoutano

“Vakawanda zvikurusa vane rudzi rwakati rwechinetso choutano, asi vanofara, uye chishuvo chavo chokubatira ivara rakatanhamara,” anodaro Albert Pastor, mutariri womusha wavafundisi. Kutarisira vafundisi, chiremba nomudzimai wake, uyo ari mukoti, vakagoverwa kumusha wacho.

Zuva rimwe makore matatu apfuura, Elsie Tanigawa, akapedza kufunda wekirasi yechi 11 yeGilead School, kamwe kamwe akarasikirwa nokuona kweziso rake rokuruboshwe. Mwedzi mina gare gare, ziso rake rokurudyi rakatapurwawo. “Padzimwe nguva ndinoodzwa mwoyo zvishomanene nokuti handikwanisi kubatira sezvandaichimboita. Asi negadziriro dzose dzomutsa dzeSosaiti norubatsiro rworudo rwomubiyangu navamwe, ndinopfuurira kuwana mufaro mubasa raJehovha,” anodaro Elsie.

Shinichi Tohara nomudzimai wake, Masako, avo vakanga vari vomukirasi biyake veGilead vaElsie, vakatarisana nemiedzo yakawanda pamusoro poutano hwavo mumakore mashomanene apfuura. Nokuda kwaShinichi, mutauri anokwanisa, idenho huru kusakwanisa kuona zvinonyorwa zvake nemhaka yokuona kwake kwoipa. Kunyange zvazvo akapfuura nomukuvhiyiwa kukuru nokuduku mumakore achangobva kupfuura, meso ake anopenya apo anotaura pamusoro pomudzidzi weBhaibheri ane makore 90 okukura uyo iye zvino ari kubetsera.

Pasinei zvapo nokuva no“munzwa munyama,” ava vafundisi vanorangarira utera hwavo sezvakaita muapostora Pauro, uyo akati: “Kana ndino utera, ipapo ndine simba.” (2 VaKorinte 12:7-10) Uye vane simba zvirokwazvo! Vanomuka nokuda kwokunamata kwamangwanani zuva riri rose na 7 kiroko. Pashure pechisvusvuro, avo vanokwanisa mumuviri kuita saizvozvo vanopinda muushumiri hwomumunda hwamangwanani-ngwanani.

Richard naMyrtle Shiroma vari pakati paavo vanopinda mubasa nguva dzose. Myrtle akarohwa nesitiroko dzakaparirwa nedenho yokuoma kwetsinga dzouropi muna 1978, asi akaperekedza murume wake mubasa rokufambira kutozosvikira muna November 1987. Zvino Richard, uyo iye amene ava namakore 70 ezera, anobetsera Myrtle kuita chinhu chiri chose. Iye anomuka na 5:00 a.m., anomubvisa pamubhedha, anomushambidza, anomupfekedza, anomutsvindisa, uye anomudyisa nechipunu. Ipapo anomubudisa kunze ari muwheelchair yake nokuda kwebasa romumunda mangwanani ari ose, achienda paimba neimba kweinenge awa imwe uye pashure pacho kupupura kuvanhu panomirira mabhazi. Myrtle haasati achakwanisa kutaura, asi mashoko okupedzisira ayo akataura aiva Dendo, dendo, chiJapan nokuda kwo“Kuparidza, kuparidza.”

Mwanasikana wavo, Sandra Sumida, akatamira mumusha wavafundisi kuti avabetsere. Sandra nguva pfupi yapfuura akarasikirwa nomurume wake anodiwa nemhaka yehosha yomwoyo. Iye anoonga gadziriro yomutsa yeWatch Tower Society mukumugovera kudzokera kuJapan achibva kuGuam, uko iye akanga abatira somufundisi nomurume wake. “Nguva dzose ndainzwa kuti ndakanga ndisina goverano huru mukubetsera vabereki vangu nemhaka yokuti ndakanga ndiri muGuam,” iye anodaro. “Munun’una wangu, Joanne, aivatarisira muuyu musha. Naizvozvo apo mukana wakazaruka, ndakanzwa zvakanaka pamusoro pako. Kunzwa ndichidikanwa pano wave uri mushonga wangu chibviro chorufu rwakamwe kamwe rwomurume wangu.”

Ichiri Itiro Hanya Inopfuurira

Kunyange zvazvo vafundisi vachinzwa migumisiro youkweguru, vanoramba kurega mudzimu wavo woufundisi. (Pisarema 90:10; VaRoma 5:12) Jerry naYoshi Toma, avo vakanga vari pakati pavakapedza kufunda vokutanga veGilead kuuya kuJapan, vachiri kupinda mundima yemabhizimisi mutaundi reShibuya. “Apo takasvika pachivako chine nhurikidzwa mbiri icho chaiva pano muna 1949, taienda pabako nebako rakacherwa mugomo. Zvino Tokyo yachinja kuva dzimbahwe. Takura uye hatigoni kuita zvakawanda sezvataisiita. Asi apo tinodzokera tichibva kukuparidza, tinozorodzwa kwazvo,” anodaro Yoshi.

Lillian Samson ave ari mufundisi muJapan kwamakore 40 uye anofarikanya ushumiri hwake zvikuru kwazvo. “Zvino ndiri kubetsera mumwe mukadzi ane makore 80 okukura uyo akafunda nomubiyangu, Adeline Nako, uyo akadzokera muHawaii achitarisira amai vake vanorwara. Mukadzi wacho nguva pfupi yapfuura akava muparidzi woUmambo pashure pokunge akurira chinetso chokunamata vakare. Akaenda kutembere ndokuudza mudzimai womuprista kuti, ‘Ndakatendeukira kuchiKristu!’” Nemifaro yakadaro muupenyu hwake, Lillian haana kutongodemba zuva apo iye, pazera ramakore 19, akarega basa rake rokunyika ndokuvamba kupayona.

Ruth Ulrich naMartha Hess, vafundisi biyamwe kwamakore anopfuura 45, vakashanda vari pauyu musha wavafundisi kwamakore 35. Ivo vagara zvakanaka mundima macho. Pane imwe nguva mumwe mutariri wedunhu akabvunza Martha, kuti: “Ndingakwereta chiso chenyu here kuti ndiende pasuo nesuo?” Vanhu vaiziva chiso chaMartha ndokutora magazini, apo mutariri wedunhu aiva nenguva yakaoma yokutanga kurukurirano.

Ruth ane mumwe mukadzi kwakamirirwa magazini kwake uyo asingakwanisi kurava nemhaka yezvinetso zvoutano. Zvisinei, mukadzi wacho anopfuurira kugamuchira magazini uye akatogamuchira bhuku rine butiro rakasimba raMankind’s Search for God. Ruth akashamisika kana aifanira kupfuurira kuendesa magazini acho sezvo pasina munhu airatidzika kuva anorava mabhuku acho. Ipapo rimwe zuva murume womukadzi wacho akasvika Ruth nebhuku raSearch, achiti: “Iri ibhuku rinoshamisa! Ndakarirava rose kaviri.” Ruth akatanga fundo yeBhaibheri naye nomudzimai wake.

Uyu musha wavafundisi umene unokwezva vanhu vanofarira. Mamwe madekwana, rimwe jaya rakauya kumusha wacho ndokuti: “Ndinonzwisisa kuti kana ndikauya pano, ndinogona kuwana betsero yokudzidza Bhaibheri.” Fundo yeBhaibheri yakatangwa naye. Somubiki mukahotera kechiChina, iye aishanda nomumwe mukadzi akanga ave adzingwa kwamakore akawanda. Magazini akagoverwa apo mumwe muparidzi akashanyira kahotera kacho akapinda mukicheni. Mubiki muduku akaada ndokutanga kubvunza aichimbova Chapupu mibvunzo. Asingakwanisi kuipindura, akamuudza kushanyira musha wavafundisi. Iye zvino ari kubatira somubatiri anoshumira napiyona. Pashure penguva yakati, mukadzi akadzingwa akadzorerwa, uye pakupedzisira iye akavawo piyona wenguva dzose.

Vafundisi vose vari mumusha wacho vanoonga izvo Jehovha akavaitira. Ivo vakabva Australia, Canada, Hawaii, Switzerland, uye United States, uye 11 vakabva mukirasi yechi 11 kana kuti kirasi dzapakuvamba dzechikoro chavafundisi cheGilead. Vakaona fambiro mberi yebasa roUmambo muJapan ndokugoverana mirangariro yaMambo Dhavhidhi, uyo akati: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” (Pisarema 37:25) Mukuonga tarisiro yorudo yaMwari, ava vafundisi vakatsunga kusarega basa asi kuramba chaizvo vachibatira Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe