RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 2/15 pp. 23-26
  • Dominican Republic—Ichakazaruka Kukuwana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dominican Republic—Ichakazaruka Kukuwana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Kuwana Kworumwe Rudzi
  • Zvikomborero Zvokusvitsa
  • Kugamuchira Kwakaisvonaka Kwavaduku
  • “Vapanguri” Vanobva Kune Dzimwe Nyika
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 2/15 pp. 23-26

Dominican Republic—Ichakazaruka Kukuwana

SEPWEREWO zvayo, Christopher Columbus akavamba upenyu mugungwa uhwo hwakamutungamirira pakupedzisira kukuwanwa kwezvitsuwa zvinozivikanwa nhasi seWest Indies. Muna December 1492, ngarava yake huru, Santa María, yakabata pasi kumhenderekedzo yegungwa yokuchamhembe yechitsuwa cheEspañola, chinozivikanwa nhasi sechitsuwa cheHispaniola, chinogoveranwa neHaiti neDominican Republic. Ipapo Columbus akatanga nzanga yokutanga yevaEurope, nhare yakavakwa nokukurumidza, uye akaitumidza kuti La Navidad. Ichi chitsuwa chakava musimboti wokumwe kupangura kwake.

Columbus akawana kuti chitsuwa chacho chakanga chakagarwa zvikurukuru navanhu vakanaka, vanovimba, uye vanogamuchira vaenzi, maIndia echiTaino. Kwakanga kune vanofungidzirwa kuva 100 000 vavo panguva yacho. Zvisinei, mukubata kwakakasharara kwavavhozhokeri, vaiva nefariro huru yakanga iri kuwana ndarama, nhamba yavagari vakaberekerwamo yakaderera nokukurumidza. Pakasvika 1570 sezvinoshumwa kwakanga kune maIndia echiTaino anenge 500 bedzi akanga asara.

Nhasi, Dominican Republic inogarwa navanhu vamadzinza akawanda noruvara rweganda, vane madzitateguru akatamira kuno. Kunyange zvazvo zvakadaro, vanoratidzika kuva vane akawanda amavara akaisvonaka avaTaino, vachiva zvikurukuru vanhu vane ushamwari navakasununguka. Ikoku, pamwe chete nokudavira Mwari kwapachokwadi uye kuremekedza Bhaibheri, zvakaita kuti basa rokuparidza nokudzidzisa reZvapupu zvaJehovha rive rinobudirira nenzira inoshamisa muiyi nyika.

Kuwana Kworumwe Rudzi

Vafundisi vokutanga veWatch Tower, Lennart naVirginia Johnson, vakasvika muDominican Republic mukati menhambo yomudzvinyiriri Trujillo. Vakawana, kumufaro wavo, kuti vakawanda vakagamuchira nokukurumidza uye zvakanaka shoko ravo reBhaibheri. Ikoku, zvisinei, kwakanga kusingafadzi zviremera navapi zano vazvo vorudzidziso. Fungu rechitambudzo rakavamba nokukurumidza, uye kutenda kweZvapupu zveDominican zvapakuvamba izvozvo kwakaedzwa zvakakomba. Kusvika kuzuva rino, ruvimbiko rwazvo nokutenda—kunyange kusvikira kurufu—zvichiri kungotaurwa zvikuru.

Zvapupu zvaJehovha, zvino zvava nenhamba yavanenge vane 16 000 munyika yacho, zvinosanozivikanwa. Nguva yakati yapfuura, nhepfutepfu shanu dzeterevhizheni munyika yose dzakatepfenyura vhidhiyo inoti Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name.a

Ikoku kwakapa ziviso huru kubasa reZvapupu kwete bedzi mumaguta makuru zvikuru asiwo mumataundi maduku zvikuru nomudzimwe nharaunda dzomumaruwa. Sedzokerero, zvakaronga nhimbe chaiyo yokusvitsa nokuendesa mashoko akanaka oUmambo kuidzi nharaunda dziri kure.

Zvikomborero Zvokusvitsa

Zvapupu zviduku zvakawanda, zvakasimba, uye zvinoshingaira zvakazvipira kupedza nhambo dzemwedzi miviri zvichiparidzira muidzi ndima dziri kure zvikuru. Nhamburiko dzazvo dzakasanotuswa. Mune imwe nharaunda Zvapupu zviviri zvakawana fariro yechienzi. Sezvo yakanga iri nguva yokuita Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu, zvakaita gadziriro ndokukoka vanhu kuti vauye. Horo yakazara, uye zvakaitisa musangano wacho. Apo wakanga wapera, zvakawana, kukushamisika kwazvo kukuru, kuti kwakanga kune rimwe boka guru ravanhu kunze kwehoro raimirira kupinda. Naizvozvo zvakavakoka kupinda ndokudzokorora purogiramu yacho. Zvino kwava neungano munharaunda iyoyo.

Unhu hworupo uye hwokusununguka hwavanhu hunowanzovasunda kugoverana zvokwadi yeBhaibheri iyo vari kudzidza nemitezo yemhuri dzavo navamwe. Mumwe mudzidzi weBhaibheri akanga achipfachuka nomufaro apo pakupedzisira akakwanirisa kutora rutivi muushumiri hwapaimba neimba. Akanga ava kutoitisa fundo dzeBhaibheri shanu munharaunda yake, asi akanga achifara kuva negoverano huru zvikuru muushumiri.

Nendima yakakura zvikurusa isingashanyirwi nguva dzose navaparidzi voUmambo, nhamburiko iri kuitwa yokuparidzira vanhu mumabhazi naavo vanouya kumaguta kuzoita zvebhizimisi kana kuti kutenga. Ikoku kwakatungamirira kumigumisiro inofadza, sezvinoratidzirwa nechakaitika pamusoro petsamba yakagamuchirwa nehofisi yebazu. Yakanga ichibva kuvarume vaviri muimwe nharaunda yomumaruwa, avo vakakumbira fundo yeBhaibheri. Apo chimwe Chapupu chakavashanyira, “varume” vacho vaiva vane makore 10 ne 11 okukura. Asi vakaziva sei pamusoro pegadziriro yefundo yeBhaibheri? Eya, mumwe murume anobva mumusha iwoyo akapinda mudzimbahwe nokuda kwebhizimisi rakati. Akasangana neChapupu mumugwagwa, icho chakamupa turakiti ndokumukarakadzira fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Achidzoka kumusha kwake, murume wacho akapa turakiti racho kumusikana wamakore 12 okukura womunharaunda ndokumuudza pamusoro pegadziriro yefundo yeBhaibheri. Munhevedzano, musikana wacho akapfuudza mashoko acho kuvakomana vaviri, avo vakakurumidza kunyora tsamba. Fundo yeBhaibheri yakatangwa navakomana vacho, musikana wacho, murume wacho, uye vana vake vaviri.

Kugamuchira Kwakaisvonaka Kwavaduku

Zvirokwazvo, vanhu vaduku, vose vari vaviri avo vanorererwa muzvokwadi navamwe, vanoratidzika kuva vanorangarira kunamata kwavo Mwari zvakakomba. Somuenzaniso, Tamar nomunun’una wake Keila vakabhapatidzwa vose vari vaviri pazera ramakore 10 ndokupinda muushumiri hwoupiyona hwenguva yakazara pavakasvika makore 11. Wendy Carolina akanga ane makore 12 apo akaratidzira tsauriro yake kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, uye makore maviri gare gare, muna 1985, akatanga upiyona hwenguva dzose. Nhasi mudzidzisi anobudirira, achiri kufarikanya ushumiri hwenguva yakazara. Jovanny muduku, akabhapatidzwa pazera ramakore 10 ndokuva piyona wenguva dzose pazera ramakore 11, ari kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha ina. Apo Rey wamakore gumi okukura akawana kuti mutengesi wamabhuku akashandiswa akanga ane bhukwana rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, Rey akakumbira mai vake kuti vamutengere. Akarirava kubva kubutiro kusvika kubutiro. Kutsvaka kwake mamwe mabhuku eBhaibheri pakupedzisira kwakamutungamirira kuhofisi yebazu. Nhasi ari kufarikanya basa renguva yakazara, uye mai vake vari kubatirawo Mwari.

Chii chakabetsera ivava navamwe vaduku kunzwisisa ukoshi hwezvinhu zvomudzimu? Mune zvinoitika zvakawanda nhungamiro youbereki yakafanira yakaita rutivi runokosha. Ikoku kwakanga kwakadaro naJosué, ane vabereki vechiKristu vari vadzidzisi vapachikoro. Apo mumwe mutariri anofambira akakarakadza kuti vabereki vacho vaedze kubetsera anenge mumwe wevana vavo kuita ushumiri hwenguva yakazara, vakapa ngwariro kuna Josué. Achiva mudzidzi akatanhamara, Josué akapiwa mari nehurumende yokupfuudzira kufunda uinjiniya. Pashure pegore nehafu ari payunivhesiti, akagamuchira kokero yokukumbanira chirongwa chokuvaka padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muDominican Republic. Vabereki vake vakaratidzira gutsikano huru mukuva vakapa mwanakomana wavo kubasa raJehovha.

“Vapanguri” Vanobva Kune Dzimwe Nyika

Mashoko aJesu okuti “kucheka kukuru, asi vabati vashoma” anogona zvirokwazvo kushandiswa kumunda uri kuno. (Mateo 9:37) Kushayiwa kukuru uye davidzo yakaisvonaka zvakasunda Zvapupu zvinobva kune dzimwe nyika kuuya kuzogoverana mukupangura ndima nokuda kwepfuma chaiyoiyo yomuzuva razvino uno—vatsvaki vezvokwadi vapachokwadi.

Kubva kuchitsuwa chakavakidzana nayo chePuerto Rico kwakabva mhuri dzeZvapupu idzo dzakawana gutsikano yechokwadi mukubatira munharaunda dzakasiyana-siyana dzeDominican Republic. Wakadaro mumwe musoro wemhuri: “Kukwanisa kutaura kutenda kwako netariro kunzeve dzinonzwa kunoita chaizvozvo kuti zvokwadi ive mhenyu!” Vachiziva nezvokushayiwa kuri kuno, Cecilia anobva kuSweden naNia anobva kuUnited States vakauya kuzoshanda pamwe chete navamwe vashumiri vaduku venguva yakazara vanoverengeka. Vari kubatira mukati umo vanowana nzvimbo yakakwirira zvikuru uye mamiriro okunze akanaka zvikuru. Nenzira yakafanana, kumusoro mumakomo anotonhorera akafukidzwa nemipayini, mhuri mbiri dzeCanada dzakakumbanira imwe mhuri yeDominican iyo yakanga yadzoka ichibva kuUnited States. Vari rutivi rweungano duku uye vanokwanisa kusvika vanhu vasati vashanyirwa neZvapupu zvaJehovha kwaanosvika makore gumi.

Alfredo naLourdes navana vavo vashanu vakadzoka vachibva kuNew York City uye vanosonganirana neungano duku murimwe ramataundi avashanyi akaisvonaka ane mhenderekedzo dzegungwa. Vanofara mukuva vanokwanisa kugoverana mukuwana vanhu vane mwoyo yakatendeseka uye kubetsera ungano kukura. Roland, mushandisi wekomupiyuta anobva Austria, uye mudzimai wake, Yuta, vakagara murutivi runodziya, rwakaoma, rwokumaodzanyemba rwenyika yacho. Vakava nomufaro wokuona ungano itsva ichiumbwa chibviro chokusvika kwavo. Mutaundi rakavakidzana, boka rehanzvadzi nhatu mapiyona uye varoorani vanobva California vakashuma kuti vakanga vane zvikumbiro zvakawanda kwazvo nokuda kwefundo dzeBhaibheri idzo vaisagona kuitisa dzose. Naizvozvo vakakurudzira vanhu vanofarira kupinda misangano paHoro yoUmambo yomunzvimbomo ndokubatanidza mazita avo pandaza yokumirira nokuda kwefundo dzeBhaibheri. Hanzvadzi yaYuta Stefan ari kubatira nokutendeka neungano iri mutaundi rakaisvonaka reSamaná, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Mumakore maviri chete, nhamba yavaparidzi voUmambo ikoko yakapetwa ruviri.

Rudo neshingairo zvinoratidzirwa naivava navamwe vakauya kuzobetsera zvinorumbidzwa zvirokwazvo. Vakagamuchira denho kwete bedzi yokutamira kunyika itsva ine tsika dzakasiyana asiwo, mune zvinoitika zvakawanda, yokudzidza mutauro mutsva kuti vagotarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu vakafanana namakwai. Nhamburiko dzavo dzakaguma nokugamuchira kwakanaka kwaibva kuvanhu vomunzvimbomo.

Dzimwe mhuri dzeDominican dzakasiya zvakanaka zvomumaguta makuru ndokutamira kumaruwa. Vose vari kutuswa zvikuru nomufaro wokuwana pfuma chaiyoiyo yavatsvaki vapachokwadi vezvokwadi.

Vatsvaki vepfuma vezana ramakore rechi 15 vakaunza, kwete zvikomborero, asi usungwa nokutambura kukuru kuvaTaino vemo. Kunyange Columbus amene haana kubetserwa nepfuma yeNyika Itsva. Pakupedzisira akasungwa ndokubviswa pachitsuwa chaakawana ndokudzokera kuSpain akasungwa necheni.

Nhasi rudzi rwakasiyana rwokupangura rwuri kuitika, uye pfuma inokosha zvikuru iri kuwanwa. Vanhu vaJehovha vari kubatikana mukutsvaka vanhu vane mwoyo yakatendeseka avo vanogamuchira mashoko akanaka oUmambo. Mugumisiro wacho ndowokuti boka rinoramba richiwedzera riri kufarikanya rusununguko urwo Shoko raMwari bedzi rinogona kuunza. (Johane 8:32) Vanokarira nguva apo iyi nyika ine makomo, mapopoma akaisvonaka, mhenderekedzo dzegungwa dzakaisvonaka, uye mapako akanaka ichava, kwete chete chitsuwa cheparadhiso, asi rutivi rwenyika itsva iyo inobatanidza pasi rose.—2 Petro 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society.

[Mepu iri papeji 24]

(For fully formatted text, see publication)

Dominican Republic

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vaduku vanowana ukoshi hwezvinhu zvomudzimu kupfurikidza nokuronda basa renguva yakazara

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe