Kufanosarudza Nguva Yemberi Kunogona Kutsinhiraniswa Norudo rwaMwari Here?
“ISU tinorondedzera kufanosarudza nguva yemberi segadziriro isingagumi yaMwari, kupfurikidza nayo iye akasarudza izvo akanga achida kuita nomunhu mumwe nomumwe. Nokuti iye haana kuvasika vose vari mumamirire ezvinhu mamwe chetewo, asi anofanogadza vamwe kuupenyu husingaperi uye vamwe kushurikidzo isingagumi.”
Iyoyo ndiyo nzira iyo Muchinji wePurotesitendi John Calvin akarondedzera nayo murangariro wake wokufanosarudza nguva yemberi mubhuku rinonzi Institutes of the Christian Religion. Uyu murangariro wakavakirwa papfungwa yokuti Mwari anoziva chinhu chiri chose uye kuti zviito zvezvisikwa zvake hazvigoni kupokanisa zvinangwa zvake kana kuti kumumanikidza kuita chinjo.
Asi izvi ndizvo chaizvoizvo here izvo Bhaibheri rinoreva pamusoro paMwari? Zvinokosha zvikuru, tsananguro yakadaro inowirirana namavara aMwari here, zvikurukuru vara rake gurusa—rudo?
Mwari Anokwanisa Kufanotaura Nguva Yemberi
Mwari anokwanisa kufanotaura nguva yemberi. Iye anozvirondedzera amene sa“iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti: Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda.” (Isaya 46:10) Munhau yose yavanhu, Mwari akaita kuti uporofita hwake hunyorwe kuti aratidze kuti anogona kushandisa kufanoziva kwake ndokufanotaura zviitiko zvisati zvaitika.
Nokudaro, mumazuva aBhershazari, mambo weBhabhironi, apo muporofita Dhanieri akava nechiroto pamusoro pezvikara zviviri, zvinotsivana, Jehovha akamupa kududzirwa kwacho: “Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPersia. Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi.” (Dhanieri 8:20, 21) Sezvinooneka, Mwari akashandisa kufanoziva kwake kuti azivise kutevedzana kwamasimba enyika. Umambo hweBhabhironi hwaidzora panguva iyeyo hwaizotsiviwa neMedhia nePersia uye ipapo neGirisi.
Uporofita hunogona kuvawo nechokuita nomunhu mumwe. Somuenzaniso, muporofita Mika akazivisa kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema. (Mika 5:2) Zvakare, muaya mamirire ezvinhu Mwari akashandisa kufanoziva kwake. Zvisinei, ichi chiitiko chakaziviswa nechinangwa chaicho—kuzivikanwa kwaMesiya. Ichi chiitiko hachiruramisi kuita kuti dzidziso yokufanosarudza nguva yemberi ireve vakawanda iyo inobatanidza munhu mumwe nomumwe.
Mukupesana, Magwaro anozivisa kuti kune mamirire ezvinhu umo Mwari anosarudza kusafanoziva mugumisiro. Sodhoma neGomora zvisati zvaparadzwa chaizvo, iye akazivisa, kuti: “Ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” (Genesi 18:21) Rugwaro urwu runotiratidza zvakajeka kuti Mwari haana kufanoziva ukuru hwoushati mumaguta iwayo asati aongorora zvinhu.
Chokwadi, Mwari anogona kufanoona zviitiko zvakati, asi muzviitiko zvakawanda, iye akasarudza kusashandisa kufanoziva kwake. Nemhaka yokuti Mwari ndowamasimba ose, akasununguka kushandisa mano ake seizvo iye anoda zvake, kwete maererano nezvido zvavanhu vasina kukwana.
Mwari Uyo Anogona Kururamisa Zvinhu
Sezvakaita Calvin, vamwe vanotaura kuti Mwari akafanosarudza kutadza kwomunhu asati asikwa uye kuti iye akanga afanosarudza nguva yemberi ya‘vakasarudzwa’ kutadza ikoko kusati kwaitika. Asi kudai ikoku kwaiva kwechokwadi, kungadai kusina kuva kunyengera here kuti Mwari ape kariro youpenyu husingaperi kuna Adhama naEvha, achiziva zvizere kuti vaizova vasingakwanisi kuiwana? Uyezve, Magwaro hapana nzvimbo apo anoramba kuti vanhu vaviri vokutanga vakapiwa chisarudzo: kutevera nhungamiro dzoumwari ndokurarama nokusingaperi kana kutizvimwe kudziramba ndokufa.—Genesi, ganhuro 2.
Asi chivi chaAdhama naEvha chakadzivisa chaizvoizvo chinangwa chaMwari here? Aiwa, nokuti nokukurumidza pashure pokutadza kwavo, Mwari akazivisa kuti aizomutsa “mbeu” yokuparadza Satani navashandiri vake uye kuti aizoruramisazve zvinhu pasi pano. Sezvo zvipembenene zvishomanene zvisingagoni kudzivisa murimi webindu kuburitsa zvibereko zvakawanda, naizvozvo kusateerera kwaAdhama naEvha hakusati kuchizodzivisa Mwari kuita kuti pasi rive paradhiso.—Genesi, ganhuro 3.
Mwari gare gare akazivisa kuti kwaizova nehurumende yoUmambo yakaronzwa kumuzukuru waMambo Dhavhidhi uye kuti vamwe vaizobatanidzwa muUmambo ihwohwu. Ava vamwe vanonzi “vatsvene voWokumusoro-soro.”—Dhanieri 7:18; 2 Samueri 7:12; 1 Makoronike 17:11.a
Kufanotaura Hakusi Kufanosarudza
Idi rokuti Mwari haana kusarudza kuziva nzira iyo rudzi rwomunhu rwaizotora harina kumudzivisa kuporofita migumisiro yezviito zvakanaka kana kuti zvakashata zvomunhu. Makanika anonyevera mutyairi nezvamamirire akaipa emotokari yake haagoni kurangarirwa kuva ane mhaka kana tsaona ikaitika kana kuti kupomerwa kufanoisarudza. Nenzira yakafanana, Mwari haagoni kupomerwa mhaka yokufanosarudza migumisiro inosuruvarisa yezviito zvavanhu vamwe navamwe.
Zvimwe chetezvo zvakanga zviri zvechokwadi navana vavanhu vaviri vokutanga. Kaini asati auraya munun’una wake, Jehovha akaisa chisarudzo pamberi paKaini. Aizokurira chivi here, kana kuti chivi chaizomukurira here? Hapana chinhu chiri munhoroondo yacho chinoratidzira kuti Jehovha akafanosarudza kuti Kaini aizoita chisarudzo chakashata ndokuponda munun’una wake.—Genesi 4:3-7.
Gare gare, Mutemo waMosesi wakanyevera vaIsraeri pamusoro pechaizoitika kudai vaizobva kuna Jehovha, somuenzaniso, kupfurikidza nokutora vadzimai vanobva pakati pamarudzi echihedheni. Chakafanotaurwa chakaitika. Ikoku kunogona kuonwa mumuenzaniso waMambo Soromoni, uyo mumakore ake apashure akapesvedzerwa navadzimai vake vokumwe kunamata zvidhori. (1 Madzimambo 11:7, 8) Hungu, Mwari akanyevera vanhu vake, asi haana kufanosarudza zvaizova zviito zvavo zvomunhu oga.
Vasanangurwa vechiKristu, kana kuti vakasarudzwa, vanokurudzirwa kutsungirira kana vasingadi kunyimwa tuso yakapikirwa yokutonga mumatenga naKristu. (2 Petro 1:10; Zvakazarurwa 2:5, 10, 16; 3:11) Seizvo vamwe vafundisi vomunguva yakapfuura vakabvunza, Nei zviyeuchidzo zvakadaro zvakapiwa kana kudanwa kwavakasarudzwa kwakanga kuri kwokupedzisira?
Kufanosarudza Nguva Yemberi Norudo rwaMwari
Munhu akapiwa rusununguko, achiva akasikwa “nomufananidzo waMwari.” (Genesi 1:27) Rusununguko rwakanga rwuchikosha kana vanhu vaizokudza ndokubatira Mwari nemhaka yorudo, kwete samarobhoti ane chiito chiri chose chinosarudzwa pachine nguva mberi. Rudo runoratidzirwa nezvisikwa zvakangwara, zvakasununguka rwaizogonesa Mwari kuramba pomero dzisina kururama. Iye anoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.”—Zvirevo 27:11.
Kudai vabatiri vaMwari vakafanosarudzwa—kana kuti vakarongwa, sokunge zvakadaro—uchokwadi hwokuda kwavo Musiki wavo hahungagoni kupokanwa here? Uyewo, kwaisazova kwakapesana nokusasarura kwaMwari here kuti aite chisarudzo chakafanosarudzwa chavanhu vakagoverwa kumbiri nomufarwa pasina kurangarira kodzero dzavo dzomunhu oga? Uyezve, kana vamwe vachigamuchira kubatwa kwokudikanwa kwakadaro, apo vamwe vanogoverwa kuchirango chisingagumi, ikoku kwaisazotongonyandura mirangariro yapachokwadi yokuonga mu“vasanangurwa,” kana kuti “vakasarudzwa.”—Genesi 1:27; Jobho 1:8; Mabasa 10:34, 35.
Pakupedzisira, Kristu akaudza vadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka kurudzi rwose rwomunhu. Kana Mwari akatosarudza vanofanira kuponeswa, ikoku kwaisazoderedza shingairo iyo vaKristu vanoratidza mukuparidza evhangeri here? Hakwaizoita kuti basa rokuparidza rive risina maturo zvikuru here?
Rudo rusingasaruri runobva kuna Mwari isimba rakasimba zvikurusa rinogona kusunda vanhu kumudawo. Ratidzirwo hurusa yorudo rwaMwari kwakanga kuri kubayira Mwanakomana wake nokuda kworudzi rwomunhu rwusina kukwana, runotadza. Kufanoziva kwaMwari pamusoro poMwanakomana wake muenzaniso chaiwo, asi kunotivimbisa kuti zvipikirwa zvokudzorera zvinotsamira pana Jesu zvichazadzikwa zvirokwazvo. Naizvozvo ngatiise kutenda muMwanakomana iyeyo ndokuswedera pedyo naMwari. Ngatiratidze kuonga kwedu kupfurikidza nokugamuchira kokero yaMwari yokupinda muukama hwakaisvonaka noMusiki wedu. Nhasi, Mwari anotaura iyi kokero kuvose vanoda kushandisa rusununguko rwavo ndokuratidza kumuda kwavo.
[Mashoko Omuzasi]
a Apo Jesu anotaura nezvoUmambo hwakagadzirwa “kubva pakuvamba kwenyika” (Mateo 25:34), anofanira kuva achinongedzera kune imwe nguva pashure pechivi chokutanga. Ruka 11:50, 51 inobatanidza “kuvambwa kwenyika,” kana kuti kuvambwa kworudzi rwomunhu runodzikinurika kupfurikidza norudzikinuro, nenguva yaAbheri.
[Bhokisi riri papeji 7]
KUFANOSARUDZWA SEBOKA
“Avo Mwari akafanoziva akafanosarudzawo kuti vawiriraniswe norufanano rwoMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama dzakawanda. Uye avo akafanosarudza, akadanawo; avo akadana, akaruramisawo; avo akaruramisa, akapawo mbiri.” (VaRoma 8:29, 30, New International Version) Tinofanira kunzwisisa sei shoko rokuti “kufanosarudza” rakashandiswa naPauro muidzi ndima?
Kurangarira kwaPauro pano hachisati chiri chibvumikiso chinoramba chinotsigira kufanosarudza nguva yemberi kwomunhu. Pakuvamba zvikuru muzana redu ramakore, Dictionnaire de théologie catholique yakatsanangura zvibvumikiso zvaPauro (VaRoma, ganhuro 9-11) neiyi nzira: “Nenzira inowedzera, murangariro wakapararira pakati penyanzvi dzeKaturike ndowokuti murangariro chaiwoiwo wokufanosarudza nguva yemberi kuupenyu husingagumi hauna kuoneswa.” Bhuku rimwe chetero renongedzero ipapo rinonokora mashoko M. Lagrange saanoti: “Mubvunzo wakakudziridzwa zvikurukuru naPauro hausati uchitongova wokufanosarudza nguva yemberi nokufanoshurikidza asi uyowo zvawo wokudanwa kwaVamarudzi kunyasha dzechiKristu, mhesano dzadzo dzichiva kushayiwa kutenda kwavaJudha. . . . Kune chokuita namapoka, Vamarudzi, vaJudha, uye kwete vanhu chaivo zvakananga.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, The Jerusalem Bible rakapa mhedziso imwe cheteyo pamusoro paaya maganhuro (VaR 9-11), richiti: “Nhau yaaya maganhuro, naizvozvo, hachisi chinetso chokufanosarudza nguva yemberi yomunhu mumwe nomumwe kumbiri, kana kuti kunyange kukutenda, asi yorutivi rwaIsraeri mukukura kwenhau yoruponeso, chinetso bedzi chakamutswa nokutaura kuri muT[estamente] Y[ekare].”
Ndima dzokupedzisira dzaVaRoma ganhuro 8 ndedzemashoko akapoteredza mamwe chetewo. Nokudaro, idzi ndima dzinogona kutiyeuchidza nenzira yakarurama kuti Mwari akafanoona kuvapo kweboka, kana kuti chikwata, rinobva pakati porudzi rwomunhu raizodanwa kuti ritonge naKristu, pamwe chete nezvinodikanwa zvavaizofanira kusvitsa—uye ikoku pasina kududza pachine nguva mberi vanhu chaivo vaizosarudzwa, nokuti ikoko kwaizova kwakapesana norudo rwake neruramisiro.