RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 2/1 pp. 4-7
  • Neiko Yava Nguva Yokusarudza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Yava Nguva Yokusarudza?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Israeri Akarambwa
  • Kuramba Kutenda Kukuru kwechiKristudhomu
  • Chinjo Haibviri Here?
  • Zvino Yava Nguva Yoku“buda Mariri”
  • Shamwari Yenhema yeBhaibheri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Kuva Kwakaita chiKristudhomu Rutivi Rwenyika Ino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Rutongeso rwaMwari Pa“munhu Wokusateerera Mutemo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuramba Kutenda Kukuru Kunotanga
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 2/1 pp. 4-7

Neiko Yava Nguva Yokusarudza?

MUZANA ramakore rechi 16 B.C.E., Mwari akasarudza vaIsraeri se“fuma [yake] chaiyo pakati pendudzi dzose, . . . rudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Vakakurumidza kurasikirwa noutsvene hwavo, rucheno rwavo rworudzidziso, vachizvibvumira vamene kushatiswa nokunamata zvidhori nemiitiro yakaipa zvamarudzi aiva pedyo. Ivo nokudaro vakazvizivisa vamene kuva “rudzi rune mitsipa mikukutu.” (Dheuteronomio 9:6, 13; 10:16; 1 VaKorinte 10:7-11) Mukati menhambo yaanopfuura mazana matatu amakore pashure porufu rwaJoshua, Jehovha akamutsa vatongi, vatungamiriri vakatendeka avo vanofanira kuva vakatungamirira vaIsraeri kudzoka kukunamata kwechokwadi. Vanhu vacho, zvisinei, “havana kurega mabasa avo kana mufambire wemwoyo yavo mikukutu.”—Vatongi 2:17-19.

Pashure paikoko, Mwari akamutsa madzimambo navaporofita vakatendeka kuti vanyengetedze vanhu kudzokera kukunamata kwechokwadi. Muporofita Azaria akakurudzira Mambo Asa navanhu vomunyika biyake kutsvaka Jehovha, achiti: “Kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye uchakurashaiwo.” Asa akashandisa chinjo yorudzidziso muumambo hwaJudha. (2 Makoronike 15:1-16) Somugumisiro, Mwari aifanira kumutsidzira kokero yacho kupfurikidza nomuporofita wake Joere. (Joere 2:12, 13) Gare gare zvakare, Zefania akapa zano vagari vaJudha kuti “tsvakai Jehovha.” Mambo muduku Josia akaita saizvozvo munhimbe yechinjo kuti abvise kunamata zvidhori noushati.—Zefania 2:3; 2 Makoronike 34:3-7.

Pasinei zvapo nezviitiko zvakadaro zvorupfidzo, mamirire ezvinhu orudzidziso avanhu akanga achiva akakomba zvikuru. (Jeremia 2:13; 44:4, 5) Jeremia akashurikidza sangano rorudzidziso rakashatiswa nemiitiro yokunamata zvidhori, achirirondedzera serisingachinjiki: “Ko muEtiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.” (Jeremia 13:23) Nokuda kweichi chikonzero, Mwari akaita chirango chakakomba paumambo hwaJudha. Jerusarema netembere yaro zvakaparadzwa muna 607 B.C.E., uye vapukunyuki vakaendeswa savaranda kuBhabhironi, uko vakagara kwamakore 70.

Apo nhambo iyoyo yenguva yakapera, Mwari akaratidza ngoni. Iye akapesvedzera Mambo Koreshi kuti asunungure vaIsraeri, vakasarira vavo vakadzokera kuJerusarema kuzovakazve tembere. Panzvimbo pokudzidza chidzidzo muna ikoku kwose, vakabva pakunamata kwechokwadi zvakare, vachiparira Jehovha Mwari kumutsidzira kokero yake: “Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.”—Maraki 3:7.

Chikonzero Nei Israeri Akarambwa

Ndaapi akanga ari mamirire ezvinhu orudzidziso aIsraeri munguva yaJesu? Vatungamiriri vanonyengera vorudzidziso vakanga vari “mapofu anotungamirira mapofu” vaidzidzisa “dzidziso iri mirayiro yavanhu.” ‘Vakanga vachidarika murayiro waMwari nemhaka yegamuchidzanwa ravo.’ Vanhu vacho vaikudza Mwari “nemiromo yavo,” asi mwoyo wavo wakanga uri kure naye. (Mateo 15:3, 4, 8, 9, 14) Ivo sorudzi vaifanira kugamuchira mumwezve mukana wokupfidza here? Aiwa. Jesu akati: “Muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo.” Akatizve: “Masiyirwa imba yenyu,” tembere muJerusarema, “rava dongo.” (Mateo 21:43; 23:38) Mhosho yavo yakanga iri huru zvikuru. Ivo vakaramba Jesu saMesiya uye vakaita kuti aurawe, vachisarudza Kesari weRoma anodzvinyirira samambo wavo.—Mateo 27:25; Johane 19:15.

VaIsraeri havana kuda kunzwisisa kuti nhambo umo Jesu akaita ushumiri hwake yakanga iri nguva yorutongeso. Kuvagari vasakatendeka veJerusarema, Jesu akati: “Hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”—Ruka 19:44.

PaPentekosta 33 C.E., Mwari akaumba rudzi rutsva, kana kuti vanhu, vadzidzi vakazodzwa nomudzimu voMwanakomana wake, Jesu Kristu, avo vaizosarudzwa mudzinza riri rose norudzi. (Mabasa 10:34, 35; 15:14) Kwaiva netariro ipi neipi here yokuti sangano rorudzidziso rechiJudha pakupedzisira raizochinjwa? Mapoka ehondo eRoma akagovera mhinduro muna 70 C.E., achirigaura Jerusarema. Mwari akanga aramba chose sangano iroro rorudzidziso.—Ruka 21:5, 6.

Kuramba Kutenda Kukuru kwechiKristudhomu

VaKristu vakazodzwa nomudzimu vakaumbawo “rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.” (1 Petro 2:9; VaGaratia 6:16) Asi kunyange ungano yechiKristu yapakuvamba haina kuchengeta rucheno rwayo rworudzidziso kwenguva refu zvikuru.

Magwaro akafanotaura kuramba kutenda kukuru, kana kuti kubva pakutenda kwechokwadi. Sora rokufananidzira romufananidzo waJesu, ndiko kuti, vaKristu vokunyepedzera, raizoedza kuvhunga gorosi rokufananidzira, kana kuti vaKristu vechokwadi, avo vakazodzwa nomudzimu waMwari. Mufananidzo wacho unozivisa kuti kupararira kwechiKristu chenhema, kunotsigirwa nomuvengi mukuru waMwari, Dhiyabhorosi, kwakanga kwodokuvamba, “vanhu vavete.” Ikoku kwakaitika pashure porufu rwavaapostora vakatendeka vaKristu, mukati menhambo yokutsimwaira kwomudzimu kwakavapo somugumisiro. (Mateo 13:24-30, 36-43; 2 VaTesaronika 2:6-8) Sezvakafanotaurwa navaapostora, vaKristu venhema vakawanda vakaverevedza kupinda muboka. (Mabasa 20:29, 30; 1 Timotio 4:1-3; 2 Timotio 2:16-18; 2 Petro 2:1-3) Johane akanga ari wokupedzisira wavaapostora kufa. Munenge mugore ra 98 C.E., iye akanyora kuti “nguva yokupedzisira,” rutivi rwokupedzisira rwenhambo yavaapostora, yakanga yatovamba.—1 Johane 2:18, 19.

Nokubatana kworudzidziso nesimba rezvamatongerwe enyika kwakasimbiswa namambo weRoma Constantine, mamirire ezvinhu omudzimu, edzidziso, uye etsika echiKristudhomu akaipa zvikuru. Vezvenhau vakawanda vanobvuma kuti “rukundo rweChechi mukati mezana ramakore rechina” rwakanga rwuri, mumurangariro wechiKristu, “ngwavaira.” ‘ChiKristudhomu chakarasikirwa nomwero wacho wakakwirira wetsika’ ndokugamuchira miitiro yakawanda nouzivi zvakabva muuhedheni, zvakadai so“kunamatwa kwaMaria” nokukudzwa kwa“vasande,” pamwe chete nomurangariro woUtatu.

Pashure porukundo rwacho rwenhema, mamirire ezvinhu echiKristudhomu akashata. Mirayiro nerondedzero dzedzidziso dzakaitwa navanapapa namatare, tisingadudzi zvedu Bvunzurudzo, Hondo dzavaKristu, uye hondo “tsvene” pakati pavaKaturike navaPurotesitendi, zvakaparira sangano rorudzidziso risingachinjiki.

Mubhuku rake A World Lit Only by Fire, William Manchester anonyora, kuti: “Vanapapa mumazana amakore regumi nerechishanu negumi nerechitanhatu vakararama samadzimambo eRoma. Ivo vakanga vari vanhu vakapfuma zvikurusa munyika, uye ivo namakadhinaro avo vakazvipfumisazve vamene kupfurikidza nokutengesa nzvimbo tsvene.” Mukati mokuramba kutenda kukuru, mapoka maduku kana kuti vanhu vamwe navamwe vakatsvaka kuwanazve chiKristu chechokwadi, vachiratidzira mavara egorosi rokufananidzira. Ivo vaiwanzobhadhara mutengo mukuru. Bhuku rimwe chetero rinoti: “Padzimwe nguva kwairatidzika kuti vasande vechokwadi vechiKristu, chiPurotesitendi nechiKaturike zvakafanana, vakanga vava vaponderwi kutendeka vakasvibiswa vakaputirwa mumarimi omwoto.” Vamwe, vainzi Vachinji saMartin Luther naJohn Calvin, vakakwanisa kutanga masangano orudzidziso anotsungirira ayo akanga akaparadzana neChechi yeKaturike asi akanga achingogoverana dzidziso dzayo huru. Akanga akabatanidzwawo zvikuru muzvinhu zvamatongerwe enyika.

MuchiPurotesitendi, nhamburiko dzakaitwa dzokuita kunonzi kumukazve kworudzidziso. Mukati mezana ramakore rechi 18 nerechi 19, somuenzaniso, idzi nhamburiko dzakaguma nomubato woufundisi wokumwe une simba. Zvisinei, sokubvuma kwavafudzi vamene, nhasi mamirire ezvinhu omudzimu eboka rePurotesitendi haatongokurudziri. Mufundisi wePurotesitendi Oscar Cullmann akabvuma misi ichangobva kupfuura kuti “mukati mechechi dzimene, mune njodzi yokutenda.”

Chinjo nokuitawo chinjo zvakatsigirwawo mukati meChechi yeKaturike. Kuvambira muzana ramakore rechi 11 kusvikira kune rechi 13, pasinei zvapo noushati hwakapararira nepfuma huru yavafundisi, munogara mamongi umo makatevera zvikuru mhiko yourombo yakaumbwa. Asi iyo yakasanoongororwa uye, maererano nenyanzvi, yakadzvinyirirwa neboka rinotonga ravafundisi. Ipapo kwakauya Kuchinjawo kwezana ramakore rechi 16, kwakatsigirwa neDare reTrent uye kwakanangidzirwa zvikuru pakukurira Chinjo yePurotesitendi.

Muhafu yokutanga yezana ramakore rechi 19, mukati menhambo yokudzorerwa kwavafundisi, Chechi yeKaturike yakava nechimiro chendangariro chechiremera nechine mwero. Hakugoni kutaurwa, kunyanguvezvo, kuti chinjo chaidzoidzo dzipi nedzipi dzakaitwa dzokudzorera chiKristu chechokwadi. Panzvimbo pezvo, idzodzi dzaingova zvadzo nhamburiko dzokusimbisa chiremera chavafundisi pasinei zvapo nechinjo yenyika yorudzidziso, yezvamatongerwe enyika, uye yenzanga.

Misi ichangobva kupfuura zvikuru, muma 1960, kwakaratidzika kuti Chechi yeKaturike yaida kutanga muitiro wechinjo huru nedare rechinzwano chechiKristu chomunyika yose Vatican II. Zvisinei, kumira kwakamwe kamwe kukumutsidzira kwerinonzi dare kwakaiswa napapa wapanguva yacho kuti adzore mudzimu wemitezo inofambira mberi yechechi. Rutivi urwu, urwo vamwe vanodana kuti dzorerwo yaWojtyła, rwakarondedzerwa neboka rimwe reKaturike se“chimiro chitsva chechiConstantine.” Sezvinooneswa mumagazini yeJesuit La Civiltà Cattolica, Chechi yeKaturike, samamwe marudzidziso, iri kutarisana ne“njodzi huru neyenyika yose: huru nemhaka yokuti inobatanidza midzi imene yokutenda noupenyu hwechiKristu; yenyika yose nemhaka yokuti inobatanidza mativi ose echiKristu.”

Marudzidziso echiKristudhomu haana chaizvoizvo kuchinja, uyewo aisagona, sezvo chiKristu chechokwadi chaifanira bedzi kudzorerwa panguva yo“kucheka,” nokuunganidzwa kwegorosi rokufananidzira muungano imwe yakachena. (Mateo 13:30, 39) Ndaza refu yemhaka namabasa akaipa zvakapfuuridzirwa muzita rorudzidziso, rungava runotaura kuva rwechiKristu kana kuti kwete, inosunda mubvunzo unoti, Ndokwechokwadi here kukarira chinjo yechokwadi kubva muchiKristudhomu?

Chinjo Haibviri Here?

Bhuku raZvakazarurwa, kana kuti Apocalypse, rinotaura nezvemhombwe huru yokufananidzira ine zita rakavanzika “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:1, 5) Kwemazana amakore varavi veBhaibheri vakatsvaka kutsanangura chakavanzika cheichi chiratidzo. Vakawanda vakasemeswa noupfumi noushati zvavafundisi. Vamwe vakafunga kuti Bhabhironi Guru raimirira boka rinotonga ravafundisi. Pakati pavo paiva naJan Hus, muprista weKaturike wechiBohemia akapiswa ari mupenyu muna 1415, uye Aonio Paleario, mudzidzi womusikirwo wavanhu weItaria uyo akaturikwa ndokupiswa muna 1570. Vose vari vaviri vakaedza pasina budiriro kuchinja Chechi yeKaturike vachikarira kuti yaizodzokera “kuchiremera chayo chapakuvamba.”

Mukupesana, maganhuro 17 ne 18 aZvakazarurwa anoratidzira kuti Bhabhironi Guru rinomirira umambo hwenyika hwamarudzidziso ose enhema.a Iyi “mhombwe huru” yakaumbwa navakawanda haichinjiki nemhaka yokuti “zvivi [zvayo] zvasvika kudenga.” Kutaura idi, muzana rino ramakore rechi 20, anodokuva marudzidziso ose, kwete chete ayo echiKristudhomu, anogoverana mhaka yehondo idzo dzinopfuurira kudeura ropa rakawanda uye yokushata kwakakomba kwetsika uko kunotambudza rudzi rwomunhu. Somugumisiro, Mwari akarayira ruparadziko rwe“Bhabhironi.”—Zvakazarurwa 18:5, 8.

Zvino Yava Nguva Yoku“buda Mariri”

Zadziko youporofita hweBhaibheri inozivisa kuti zuva redu rinowirirana ne“mhedziso” yeiyi “tsika yezvinhu” yakaipa. (Mateo 24:3, NW) Munhu upi noupi anoda zvapachokwadi kunamata Mwari haagoni kutsunga kutevera pfungwa dzake amene nezvido. Iye anofanira ‘kutsvaka Jehovha achiri angawanika,’ hungu, iko zvino, nemhaka yokuti “kutambudzika kukuru” kwakadeya kutaurwa naJesu kwava pedyo. (Isaya 55:6; Mateo 24:21) Sezvakwakanga kuri kwechokwadi kuvanhu vaIsraeri, Mwari haasati achizoshivira ushati hworudzidziso nemhaka chete yokuti runoganza nokuva kwarwo rwekare. Panzvimbo pokuvavarira kugadzira ngarava yonyura, vose avo vanoshuva tendero yaMwari noruponeso vanofanira kuteerera murayiro wakafuridzirwa waZvakazarurwa 18:4 pasina kunonoka, unoti: “Budai [muBhabhironi Guru], vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa ma[t]ambudziko aro.”

Asi “budai” ndokuendepi? Ndokupizve uko ruponeso runofanira kuwanwa? Hakuna here ngozi yokutsvaka utiziro munzvimbo yakaipa? Rudzidziso bedzi rune tendero yaMwari runogona kuzivikanwa sei? Mhinduro dzakavimbika bedzi dzinogona kuwanwa muShoko raMwari. (2 Timotio 3:16, 17) Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka kuti usanonzvera Bhaibheri zvikuru. Uchakwanisa kunzwisisa avo Mwari akasarudza sa“vanhu vezita rake,” avo achadzivirira mukati mezuva riri kuswedera rokutsamwa kwake.—Mabasa 15:14; Zefania 2:3; Zvakazarurwa 16:14-16.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uzive Bhabhironi Guru rokufananidzira munzira yakarurama paMagwaro, ona maganhuro 33 kusvikira ku 37 ebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kana ngarava yako yorudzidziso yava kunyura, tendeukira kungarava yokununura yechiKristu chechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe