“Mumiromo Yavacheche”
APO Samueri akanga ari mukomana muduku, akatsigira zvakasimba nheyo dzakarurama pasinei zvapo nouipi hwavanakomana voMuprista Mukuru Eri. (1 Samueri 2:22; 3:1) Mumazuva aErisha, nhapwa duku yechiIsraeri yaiva muSiria yakapa uchapupu hwoushingi kuna tenzikadzi wake. (2 Madzimambo 5:2-4) Apo Jesu akanga ane makore 12 okukura, akataura noushingi kuvadzidzisi vaIsraeri, achibvunza mibvunzo nokupa mhinduro dzakakatyamadza vaoni. (Ruka 2:46-48) Munhau yose Jehovha akabatirwa nokutendeka navanamati vake vaduku.
Ko vanhu vaduku nhasi vanoratidza mudzimu mumwe chetewo wokutendeka here? Hungu, zvirokwazvo! Mishumo inobva kuhofisi dzebazu dzeWatch Tower Society inoratidza kuti vaduku vakawanda zvikuru vanotenda “va[no]zviisa nomwoyo wose” mubasa raJehovha. (Pisarema 110:3) Migumisiro yakaisvonaka yamabasa avo inokurudzira vaKristu vose, vaduku navakuru, kuti “[va]rege kuneta pakuita zvakanaka.”—VaGaratia 6:9.
Muenzaniso wakanaka ndiAyumi, musikana muduku wechiJapan uyo akava muparidzi apo aiva namakore matanhatu okukura uye akaiita nharidzano yake kupupura kumunhu ari wose womukirasi yake. Akawana mvumo yokuisa zvinyorwa zvinoverengeka muraibhurari yekirasi, achizvigadzirira amene kupindura mibvunzo ipi neipi iyo vomukirasi biyake vangabvunza. Vanodokuva vomukirasi biyake vose pamwe chete nomudzidzisi vakasvika pakuziva zvinyorwa zvacho. Mukati mamakore ake matanhatu edzidzo yokutanga, Ayumi akaronga fundo dzeBhaibheri 13. Akabhapatidzwa ari mugiredhi rechina, uye imwe yeshamwari dzake yaakanga afunda nayo yakabhapatidzwa mugiredhi rechitanhatu. Uyezve, amai navakoma vaviri vouyu mudzidzi weBhaibheri vakafundawo uye vakabhapatidzwa.
Mufambiro Wakanaka Uchapupu
“Mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni;” akadaro muapostora Petro, uye vaKristu vaduku vanorangarira zvakakomba uyu murayiro. (1 Petro 2:12) Somugumisiro, mufambiro wavo wakanaka unowanzopa uchapupu hwakaisvonaka. Munyika yeAfrica yeCameroon, mumwe murume akauya kechipiri kumisangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha ndokugara parutivi pomusikana muduku. Apo mukurukuri akakumbira vateereri kunzvera chikamu chakati muBhaibheri, murume wacho akacherekedza kuti musikana muduku akakurumidza kuwana ndima yacho muBhaibheri rake amene ndokutevera nokungwarira kurava kwacho. Chimiro chake chendangariro chakamuorora kwazvo zvokuti pamhedziso yomusangano wacho, akaenda kumukurukuri ndokuti: “Uyu musikana muduku andiita kuti ndide kufunda Bhaibheri nemi.”
MuSouth Africa mune chikoro umo vadzidzi 25 vari vana veZvapupu zvaJehovha. Mufambiro wavo wakanaka wakaguma nomukurumbira wakaisvonaka nokuda kweZvapupu zvaJehovha. Mudzidzisi mumwe akataura nechivimbo kumumwe mubereki Chapupu kuti aisanzwisisa kuti Zvapupu zvinokwanisa sei kurovedza vana vazvo zvakanaka kwazvo, zvikurukuru sezvo chechi yake amene yakanga yabvumikisa kuva isingakwanisi kubetsera vaduku. Mudzidzisi mutsva akauya kuzobatsira muchikoro macho uye nokukurumidza akacherekedza mufambiro wakanaka wavana veZvapupu. Iye akabvunza mumwe wavakomana Zvapupu zvaaizofanira kuita kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akatsanangura kuti anofanira kuva nefundo yeBhaibheri, uye akaronga kuti vabereki vake vatevere fariro yacho.
MuCosta Rica, Rigoberto akaziva zvokwadi apo vomukirasi biyake vaviri vakashandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yake pamusoro poUtatu, mweya, uye hero yomwoto. Izvo vakataura zvakamupesvedzera kwete bedzi nemhaka yemano avo okushandisa Magwaro asiwo nemhaka yokuti mufambiro wavo wakaisvonaka wakanga wakasiyana kwazvo nouyo akanga apupurira muchechi dzechiKristudhomu. Pasinei zvapo nechishoro chemhuri, Rigoberto ari kuita fambiro mberi yakanaka mufundo yake yeBhaibheri.
MuSpaniya Zvapupu zvaJehovha zviviri—chimwe chazvo chine makore mapfumbamwe okukura—zvakashanyira mumwe murume anonzi Onofre. Nepo Chapupu chikuru chakataura zvikurusa, Chapupu chiduku chakatevera muMagwaro ndokunokora Magwaro eBhaibheri ayo chaiyeuka. Onofre akaororwa. Akasarudza kuti iye aida kufunda Bhaibheri panzvimbo imwe cheteyo apo mukomana muduku iyeyo akanga adzidza kushandisa Magwaro zvakanaka kudaro. Nokudaro, mangwanani-ngwanani Svondo rakatevera racho, akaenda kuHoro yoUmambo. Aifanira kumira kunze kutozosvikira pakati pamasikati, apo Zvapupu zvakauya nokuda kwomusangano wazvo. Kuvambira ipapo zvichienda mberi, akaita fambiro mberi yakaisvonaka uye misi ichangobva kupfuura iyi akaratidzira tsauriro yake norubhapatidzo rwomumvura.
Zvapupu Zviduku Zvinobudirira
Hungu, Jehovha anoshandisa vaduku pamwe chete navakuru kusvika vane mwoyo munyoro. Kwakadaro kwakaonwazve kuchakaitika chakabva Hungary. Ikoko, mumwe mukoti wechipatara akacherekedza kuti nguva ipi kana ipi vashanyi vaiuya kuzoona mumwe murwere aiva namakore gumi okukura, vaimuunzira zvokurava pamwe chete nezvokudya. Afadzwa, akashamisika neicho musikana muduku aizova achirava pamusoro pacho ndokuwana kuti rakanga riri Bhaibheri. Mukoti akataura kwaari uye gare gare akati: “Kuvambira panguva yokutanga, akanga achindidzidzisa chaizvoizvo.” Apo musikana muduku akabuda muchipatara, akakoka mukoti wacho kuti apinde kokorodzano, asi mukoti wacho akaramba. Gare gare, kunyanguvezvo, akabvuma kupinda Kokorodzano Yoruwa yo“Mutauro Wakachena”. Nokukurumidza pashure, akatanga fundo yeBhaibheri, uye gore rimwe gare gare akabhapatidzwa—zvose somugumisiro womusikana muduku aishandisa nguva yake muchipatara kurava mabhuku eBhaibheri.
Ana Ruth, muEl Salvador, akanga ari mugore rake rechipiri muchikoro chapamusoro. Iye akanga ane tsika yokusiya mabhuku eBhaibheri pachibhariro chake kuti vamwe varave kana vaida kudaro. Achicherekedza kuti mabhuku acho ainyangarika uye ipapo aionekazve pashure penguva yakati, Ana Ruth akawana kuti mumwe wepachikoro biyake, Evelyn, akanga achiarava. Pashure penguva yakati, Evelyn akabvuma fundo uye akavamba kupinda misangano yeungano. Pakupedzisira, akabhapatidzwa, uye zvino anobatira sapiyona webetsero wenguva dzose. Ana Ruth ndipiyona wenguva dzose.
MuPanama imwe hanzvadzi yakatanga fundo nomumwe mukadzi ane murume akavamba kushora zvokwadi kusvika papfundo rokuti fundo yacho yakadokumira. Zvisinei, pashoma napashoma chimiro chendangariro chomurume wacho chakapfava. Nguva yakati gare gare, mukoma wake wokunyama, Chapupu, akamukumbira kuisa chinorira chinonyevera kupinda kwembavha mumba make. Apo akanga achiisa chinorira chinonyevera, mwanasikana womukoma wake aiva namakore mapfumbamwe okukura akauya kumusha akasuruvara zvikuru. Akamubvunza chakanga chaipa, uye akataura kuti iye nemukoma wake vakanga vaenda kundoitisa fundo yeBhaibheri asi munhu wacho akanga asiri pamusha, naizvozvo akanga asina kukwanisa kuitira Jehovha chinhu chipi nechipi zuva iroro. Babamunini vake vakati: “Kuregererei kundiparidzira? Ipapo uchaitira Jehovha chimwe chinhu.” Mwanasikana womukoma wake akamhanya nomufaro kundotora Bhaibheri rake, uye fundo yakatangwa.
Amai vake (muramu womurume wacho) akanga achiteerera. Vakafunga kuti chinhu chacho chose waingova zvawo musere, asi nguva iri yose murume wacho akaenda kumba kwake, akakumbira mwanasikana womukoma wake fundo yeBhaibheri. Apo amai vacho vakaona kuti muramu wavo airangarira zvakakomba uye aiva nemibvunzo yakaoma, vakasarudza kuitisa fundo yacho ivo vamene mwanasikana wavo aripo. Akavamba kufunda kaviri pavhiki uye akaita fambiro mberi inokurumidza. Pakupedzisira, akasvika papfundo retsauriro uye akabhapatidzwa pagungano rimwe chetero nomudzimai wake—nemhaka yechimiro chendangariro chakaisvonaka chomwanasikana womukoma wake muduku.
Ushingi Hwavaduku Hunopa Uchapupu Hwakaisvonaka
Bhaibheri rinoti: “Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge.” (Pisarema 27:14) Aya mashoko anoshanda kuvabatiri vose vaMwari, uye vaduku pamwe chete navakuru vakaashandisa mukati megore rakapfuura. MuAustralia, apo mumwe musikana ane makore mashanu okukura akatanga muchikoro chitsva, amai vake vakaenda kumudzidzisi kuzotsanangura zvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Mudzidzisi akati: “Ndinotoziva zvamunodavira. Mwanasikana wenyu akatsanangura chinhu chiri chose kwandiri.” Uyu musikana muduku akanga ave asingatyi zvikuru zvokusagona kusvika mudzidzisi wake ari oga kuti atsanangure kutenda kwake.
Andrea ane makore mashanu okukura muRomania akaratidzawo ushingi. Apo amai vake vakabuda muOrthodox kuti vave Chapupu, vavakidzani vavo vakaramba kuvateerera. Zuva rimwe paFundo yeBhuku yeUngano, Andrea akanzwa mutariri webasa achisimbisa kudikanwa kwokuparidza kuvavakidzani vako. Iye akafunga zvakakomba pamusoro paikoku, uye adzoka kumusha akati kuna amai vake: “Pashure pokunge maenda kubasa, ndichamuka, kurongedza bhegi rangu namabhuku sezvamunongoita, Amai, uye ndichanyengetera kuna Jehovha kuti andibetsere kutaura pamusoro pezvokwadi navavakidzani.”
Zuva rakatevera racho Andrea akaita zvaakanga apikira. Ipapo, achiwana ushingi hwake, akaridza bhero romuvakidzani. Apo muvakidzani akati pindai, uyu musikana muduku akati: “Ndinoziva kuti kubvira apo amai vangu vakava Chapupu, hamuvadi. Vakaedza kutaura kwamuri kanoverengeka, asi hamuna kuda kuvateerera. Ikoku kunokangaidza kwavari, asi ndinoda kuti muzive kuti tinokudai.” Ipapo, Andrea akapfuurira kupa uchapupu hwakaisvonaka. Muzuva rimwe, akagovera mabhuku matanhatu, magazini matanhatu, mabhukwana mana, uye maturakiti mana. Chibviro chenguva iyeyo, ave ari wenguva dzose mubasa romumunda.
MuRwanda hama dzedu dzakafanira kuratidza ushingi hukuru nemhaka yenhamo imomo. Pane imwe nhambo imwe mhuri yeZvapupu yakaiswa mukamuri umo varwi vakagadzirira kuvauraya. Mhuri yacho yakakumbira mvumo yokutanga kunyengetera. Iyoyi yakapiwa, uye vose kunze kwomwanasikana, Deborah, vakanyengetera chinyararire. Maererano nomumwe mushumo, Deborah akanyengetera zvinonzwika, achiti: “Jehovha, vhiki ino Papa neni takagovera magazini mashanu. Tichadzokera sei kuava vanhu kuzovadzidzisa zvokwadi ndokuvabetsera kuwana upenyu? Kunze kwezvo, ndichava sei muparidzi zvino? Ndaida kubhapatidzwa kuti ndikubatirei.” Pakunzwa ikoku, mumwe murwi akati: “Hatigoni kukuurayai nemhaka youyu musikana muduku.” Deborah akapindura, kuti: “Ndinokuongai.” Mhuri yacho yakaponeswa.
Apo Jesu akapinda norukundo muJerusarema pedyo nomugumo woupenyu hwake hwapasi, akakwaziswa namapoka makuru, aifara. Mapoka acho akanga akaumbwa navana pamwe chete navakuru. Maererano nechinyorwa, vakomana vaduku vakanga “vachidanidzira mutembere, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” Apo vaprista vakuru navanyori vakaramba ikoku, Jesu akapindura nokukurumidza, achiti: “Hamuna kutongorava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?”—Mateo 21:15, 16.
Hakufadzi here kuona kuti kunyange nhasi mashoko aJesu ndeechokwadi? “Mumiromo yavacheche navanomwa”—uye, tingawedzera, vechiduku navarume vaduku navakadzi—Jehovha akagovera rumbidzo. Zvirokwazvo, apo kunouya kukurumbidza Jehovha, hakuna muduku zvikurusa.—Joere 2:28, 29.