RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 1/1 p. 31
  • Jehovha Akasimba Kupfuura Vavengi Vake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akasimba Kupfuura Vavengi Vake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 1/1 p. 31

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Jehovha Akasimba Kupfuura Vavengi Vake

DHIYABHOROSI namadhemoni ake vakaedza kwenguva refu kudzivisa kuparidzwa kwamashoko akanaka kupfurikidza norudzidziso rwenhema nokudavira midzimu. Bhaibheri rinotaura pamusoro pevavariro yakashata yaSatani pana 2 VaKorinte 4:4 apo rinotaura kuti “vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro naMwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.”

Asi Jehovha Mwari ane simba kupfuura Satani. Hapana chinhu icho vavengi vaJehovha vanogona kuita kumisa kuitwa kwokuda kwake kwouMwari, uko kuri kuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Mishumo inotevera yakabva kuvazivisi voUmambo muAustralia inosimbisa ikoku.

◻ Pashure pamakore 20 okurega rudzidziso, mumwe mukadzi akavamba kurava Bhaibheri zvakare. Iyi fariro yakamutsiridzwa muBhaibheri yakamuparira kuva nemibvunzo yakawanda, naizvozvo akanyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero yokuwana mhinduro. Aida kutsvaka zvokwadi, asi akanga achiziva kuti kudzokera kurudzidziso rwake rwekare kwaisazopedza chinetso chake. Panzvimbo pezvo, akatanga kutsvaka kwake kupfurikidza nokushanyira chitoro chamabhuku akashandiswa uye kubvunza kana vaiva namabhuku api naapi orudzidziso.

Muridzi wechitoro akayeuka kuti aiva nebhuku rorudzidziso, kwete muchitoro chacho, asi kumusha. Musoro webhuku racho wakanga uri Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mukadzi wacho akarava bhuku racho nokudisa ndokuwana mhinduro kuyakawanda yemibvunzo yake yeBhaibheri. Pashure pokutsvaka Zvapupu zvaJehovha mubhuku rorunhare, pakupedzisira akazviwana ndokuvamba fundo yenguva dzose yeBhaibheri.

◻ Mumwe mukadzi muduku akahaya betsero dzepepanhau romunzvimbomo kuti rizivise kutengeswa kwedumwa. Chiziviso chacho chakanongedzera kwariri se‘dumwa remiddle ages iro rine simba zvikuru.’ Mumwe weZvapupu zvaJehovha akacherekedza chiziviso chacho. Akasarudza kuridza runhare panhamba dzakapiwa ndokutaura kumukadzi wacho pamusoro pamanyuko esimba rinofungidzirwa redumwa racho. Kurukurirano pamusoro pomurangariro weBhaibheri womubato wamadhemoni yakatevera. Mukadzi muduku aiva nedumwa akazivisa kuti rinongove zuva rimwe chete pamberi pezvi, akanga anyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero pazvinetso zvake namadhemoni. Chapupu chacho chakaita gadziriro dzeimwe kurukurirano pafoni.

Apo akaridza, mukadzi muduku wacho akanga asiri pamusha. Mai vacho vakadavira foni yacho ndokuti: “Handizivi zvawakaudza mwanasikana wangu, asi chakaitika chishamiso!” Vakarondedzera kuti pashure pokuridza runhare kwokutanga, mwanasikana wavo akarasa mifanikiso namabhuku ake ose zvousatani ndokutanga kurava Bhaibheri.

Nokukurumidza pashure pacho, gadziriro dzakaitwa nokuda kweshanyo yomunhu oga kumukadzi muduku wacho. Akakurumidza kubvuma fundo yenguva dzose yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akavambawo kusonganirana neZvapupu kupfurikidza nokupinda misangano yazvo yechiKristu. Zvakare, Jehovha akakurira madhemoni kupfurikidza nokuita kuti zivo yakarurama yezvokwadi/ dzeBhaibheri ipenye.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe