“Rugare rwaMwari Runopfuura Kunzwisisa Kwose”
MUNHAU yose, vabatiri vakatendeka vaMwari vakawana nhambo dzamarwadzo makuru emirangariro. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru kwazvo sei nhasi, sezvo tinorarama mu“nguva dzokutambudzika”! (2 Timotio 3:1) Muapostora Pauro akapa zano vaKristu rokuti vakandire funganyo dzavo pana Jehovha kupfurikidza nomunyengetero. Nomugumisiroi? “Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:7.
Chii chiri urwu “rugare rwaMwari”? Kuterama uko kunobva mukuva noukama hwapedyo noMusiki. Kuva pedyo kwakadaro kunotipa chivimbo chokuti, pasinei zvapo nenhamo dzedu, Jehovha “haasati achizorasha vanhu vake; haasati achizosiya avo vari vake.”—Pisarema 94:14, Today’s English Version.
Ikoku hakurevi kuti hatitapurwi nenhamo. “Wakarurama une ma[t]ambudziko mazhinji,” akanyora kudaro wezvemapisarema. (Pisarema 34:19) Asi rugare rwaMwari runogona kuunza nyaradzo. Seiko?
Rugare rwaMwari “runopfuura kunzwisisa kwose,” akanyora kudaro Pauro—kana kuti sezvinoshandurwa muConcordant Version, ru“kuru kupfuura mamiriro endangariro ari ose.” Funganyo inogona kutiparira kutambura mhatsa huru yemirangariro inotambudza. (Muparidzi 7:7) Bva, rugare rwaMwari runogona kutidzikamisa, zvikurukuru apo tinoda “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinte 4:7, NW; 2 Timotio 1:7.
Kupfuurirazve, rugare rwaMwari idziviriro. Runogona ku“rinda mwoyo yenyu memifungo yenyu,” seizvo Pauro akanyora kuvaFiripi. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “rinda” ishoko rechiuto iro sezvingabvira rainyandura mufanikiso wendangariro wavarindiri vechiuto vanorindira masikati nousiku. Nenzira imwe cheteyo, rugare rwaMwari runogona kuita somurindiri wamaawa 24 pamwoyo yedu namasimba edu endangariro.—1 VaKorinte 10:13; enzanisa naVaEfeso 4:26.
Tichirangarira denho dzinorwadza dzatinotarisana nadzo nhasi, rugare rwaMwari harusi chimwe chinhu chokutenda here?—Pisarema 18:2; enzanisa naEksodho 40:38.