RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 12/1 pp. 25-27
  • Vanopedza Kufunda veGilead Vanodisa Kuparadzira Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanopedza Kufunda veGilead Vanodisa Kuparadzira Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hurukuro Huru
  • Chikoro cheGilead Chava Namakore 50 uye Chiri Kupfuurira Chakasimba!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanoenda Sevashandi Vokukohwa Vanoshingaira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kukurudzirwa Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 12/1 pp. 25-27

Vanopedza Kufunda veGilead Vanodisa Kuparadzira Mashoko Akanaka

“CHINHU chinoshamisa zvikurusa chataisambogona kufungidzira.” Ikoko ndiko kudana uko Anders naAmalia Groth vakaita rovedzo yavo youfundisi. Ivo vakataura mirangariro yavanopedza kufunda vose 48 vekirasi yechi 97 yeWatchtower Bible School of Gilead mukuwedzera, kuti: “Rovedzo yeGilead yakatisunda uye yakatigadzirira, naizvozvo tinodisa kuenda kumigove yedu mitsva.”

Tinogona kunzwa uyu mufaro sezvo vadzidzi vanotsinhira pamusoro pepurogiramu yokupedza kufunda; vane 6 420 vakaungana pana September 4, 1994, nokuda kwechiitiko chacho.

“Theodore Jaracz woMutumbi Unodzora akavamba purogiramu yacho nokutaura pamusoro unoti ‘Kudzidziswa naJehovha,’” vakadaro David Abel nomudzimai wake, Kelli. “Pfundo ratisati tichizotongokanganwa rakanga riri apo Hama Jaracz vakati: ‘Tinofanira kubvuma uduku hwedu timene mukuenzaniswa naJehovha,’ uye vakakuenzanisa nechidzidzo chine simba chinowanwa muna Jobho maganhuro 38 ne 39. Hama Jaracz vakaonesa kuti nepo takawedzera zivo yedu yeBhaibheri kupfurikidza neGilead School, hatizivi mhinduro kumubvunzo uri wose. Tinofanira kupfuurira kufunda Shoko raMwari.”

Christian naAngele Coffy zvino vakataura, kuti: “Takaororwa nehurukuro yakapiwa naMax Larson pamusoro unoti ‘Chii Chiri Ukoshi Hwenheyo Yakanaka?’ Takada kutienzanisa kwavo nechivako chinoda nheyo yakadzika muvhu rakasimba kuti chirambe chakatsiga kunyange mukudengenyeka kwapasi. Kupfurikidza nokufunda nokushingaira, tinogona kutanga ukama hwapedyo zvikuru naJehovha uye tinogona kuvakira kutenda kwedu pazivo huru zvokuti tinogona kuramba takatsiga munguva dzenhamo.”

“Hurukuro yakakurukurwa naMilton Henschel, purezidhendi wechikoro chacho, pamusoro unoti ‘Minda Yaibvira Kucheka’ ichayeukwa kwenguva refu,” vakadaro Gary naLynn Elfers. “Rugwaro rukuru, Johane 4:35-38, rwakasimbisa ropafadzo yatinayo yokupinda mumunda wakatodyarwa kare navashandi vekare. Ikoku kuchatinyandura kuti tishande nepfungwa yokukurumidzira.” Vachibvumirana naikoku, Jan naSirpa Vaahtola vakati: “Hama Henschel vakasimudza kariro yedu pamusoro pokucheka kuchiri mberi kupfurikidza nokupa mushumo wazvino uno wakabva kuBaltic States. Wedzero muEstonia yakanga iri 51 muzana, muLatvia 106 muzana, uye 51 muzana muLithuania. Kunofadza sei! Hama ikoko dziri kukumbira Tenzi kuti atume vamwe vashandi. Takafara zvikuru kunzwa ikoku, sezvo mugove wedu uri kuEstonia!”

“Joel Adams akatevera nomusoro unoti ‘Vimba naJehovha,’” vakayeuka kudaro Kevin naEvelyn Cortina. “Vakatipa zano rokuti hatitongofaniri kufunga kuti pane dzimwe nguva tinogona kuvimba naJehovha uye pane dzimwe nguva tinogona kuvimba nokufunga kwedu timene. Mumugove wedu tichatarisana nedenho dzakawanda: utano, zvokudya, mutauro, tsika, uye zvichingodaro. Zvose zvichada kuti tivimbe naJehovha.”

Tevere kwakauya Gerrit Lösch, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, uyo akakudziridza musoro unoti “Ramba Uchiratidzira Ngoni dzaJehovha.” Alen naAnn Marie Gokavi vakati: “Akaonesa kuti chiratidzo choukuru mumudzimu hwechiKristu kupa ngoni kuvafundisi biyedu naavo tinogoverana navo mashoko akanaka. Migove yokumwe inobatanidza kurega zvimwe zvinhu, asi kana ngoni dzichishayika, ipapo kurega kwedu zvimwe zvinhu kuchava kwoukoshi huduku zvikuru.” (Mateo 9:13) Peter naFleur Hupston vakawedzera, kuti: “Hama Lösch vakati tinofanira kuva vane ngoni kuhama dzedu nehanzvadzi dzeduwo, kudziona zvakanaka, kuitira kuti zvikanganiso zvavo zvigoderedzwa panzvimbo pokukudzwa.”

“Jack Redford, mumwe wavarayiridzi vedu veGilead, akatevera nomusoro unoti ‘Unogona Kuchengeta Tsiuro Here?’” vakayeuka kudaro Mickey naSherry Minsky. “Iye akaonesa kuti rudado runoita kuti kuve kwakaoma kugamuchira tsiuro uye kuti kana tichitapurwa zvikuru nezano, ticharasikirwa nebetsero dzaro. Ipapo akapa zvikarakadzo zvinoshanda pamusoro pokugamuchira tsiuro zvakavakirwa pana Mariro 3:27-31.” Charles naJoan Held vakawedzera, kuti: “Zhinjisa yenguva hationi zvikanganiso zvedu timene; naizvozvo, tinofanira kurangarira tsiuro senzira yokuzarura nayo meso edu kuzvinhu zvataisaziva nezvazvo. Tsiuro kana kuti zano zvinobva kuna Jehovha ufakazi hwokutida kwake.”

“Mumwe murayiridzi, Ulysses Glass, akataura pamusoro unoti ‘Wana Uchenjeri Hunoshanda Hunotungamirira Kuupenyu.’ Iye akabvunza, kuti: ‘Chii chamuchaita neizvo makadzidza?’” vakadaro Kenneth naLisbeth Ardkäll. “Ipapo akapa muenzaniso wakavakirwa pana Zvirevo 30:24-26 pamusoro pembira duku uye kuti Jehovha akaishongedzera zvizere sei nokuda kwoupenyu. Isu, pane rumwe rutivi, hatina kuchenjera nenzira yomusikirwo, naizvozvo tinofanira kuzvishandisa timene kuti tiwane uchenjeri. Jehovha akatishongedzera nechinhu chiri chose chatinoda kuti tiite izvozvo. Chero bedzi tichiswedera pedyo naJehovha uye nomumwe nomumwe murudo, tichaita zvakawanda.”

Hurukuro Huru

“Hama Karl F. Klein, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, vakarangarira noushamwari Pisarema rechi 19 nesu muhurukuro yavo inoti ‘Ibwe Rinokosha Pakati Pamabwe Anokosha,’” vakadaro Jay naGwen Abraczinskas. “Ivo vakasimbisa kuonga Jehovha kukuru kwowezvamapisarema Dhavhidhi nokuda kwaaiita Shoko raMwari.” “Hama Klein vakakamura pisarema racho kuva mativi matatu,” vakadaro Keith naDonna Hornback. “Rutivi 1 (Pis 19 ndima 1-6) runoratidza kuonga kwaDhavhidhi chisiko chaMwari, rutivi 2 (Pis 19 ndima 7-10) runotaura kuonga kwake mitemo yaJehovha, uye rutivi 3 (Pis 19 ndima 11-14) runotiyeuchidza nezvomusengwa wedu sowaDhavhidhi kuna Jehovha wokushuva kuva noukama hwakanaka naye.”

“Takafarikanya pfundo rokuti kutya Jehovha kunokosha kana tichizodzivisa chiri chakashata. Ikoku kunotitungamirira kuita chakachena mumeso ake,” vakadaro David naRaylene Long. Frank naVibeke Madsen vakabvuma kudaro. “Tsinhiro dzaHama Klein pamusoro pokuti zviyeuchidzo zvaJehovha, mitemo, uye mirayiro zvinobetsera sei zvinopetwa zvakaisvonaka muizvo takadzidza paGilead,” ivo vakadaro. “Ikoko kwakatiita vakatsunga zvikuru kunamatira kuShoko raMwari munguva yemberi nokuribata sechivigiro chefuma yamabwe anokosha.”

Pashure pehurukuro huru, vadzidzi vakagamuchira magwaro avo, uye migove yavo yokumwe yakaziviswa. Pashure pokutindika nokuda kwezvokudya, vose vakaunganazve nokuda kworusando rwamasikati. Vanopedza kufunda vakatora rutivi mukupindura mibvunzo yakabvunzwa mukati meFundo yeNharireyomundi yakapfupikiswa.

“Ipapo kwakauya purogiramu yavadzidzi ‘Vakarovedzwa Kuva Vazivisi voUmambo Mupasi Rose,’” vakayeuka kudaro Bob naShannon Lakatos. “Chikamu chokutanga chepurogiramu yacho chakabata nezvakaitika zvavadzidzi mubasa romumunda mukati mekosi yedu yemwedzi mishanu. Chakanangidzira ngwariro pakushandiswa kwounyanzvi kwemibvunzo muushumiri hwedu. Chikamu chebvunzurudzo chakaratidza nzira dzakanaka dzokutarisana nadzo nedenho namamirire ezvinhu anochinja zvoupenyu hwoufundisi. Kuratidzwa kutatu kwamasiraidhi, eCosta Rica, India, uye Malawi, kwakatipa rumbonera rwesangano romunyika yose raJehovha.”

“Mutambo wakatevera, Iva Woubati Ushe hwaMwari, Kwete Wenyika, wakaratidzira mugumisiro wakashata uyo hama dzokunyama dzenyika, dzine ndangariro yakazvimirira dzinogona kuva nawo,” vakadaro Jesse naMichelle Duncan. “Wakaratidza kuti vaKristu vanofanira kuziva nhungamiro nemirayiridzo zvoUbati Ushe hwaMwari sezviri madikanwa nezvinobetsera,” vakawedzera kudaro Wenzel naKelly Koula.

Rwiyo rwokupedzisira nomunyengetero zvakagumisa purogiramu inofadza. Sezvo vanopedza kufunda vakabva vachikarira kuenda kwavo kumigove yokumwe munyika 18, mifungo yavo yakasanotaurwa neiyi tsinhiro yokuonekana yaTommi naJael Kauko: “Tinodisa zvikuru kuenda kumugove wedu ndokushandisa zvatakadzidza. Takagamuchira zvakawanda kwazvo—zvino rava dzoro redu kupa.”

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kirasi Inopedza Kufunda yechi 97 yeWatchtower Bible School of Gilead

Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.

(1) Hong, J.; Hong, D.; Groth, A.; Cortina, E.; Lakatos, S.; Hornback, D.; Acevedo, L.; Coffy, A. (2) Elfers, L.; Gokavi, A.; Ardkäll, L.; Abraczinskas, G.; Knott, K.; Lizer, T.; Abel, K.; Abel, D. (3) Duncan, M.; Gokavi, A.; Held, J.; Hupston, F.; Lakatos, B.; Long, R.; Minsky, S.; Acevedo, E. (4) Ardkäll, K.; Kauko, J.; Vaahtola, S.; Cortina, K.; Carson, N.; Minsky, M.; Lizer, G.; Koula, K. (5) Duncan, J.; Abraczinskas, J.; Vaahtola, J.; Madsen, F.; Madsen, V.; Long, D.; Carson, C.; Elfers, G. (6) Kauko, T.; Hupston, P.; Held, C.; Groth, A.; Hornback, K.; Koula, W.; Knott, D.; Coffy, C.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe