‘Mabasa Avo Anovatevera’
NA 8:50 a.m. paChina, July 28, 1994, George D. Gangas akapedza upenyu hwake hwapasi. Akanga ava namakore 98 okukura. Mumwe wavakazodzwa, George Gangas akanga ave ari mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha chibviro chaOctober 15, 1971.
Vose vakanga vakarovedzana somunhu oga naHama Gangas vaiziva kuda kwavo kururama nokuvenga uipi. Vanosanoyeuka nzira yavairondedzera varondedzerazve nayo Satani somurevi wenhema akashata, anotyisa, akaipa, akanyangara, uye anozvidzika. Mukupesana, vaitaura nezvaJehovha saBaba vane rudo, vane mutsa, vanonzwira tsitsi, vanyoro, uye vanoitira hanya. Vakawanda vanoyeukawo kuda kwavo kubvunza mibvunzo yeBhaibheri. Mukurukurirano ipi neipi, vaibvunza mibvunzo nguva dzose—mimwe yayo yakapfava, mimwe yayo yakaoma zvikuru. Zvirokwazvo, vaida zvokwadi yeBhaibheri.
Hama Gangas vakabhapatidzwa pana July 15, 1921. Vakavamba basa ravo muushumiri hwokuparidza hwenguva yakazara (kupayona) muna March 1928. Nokudaro, vakanga vari mubasa renguva yakazara hwerengedzo yamakore 66. Vakava mutezo wavashandi vapadzimbahwe reBrooklyn reWatch Tower Bible and Tract Society pana October 31, 1928.
Nhau youpenyu hwavo yakaoneka muchinyorwa chaOctober 15, 1966, cheNharireyomurindi yechiNgezi. Inorondedzera murume womudzimu zvirokwazvo waMwari. Munyaya iyoyo, vakataura zvinofadza zvinotevera: “Ndinoda upenyu uye ndinoda kuti hama dzangu dziwane upenyu. Ndinorangarira, pamwe chete nomuapostora Pauro, kuti zvimwe zvinhu zvose ‘kurasikirwa nemhaka youkoshi hukurusa hwezivo yaKristu Jesu.’”—VaFiripi 3:8.
Hama Gangas vakaratidza kupfurikidza nezviito zvavo kuti vaida zvirokwazvo upenyu, uye vakagoverana nokudisa “zivo [yavo] yaKristu Jesu” navamwe. Vachashuviwa, asi tinofara sei kuti zvino vakagamuchira tuso yavo yokudenga! Zvino, ‘vachazorora pabasa ravo, nokuti mabasa avo anovatevera.’—Zvakazarurwa 14:13, New International Version.