RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 12/1 p. 32
  • Mifungo Inotaurwa Zvakajeka Mukutsigira Chitendero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mifungo Inotaurwa Zvakajeka Mukutsigira Chitendero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 12/1 p. 32

Mifungo Inotaurwa Zvakajeka Mukutsigira Chitendero

SEZVO zana ramakore rapfuura rakaguma, mifungo inotsigira sayenzi, uzivi, uye kurambwa kworudzidziso yakanga ichiva netapuro yakashata pakutenda Mwari nokufuridzirwa kweBhaibheri.

Asi iyo yakanga isiri mifungo bedzi yakanzwiwa. Vanzveri vakawanda vakaona kuti zvakawanda zvikuru zvaigona kutaurwa mukutsigirwa kwokutenda Mwari panzvimbo pokusadavira kuvapo kwaMwari. Nzvero dzavo dzakaratidzawo ufakazi hwakawanda hwokuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari.

Mumwe munhu akakurumbira uyo akataura mufungo pane iyi nhau akanga ari C. T. Russell. Mamiriyoni akarava vhoriyamu yake ya 1886 yeThe Divine Plan of the Ages. Ganhuro rine simba riri mariri rakanga riri “The Existence of a Supreme Intelligent Creator Established.”

Mumakumi amakore akatevera, Russell akanyora nyaya, maturakiti, uye mabhuku zvaigovera zvikonzero zvakasimba zvokutenda Mwari neBhaibheri. Izvozvi zvakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Purezidhendi wayo wechipiri, J. F. Rutherford, akanyora Creation (1927) namamwe mabhuku ayo akatsigira mufungo unotaurwa zvakajeka mukutsigira chitendero.

Sosaiti iyoyo yakagadzira munguva pfupi yakapfuura mashoko okuwedzera anowirirana nomusi panhau idzodzi. Zvapupu zvaJehovha zvinogona kugovera akadaro nokuda kwokurangarira kwako kwokufungisisa.

Kana ungagamuchira mamwe mashoko kana kuti kana ungada kuti mumwe munhu ashanye kuzokuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakafanira yakarongwa papeji 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe