Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Poland
MUKUPERA kwa 1989, hurumende dzechiKomonisiti kuvambira kuBaltic kusvikira kuBlack Sea dzakavamba kupunzika. Sezvo Iron Curtain yakanga ichiparadzwa, marudzi muEastern Europe akavamba kutsvaka nzira dzawo amene. Pakati pawo pakanga pane Poland, nyika yakafukidzwa namakomo ane makakwira nemakadzika, mapani akati sandara, uye makomo asina kuti sandara.a
Vanhu vePoland vashandi vanobishaira, uye Poland yakaita vamwe vavanoita zviyeviwa vakakurumbira venyika navasayendisiti. Kupfuura izvozvo, kunyanguvezvo, zvino kune boka rinokura ravazivisi vamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
Zvakashinga Mukufumura Unhema
MuPoland mune vakawanda vangada kudzidza zvokwadi inobva muBhaibheri. Asi vamwe vanodziviswa nehama dzavo dzokunyama kana kuti vavakidzani. Somuenzaniso, munharaunda yeWrocław, mumwe mukadzi anofarira akarega kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha apo mhuri neshamwari vakamudzvinyirira. Kunyanguvezvo, mwanasikana wake wechiduku akarava nhevedzano yenyaya dzeNharireyomurindi dzinofumura rudzidziso rwenhema. Idzodzi dzakanyandura kufarira kwake zvokwadi.
Pashure pemwedzi mitanhatu yefundo yeBhaibheri, uyu munhu muduku akasarudza kudimbura zvisungo zvake zvose norudzidziso rwenhema. Iye akashanyira mufundisi wechechi yake kuzomuzivisa nezvechisarudzo chake. Akamuudza kunyora zvinotevera: “Ini, K—— P——, ndinoramba kutenda kweKaturike.”
PaSvondo rakatevera racho, uku kutaura kwakaraviwa muchechi. Sekuru vomusikana wacho vakazheuka, uye ambuya vake vakavamba kuchema. Zvisinei, vamwe vagari vomuruwa vakaororwa ndokuti: “Pakupedzisira, mumwe munhu akashinga zvakakwana kutaura kuti muchechi medu mune nhema dzakawanda.” Uyu wechiduku ane ushingi zvino ihanzvadzi yomudzimu yakabhapatidzwa uye akatanga fundo dzeBhaibheri nomwe mumusha make.
‘Kupfurikidza Nezvibereko Zvavo’
Kujawy i Pomorze yevhiki nevhiki yakabudisa mushumo unoti “Uchavaziva Kupfurikidza Nezvibereko Zvavo.” Murutivi, nyaya yacho yakataura kuti vanamati vomuchiKristudhomu “chaizvoizvo havabati zvakakomba zvikuru nheyo dzorudzidziso dzavakagamuchira. Ivo vakasiyana zvikuru neZvapupu zvaJehovha izvo zvinoita sezvazvinotaura, uye zvinotaura icho Bhaibheri rinorayira.”
Pashure pokusiyanisa chitarisiko cheZvapupu neicho chavaKristu nezita, mushumo wacho wakapfuurira, kuti: “Vapashure sezvingabvira zvikurusa havazivi, uye kazhinji kazhinji zvikuru havashandisi, zvokwadi dzinokosha nenheyo dzokutenda kwavo. . . . Kupfurikidza nechimiro chazvo chendangariro, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzira tsinhirano yamashoko azvo nezviito, nokudaro zvichibvumikisa kuti hazvisati zviri ‘vaporofita venhema,’ panzvimbo pezvo, zvinogona kuzivikanwa nezvibereko zvazvo. ‘Vanhu havatongotanhi mazambiringa paminzwa kana kuti maonde parukato, vanodaro here?’ (Mateo 7:15-20).”
Mumwe mukadzi akanyora tsamba kuPrzyjaciółka yevhiki nevhiki, achichema kuti mwanakomana wake akasiya Chechi yeKaturike ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nderipi rakanga riri zano romupepeti wenhau? “Kana mwanakomana wenyu akasvika pakusonganirana neZvapupu zvaJehovha, akadzidza ndokugamuchira kutenda kwazvo, chisarudzo chake amene chose chose, icho chinofanira kubvumwa ndokuremekedzwa. . . . Iri boka rorudzidziso rinoratidzirwa namativi akawanda akaisvonaka naanodiwa munzanga, zvakadai sokubatana kwazvo kwechienzi nebatano huru dzeboka, kutendeseka kukuru nokusanotevera mitemo inogamuchirwa youpenyu hwomunzanga, uye pakupedzisira, mano okugara mutsinhirano nezvokwadi yazvo, zvichishandisa zvinokosha zvinotaurwa. Izvi ndizvakanaka zvinokosha.”
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko okuwedzera, ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya 1994.
[Bhokisi riri papeji 9]
KUKAMURANISWA KWENYIKA
Gore Rebasa ra 1993
NHA. YAPAMUSORO INOPUPURA: 113 551
RESHIYO: Chapupu 1 ku 339
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 235 642
AVHAREJI VAPARIDZI MAPIYONA: 7 961
AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 79 131
VAKABHAPATIDZWA: 8 164
NHAMBA YEUNGANO: 1 397
HOFISI YEBAZU: Nadarzyn
[Mufananidzo uri papeji 9]
Hofisi yebazu yePoland muLodz muna 1948
[Mufananidzo uri papeji 9]
Basa rezvikwangwani, June 1948, muyaichimbova East Prussia
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mitezo ine makumi manomwe nemiviri yavashandi vepaBheteri vePoland, January 1993
[Mufananidzo uri papeji 9]
Bazu idzva muNadarzyn