RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 11/1 pp. 28-31
  • Nzira Yokuronga Nayo Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokuronga Nayo Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Raibhurari Haisi Youmbozha”
  • Mabhuku Api Andinoda?
  • Ronga Raibhurari Yako!
  • Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari Inogona Kubetsera Kuvaka Umudzimu
  • Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Urongwa Hutsva hweMaraibhurari eImba yoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Ashandise Pane Kuachengeta
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 11/1 pp. 28-31

Nzira Yokuronga Nayo Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari

SHEREZADE, musikana muduku anogona weSpania, akanga ana makore mana okukura apo mudzidzisi wake akaudza kirasi kuti vakanga vachizopenda mifanikiso ya“Father Christmas.” Pakarepo, Sherezade akakumbira kuti ahesvurwe. Akatsanangura kuti hana yake yaisazomubvumira kuita izvozvo.

Ashamiswa nokuramba kwake, mudzidzisi akamuudza kuti kwakanga kwakafanana bedzi nokupenda mufanikiso wechidhori uye kuti hapana chakanga chisina kururama naikoku. Sherezade akapindura, kuti: “Kana chiri chidhori bedzi, ndingada zvangu kudhirowa chidhori ini ndimene kana musingarambi.”

Pane imwe nhambo kirasi yacho yakaudzwa kupenda mureza wenyika. Zvakare Sherezade akakumbira kana aigona kuita chimwe chinhuwo zvacho. Mukutsanangura, akaudza mudzidzisi wake nhau yaShadraki, Meshaki, naAbhedhi-nego.—Dhanieri 3:1-28.

Isiri nguva refu pashure pezvi mudzidzisi wacho akaridzira mai waSherezade runhare kuti ataure kushamiswa kwake. “Mwanasikana wenyu panhambo dzinoverengeka akataura kwandiri pamusoro pehana yake,” akadaro. “Munogona kufungidzira izvozvo here? Musikana wezera rake achinditsanangurira chikonzero nei hana yake iri kumunetsa! Tarirai, handibvumirani nezvamuri kumudzidzisa, asi ndinokuvimbisai kuti muri kubudirira. Uye ndinoda kuti muzive kuti ndinoyemura mwanasikana wenyu.”

Musikana ane makore mana okukura anogona sei kuwana hana yakarovedzwa neBhaibheri? Amai vake, Marina, vanotsanangura kuti Sherezade ane raibhurari youbati ushe hwaMwari yake amene mukamuri rake rokurara. Raibhurari yacho inobatanidza makopi ake pachake eNharireyomurindi, ayo akatara, mabhuku ake okuparidza, uye zvinyorwa zvose zveWatchtower Society izvo zvakabudiswa kubvira apo akaberekwa. Chinhu chinodikanwa chiri muraibhurari yake itepi yokutaura yeBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri muchiNgezi, iyo anoteerera usiku huri hwose achitevera mukopi rake rakadhindwa. Dzakanga dziri idzi nhoroondo dzeBhaibheri idzo dzakamugonesa kuita zvisarudzo zvadudzwa pamusoro apa.

Raibhurari youbati ushe hwaMwari yakasanorongwa ingagona kubetsera iwe navana vako here? Neiko raibhurari yapamusha iri madikanwa?

“Raibhurari Haisi Youmbozha”

“Raibhurari haisi youmbozha, asi chimwe chezvinodikanwa zvoupenyu,” akazivisa kudaro Henry Ward Beecher. Pasina pokanidzo, anodokuva ari wose wedu ane chimwe cheizvi “zvinodikanwa zvoupenyu,” kunyange zvazvo nenzira yokusaziva. Neiko ikoku kwakadaro? Nemhaka yokuti kunyange kana tine Bhaibheri bedzi, tine raibhurari yakati.

Bhaibheri chaizvoizvo iraibhurari youbati ushe hwaMwari yakaisvonaka. Muzana ramakore rechina, Jerome akatanga chitsama chamashoko eLatin Bibliotheca Divina (Divine Library) kuti arondedzere muunganidzwa wakakwana wamabhuku akafuridzirwa uyo tinodaidza kuti Bhaibheri. Jehovha akatigovera iyi raibhurari inoyera kuti itipe betsero inoshanda, murayiridzo, uye nhungamiro. Icho chimwe chinhu chatisingatongofaniri kurerutsa. Kungovawo zvedu neBhaibheri rose kunoreva kuti tine raibhurari huru zvikuru kupfuura izvo vakawanda zvikurusa vavabatiri vaMwari vaiva nazvo munguva dzakapfuura.

Apo manyoro anodhura akanyorwa namaoko akanga ari iwo bedzi anowanika, dzimba shomanene, kana dzaitongovapo, dzaigona kuva neBhaibheri rakazara. Apo Pauro akada kufunda Magwaro mukati mokuiswa kwake mutorongo kwokupedzisira muRoma, aitofanira kukumbira Timotio kuti amuunzire mipumburu yamanyoro kubva kuAsia Minor—zvimwe zvikamu zvaMagwaro echiHebheru. (2 Timotio 4:13) Masinagoge, zvisinei, aiva nemuunganidzwa wemipumburu yamanyoro, uye vose vari vaviri Jesu Kristu nomuapostora Pauro vakashandisa aya maraibhurari mubasa ravo rokuparidza. (Ruka 4:15-17; Mabasa 17:1-3) Nenzira inofadza, Magwaro zvino anowanika zviri nyore zvikuru kupfuura izvo akanga ari muzana ramakore rokutanga.

Nemhaka yokugadzirwa kwemichina yokudhinda, nhasi vanenge vabatiri vose vaMwari—upi kana upi ungava mutauro vavo—vanogona kuwana Bhaibheri rose risingadhuri. Tinewo mukana wechienzi wokuwedzera kuiyi “raibhurari” inoyera. Kwerinopfuura zana rimwe ramakore, “muranda akatendeka, wakangwara” ave akabatikana mukugovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira.—Mateo 24:45-47.

Asi kuri kusingabviri kuti tichashandisa zvizere aya mashoko anokosha kana tisingarongi raibhurari youbati ushe hwaMwari yomunhu oga. Ikoko kunogona kuitwa sei? Danho rokutanga, chokwadika, nderokuwana mabhuku ayo raibhurari yakadaro inoda. Kwakasanofanira nhamburiko yacho, sezvo kuchatigonesa kukurumidza kuva namashoko chaiwo atinoda kuti tibate zvinetso uye kupindura mibvunzo yeBhaibheri.

Mabhuku Api Andinoda?

Wati wamboshamisika kuti ungagona sei kupedza chinetso chekurukurirano mumuchato wenyu here kana kuti ungagona sei kubetsera vana vako kuti aiwa kumirimo? Ungagona kubetsera sei shamwari iri kutambura kuora mwoyo? Unogona here kutsanangura zvakajeka ufakazi hwatinahwo hwokuti Mwari aripo uye chikonzero nei achibvumidza uipi? Chii icho chikara chitsvuku chaZvakazarurwa ganhuro 17 chinomirira?

Iyoyi nemimwe mibvunzo isingaverengeki inogona kupindurwa kana une raibhurari youbati ushe hwaMwari yakakwana. Watchtower Society yakabudisa mabhuku, mabhurocha, uye nyaya dzamagazini idzo dzinofukidza mhatsa yakakwana yenhau dzapaMagwaro. Kupfuurirazve, aya mabhuku anobata nenhau dzemhuri, anovaka kutenda kwedu Mwari neBhaibheri, anotigonesa kuvandudza unyanzvi hwedu hwokuparidza, uye anotibetsera kunzwisisa uporofita hweBhaibheri.

Zvakawanda zvikurusa zvezvinyorwa zvakadhindwa neSosaiti mukati memakore 20 apfuura zvichiri kuwanikwa. Kana wakapinda muzvokwadi nguva pfupi yakapfuura, kwaizova kwakafanira kuti uwane mabhuku ose akadaro ayo anowanika mumutauro wako. Kungava kuti mabhaundi vhoriyamu amakore akapfuura eNharireyomurindi anowanika mumutauro wako. Mabhuku enongedzero akatanhamara, akadai saInsight on the Scriptures uye Comprehensive Concordance, akabudiswawo mumitauro yakasiyana-siyana. Kuwana aya mabhuku, zvisinei, idanho rokutanga bedzi.

Ronga Raibhurari Yako!

Kuwana bhuku rinodikanwa kunokosha zvikuru kupfuura kungoziva chete kuti unaro pane imwe nzvimbo. Kana tichifanira kupambadza nguva yakawanda tichitsvaka bhuku renongedzero ratinoda, sezvingabvira tichashaya fariro munhau yacho. Kune rumwe rutivi, kana mabhuku edu akasanorongwa, munzvimbo yakakodzera, tichada zvikuru kuita nzvero yomunhu oga.

Kana zvichibvira, kunobetsera kuva namabhuku akawanda oubati ushe hwaMwari munzvimbo imwe. Masherefu amabhuku anogona kugadzirwa, uye kazhinji kazhinji zvakachipa zvikuru, kana tisingagoni kutenga akatogadzirwa, uye haafaniri hawo kutora nzvimbo yakawanda. Raibhurari iri pedyo inokoshawo. Mabhuku anochengetwa mukamuri dzapamusoro pemba anowanzoita huruva.

Danho rinotevera kuronga mabhuku acho. Nguva pfupi chete inopedzwa mukuronga mabhuku munhevedzano ine mufungo inounza tuso.

Zvakadiniko kana vakawanda zvikurusa vomumhuri yenyu vasiri Zvapupu zvaJehovha? Kunyange zvazvo ungasakwanisa kuronga raibhurari sezvawaizoda kuita, mukamuri rako umene ungava nesherefu yamabhuku ine zvinyorwa zvapaMagwaro zvakati.

Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari Inogona Kubetsera Kuvaka Umudzimu

Kana mabhuku edu angorongwa chete, tinoda mutoo wakarongeka wokutibetsera kuwana mashoko acho. Yeuko dzedu dzingagona kukanganisa, uye tingasarovedzana pachedu nezviri mukati mebhuku riri rose riri muraibhurari yedu youbati ushe hwaMwari. Kunyanguvezvo, mashoko ose ari muraibhurari anowanika nyore nyore. Kana ichiwanika mumutauro wedu, Watch Tower Publications Index inogona kutigonesa kuwana mashoko akananga painenge nhau ipi neipi munguva pfupi.

Julián, uyo abatira kwamakore akawanda sapiyona chaiye uye mukuru, anotsanangura kuti Index inokosha mukudzidzisa mwanakomana wake mudukusa kuita fundo yomunhu oga. “Jairo, uyo ane makore manomwe okukura, akauya kumusha achibva kuchikoro rimwe zuva ndokundibvunza, kuti ‘Baba, chii icho Sosaiti yakataura pamusoro pamadinosaur?’ Takabva tangonanga kuIndex ndokutsvaka shoko rokuti ‘dinosaurs.’ Panodokuva pakarepo takawana nhevedzano yebutiro yeMukai! panhau yacho. [February 8, 1990] Zuva rimwe chetero, Jairo akavamba kuirava. Anotoziva kuti raibhurari yedu youbati ushe hwaMwari ine mashoko anoshanda painodokuve nhau iri yose. Pachangu, ndinopwiswa kuti apo vana vedu vanodzidza kushandisa zvakanaka raibhurari youbati ushe hwaMwari, kunovabetsera kukura mumudzimu. Vanodzidza kurangarira, uye kupfuurirazve, vanowana kuti fundo yomunhu oga inogona kuva inofarikanywa.”

Fausto, baba vaSherezade adudzwa pakuvamba, vanodavira kuti unofanira kukurumidza kutanga sezvingabvira mukurovedza vana kushandisa raibhurari youbati ushe hwaMwari. “Tavakutoratidza Sherezade, uyo zvino ava namakore matanhatu okukura, nzira yokushandisa nayo Index,” anotsanangura kudaro. “Sezvo achifadzwa nekariro yeParadhiso yapasi, takavamba nokumuratidza shoko rokuti ‘paradise’ muIndex uye ipapo kunzvera nyaya dzeNharireyomurindi dzinodudzwa. Kazhinji kazhinji tinomuratidza chete mifanikiso. Kunyanguvezvo, kupfurikidza nouyu mutoo akadzidza kuti Index ndichinokosha kukuwana mashoko muraibhurari yedu yapamusha. Takaziva kuti akanzwisisa pfundo racho apo akadzoka achibva kuchikoro rimwe zuva ane mubvunzo pamusoro pokuchengetwa kweIsita. ‘Tadii kutarisa chimwe chinhu muIndex?’ akabvunza mai vake.”

Ripi kana ripi riri zera redu, Bhaibheri rinotikurudzira ku“idza zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka.” (1 VaTesaronika 5:21) Ikoku kunoda kuti tinzvere icho Magwaro anotaura. (Mabasa 17:11) Kana tine raibhurari youbati ushe hwaMwari yakasanorongwa, kunzvera kwakadaro kunogona kuva kunofadza. Nguva imwe neimwe tinoshandisa nokubudirira raibhurari yedu kugadzirira hurukuro, kuwana zano rinoshanda pakubata nechinetso, kana kuti kunzvera mashoko anofadza, kucharoverera patiri ukoshi hunoshanda hweraibhurari yedu.

Vabereki vaSherezade vanoonesa, kuti: “Mumhuri yechiKristu, raibhurari youbati ushe hwaMwari haisi youmbozha chaizvoizvo!”

[Bhokisi riri papeji 30]

UNGAGONA KURONGA SEI MABHUKU AKO?

Hapana mitemo yorumano pamusoro penzira yaunofanira kuronga nayo mabhuku ako. Kunyanguvezvo, zvikamu zvine mufungo zvinotevera zvinoenzanisira nzira imwe yaungagona kuronga nayo mabhuku ako maererano nezviri mukati.

1. Mabhuku ane kunzverwa kwendima nendima kwamativi akati eBhaibheri

(Mienzaniso: Munhu Mukurusa Ati Amborarama, Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How?, “Your Will Be Done on Earth”)

2. Mabhuku ane chokuita noupenyu hwemhuri

(Mienzaniso: Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri)

3. MaBhaibheri namabhuku enongedzero

(Mienzaniso: New World Translation of the Holy Scriptures—With References, mamwe maBhaibheri, Watch Tower Publications Indexes, Comprehensive Concordance, Insight on the Scriptures, The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures, duramashoko rakanaka)

4. Mabhuku ari kushandiswa zvino uno nokuda kweFundo yeBhuku yeUngano neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

5. Makaseti okuteerera namavhidhiyo

6. Mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai!

7. Nhau yeZvapupu zvaJehovha

(Mienzaniso: Yearbooks of Jehovah’s Witnesses, Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom)

8. Mabhuku namabhurocha zvatinoshandisa nguva dzose muushumiri hwedu

(Mienzaniso: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, Kurangarira muMagwaro, Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?, Mankind’s Search for God, Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi)

[Mufananidzo uri papeji 31]

Sherezade atova mudzidzi wakanaka weBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kunyange zvake ari muduku, mukomana uyu ari kushandisa raibhurari youbati ushe hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe