‘Musachema Sezvinongoita Vamwe’
WATI wambocherekedza here nzira iyo ruva rinoratidzika nayo kuva rinokotamiswa pashure pokukunda dutu? Munzira yakati chiono chinoorora. Pashure pokurangarira zvose, dzvotsvoma racho sezvingabvira rakaparira mhuka dzisingaverengeki uye vanhu—zvisikwa zvakasimba zvikuru kupfuura ruva ripi neripi—kutiza kundovanda. Bva, ruva rakamira ipapo, rakasimba, rakatarisana nokushata kwamamiriro okunze. Zvino, herino rakasimba, rakotamiswa asi harina kutyoka, richiratidza simba rinopesana nechitarisiko charo chisina simba. Ungashamisika, sezvaunoriyemura, kana richizowanazve simba raro ndokusimudza zvakare musoro waro wakaisvonaka mudenga.
Ndizvimwe chetezvo zvikuru navanhu. Muidzi nguva dzinotambudza, tinotarisana nemitoo yose yemadutu. Zvinetso zvemari, kuora mwoyo, utano hwakashata, kurasikirwa nemudiwa murufu—madutu akadaro anodenha tose zvedu pane imwe nguva, uye pane dzimwe nguva tingasagona kuadzivisa kufanana neruva risingagoni kuzvidzura ndokutsvaka pokuvanda. Kunoorora kuona vanhu avo vanoratidzika kuva vasina simba zvikuru vachiratidza simba rinoshamisa ndokutsungirira denho dzakadaro. Vanokuita sei? Kazhinji kazhinji chinokosha kutenda. Munun’una kuna amai vaJesu Kristu Jakobho akanyora, kuti: “Munoziva kuti apo kutenda kwenyu kunobudirira mukutarisana nemiedzo yakadaro, mugumisiro wacho isimba rokutsungirira.”—Jakobho 1:3, Today’s English Version.
Chimwe chinokosha itariro. Apo rufu runorova mudiwa, somuenzaniso, tariro inogona kuita musiyano mukuru kuvapukunyuki. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu paTesaronika, kuti: “Hatidi kuti mushayiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasina tariro.” (1 VaTesaronika 4:13) Nepo vaKristu zvirokwazvo vachichema nemhaka yorufu, pane musiyano. Vane zivo yakarurama pamusoro pomugariro wavakafa uye pamusoro petariro yorumuko.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Iyi zivo inovapa tariro. Uye tariro iyoyowo, pashoma napashoma inopfavisa nhamo yavo. Inovabetsera kutsungirira, uye kuita zvinopfuura izvozvo. Pashure penguva yakati, kufanana neruva pashure pedutu, vangasimudza misoro yavo kubva munhamo ndokuwana zvakare mufaro negutsikano muupenyu.