Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Apo Evha, uye gare gare Adhama, vakadya muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, rakanga riri apuro here ravakadya?
Hatizivi. Vanhu vakawanda vakafunga kuti ‘muchero wakarambidzwa’ wakanga uri apuro, uye kwamazana amakore vanyori vemifananidzo kazhinji kazhinji vakauratidzira sowakadaro. Asi Bhaibheri haripi zita romuti wacho kana kuti michero yawo. Evha akanongedzera chete kwauri se“michero yomuti uri pakati pomunda.”—Genesi 3:3.
Yefariro muna ikoku inyaya inoti “Apple” inooneka muInsight on the Scriptures:
“Kune fungidziro huru pamusoro pezivikanwo yomuti nomuchero zvinoratidzirwa neshoko rechiHebheru tap·puʹach. Shoko racho rimene rinoratidzira icho chinosiyaniswa nokunhuwira, kana kuti munhuwi. Rinobva mumavambo okuti na·phachʹ, richireva kuti ‘furidza; femeruka; rwisa kufema.’ (Gen 2:7; Job 31:39; Jer 15:9) Nezvaikoku, M. C. Fisher akanyora, kuti: ‘Wirirano [nana·phachʹ] pakurangarira kwokutanga inoratidzika kuva shatiswo yerevo yamashoko, asi mifungo yo“kufema” uye “kubudisa hwema” inowirirana. Shoko rinowirirana puah rinoreva zvose zviri zviviri “kufuridza” (kwemhepo) uye “kubudisa hwema hwakanaka, kunhuwira.”’—Theological Wordbook of the Old Testament, rakapepetwa naR. L. Harris, 1980, Vol. 2, peji 586.
“Michero inoverengeka yakakarakadzwa panzvimbo peapuro, kubatanidza ranjisi, citron, quince, uye apirikoti. . . . Zvisinei, shoko rechiArab rinowirirana tuffah zvikurukuru rinoreva ‘apuro,’ uye kunocherekedzwa kuti mashoko amazita echiHebheru Tapua uye Beti-tapua (zvimwe akadaidzwa kudaro nemhaka yokupararira kweuyu muchero munzvimbo dzavo dzakapoteredza) akachengetedzwa mumashoko awo echiArabic akaenzana kupfurikidza nokushandiswa kweiri shoko. (Josh. 12:17; 15:34, 53; 16:8; 17:8) Idzi nzvimbo dzakanga dzisiri munzvimbo dzakaderera asi munyika yamakomo, umo mamiriro okunze kazhinji kazhinji akati teramei. Mukuwedzera, bviro yemisiyano yamamiriro okunze munguva yakapfuura haigoni kubviswa chose. Miapuro inokura muIsraeri nhasi uye nokudaro inoratidzika kuva inokodzera rondedzero yeBhaibheri nenzira inogutsa. William Thomson, uyo akapedzera makore akawanda ari muSiria uye Palestine muzana ramakore rapfuura, akatoshuma kuti akawana minda yemiapuro munharaunda yeAshkeroni paMipata yeFiristia.—The Land and the Book, rakadzokororwa naJ. Grande, 1910, mapeji 545, 546.
“Muapuro (Pyrus malus) unodudzwa zvikurukuru muRwiyo Rukuru rwaSoromoni, umo mashoko orudo akataurwa neshamwari mufudzi yomuShuramiti anofananidzwa nomumvuri unofadza womuapuro uye kutapira kwomuchero wawo. (Rwiyo 2:3, 5) Uyewo, anofananidza kufema kwake nokunhuwira kwamaapuro. (Rwiyo 7:8; onawo 8:5.) Muna Zvirevo (25:11) kutaura kwakakodzera, kwakafanira kunofananidzwa ne‘maapuro endarama mundiro dzesirivha.’ Imwe nongedzero bedzi kuapuro iri pana Joere 1:12. Gamuchidzanwa ravose rokuva kweapuro muchero wakarambidzwa weEdheni harina hwaro hupi nohupi hwapaMagwaro. Nenzira yakafanana, kutaura kwokuti ‘apuro reziso’ kunowanikwa muKing James Version (Pis 17:8; Zvir. 7:2; uye mamwe) asi hakusi kutaura kwechiHebheru, kushandura chaikoiko kuchiva ‘mboni yeziso [romunhu].’”—Insight on the Scriptures, Volume 1, mapeji 131-2, rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.