RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Nigeria

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Nigeria
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pwere Dzinosvasvavira kuti Dzipayone
  • Vhidhiyo neHoro yoUmambo
  • Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Migumisiro Yemavhidhiyo Anopa Uchapupu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Hama Dzakawanda Dziri Kudikanwa Mubasa Roupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Nigeria

NIGERIA iri mukona pasi pepanobuda pokumaodzanyemba peAfrica. Iri paGulf of Guinea, iri kumusoro chaiko kweequator uye ine vagari vemo vanopfuura mamiriyoni 88.a

Mukati mamakore ebasa maviri apfuura, hofisi yebazu yeNigeria yeWatch Tower Society yakapa ngwariro chaiyo kuvaduku. Nzvero muungano dzeZvapupu zvaJehovha yakaratidza kuti 80 muzana yaavo vakavamba kuparidza mashoko akanaka kuNigeria mukati ma 1992 vakanga vari pakati pamakore ezera 10 ne 20. Vaavo vakabhapatidzwa mukati megore racho, 63 muzana vakanga vari veboka iroro rezera.

Pwere Dzinosvasvavira kuti Dzipayone

Vanhu vaduku vakawanda vari kupinda mubasa rokuparidza renguva yakazara samapiyona. Mumwe piyona anonzi Hannah anoti: “Apo ndakanga ndodokupedza chikoro, ndakashanyira avo vaipinda Chikoro cheBasa roUpiyona, uko ndakasangana nehanzvadzi mbiri dzakwegura. Ndakafunga kwandiri ndimene kuti, ‘Kana vaviri ivavo vachigona kupayona, neiko ini ndisingagoni?’

“Naizvozvo pashure pokunge ndapedza chikoro, ndakava piyona. Mwedzi mitatu gare gare ndakasangana naJosephine ane makore 26 okukura, munamati wejuju. Iye akati: ‘Imi Zvapupu zvaJehovha muri vanhu vakashata. Hamusati muchichengeta Krisimisi kana kushandisa mazango.’ Ndakapindura kuti kana akandibvumira kufunda Bhaibheri naye, aizoziva chikonzero nei tisingashandisi zvinhu izvozvo. Akandikumbira kudzoka. Akakurumidza kuvamba kupinda misangano uye akaita chinjo dzakawanda muupenyu hwake. Muna December 1990 akabhapatidzwa. Kubvira muna August 1991, Josephine ave ari piyona. Apo akapinda Chikoro cheBasa roUpiyona gore rapera, akandisuma kuvomukirasi biyake saamai vake vomudzimu!”

Vhidhiyo neHoro yoUmambo

Imwe yevhidhiyo dzakarekodhwa dzeSosaiti yakabetsera ungano duku kuwana nzvimbo yeHoro yoUmambo. Dzichitsvaka kutenga nzvimbo, hama ina dzakasvika Onojie, mutongi wegamuchidzanwa wenharaunda yacho. Iye akadzipa nzvimbo nokuda kwe 20 000 naira (Z$8 712,50). Ungano yacho yaisagona kubhadhara yakawanda zvakadaro, sezvo makanga muchingova navaparidzi 17 bedzi vokuwanira mari gadziriro yacho. Onojie akati aizofunga pamusoro peimwe nzvimbo.

Mwedzi yakati gare gare, mumwe wavakuru veungano akashanyira panogara Onojie. Onojie akanga achitarira vhidhiyo yakarekodhwa yokugadzwa kwake. Mukuru wacho akati: “Ndine vhidhiyo yandingada kuti muone. Inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name.”

Gare gare, mukuru wacho akabvunza icho Onojie akafunga nezvevhidhiyo yacho. “Ndakatarira firimu yacho kashanu,” akadaro Onojie. Mukuru wacho akayeuchidza Onojie nezveHoro dzoUmambo dzaakanga aona muvhidhiyo yacho ndokutsanangura kuti ungano yomunzvimbomo yaida kuvaka chimwe chinhu chakafanana. Iye ipapo akabvunza kana ungano yaigona kutenga nzvimbo iri pedyo nenzvimbo yayaitova nayo. Onojie akapindura, kuti: “Usiku hwapfuura pashure pokutarira vhidhiyo yacho, ndakafunga nezvechinhu chimwe chetecho.” Ipapo, iye akayera mamita matanhatu enzvimbo iri pedyo nenzvimbo yeungano. “Munogona kuva neiyi,” iye akadaro. “Kureba, munogona kutora yakawanda seyamunoda. Gadzirirai magwaro, uye ini ndichaasaina.”

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamashoko okuwedzera, ona Karenda reZvapupu zvaJehovha ra 1994.

[Bhokisi riri papeji 9]

KUKAMURANISWA Kwenyika

Gore Rebasa ra 1993

CHIVER. CHAPA. CHINOPUPURA: 174 582

RESHIYO: Chapupu 1 ku 507

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 473 245

AVHAREJI YAVAP. MAPIYONA: 19 777

AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 242 028

CHIVER. CHAVAKABHAPATIDZWA: 8 888

CHIVERENGERO CHEUNGANO: 3 289

HOFISI YEBAZU: BENIN CITY, EDO STATE

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe