Onga Basa Rako Rinoyera
KUTI tiwane nharidzano ipi neipi yakafanira, tinofanira kuva vakagadzirira kubhadhara mutengo. Kuva chiremba kunotora makore efundo norusimbiriro, pamwe chete nemari. Mutambi anobudirira wemitambo yokusimbisa muviri akapedza hwakawanda zvikurusa hwoupwere hwake achishanda pamiitiro yakaoma zvikuru nenzira inofambira mberi mukurondwa kusingagumi kwokukwana. Muridzi wepiyano ane unyanzvi anogona nenzira yakafanana kuyeuka makore erovedzo yokuzvipira.
Kune, zvisinei, nharidzano imwe inounza mhindu dzinopfuura zvikuru mutengo upi noupi unofanira kubhadharwa. Chii iyoyo? Iropafadzo yokuva mubatiri woWokumusoro-soro, Jehovha Mwari. Zvatinorega zvipi kana zvipi munguva, mari, kana kuti simba, ropafadzo yokuitira basa dzvene Musiki wedu inounza tuso dzisingaenzaniswi. Mashoko omuapostora Pauro ndeechokwadi: “Kuzvipira kwoumwari kunobetsera nokuda kwezvinhu zvose, sezvo kune chipikirwa choupenyu zvino nouhwo huchauya.” (1 Timotio 4:8, NW) Ngationei kuti ikoko ndokwechokwadi sei.
Apo Tinotanga Kudzidza Pamusoro paMwari
Vakawanda zvikurusa vanogamuchira zvakanaka mashoko akanaka ndokuvamba kufunda Bhaibheri sezvingabvira havazivi ukuru hwechinjo dzichava muupenyu hwavo. Kutanga, mudzidzi mutsva weBhaibheri angarasikirwa neshamwari dzakati dzisingagoni kunzwisisa chikonzero nei asati achabatira pamwe navo muzvirondwa izvo iye zvino anoziva kuva zvinozvidza Mwari. (1 Petro 4:4) Vamwe vangawana chishoro chemhuri uye vangatambudzwa nokuona avo vanoda vachiratidzira kusada, kunyange ruvengo, nokuda kwaJehovha. (Mateo 10:36) Iwoyo unogona kuva mutengo wakaoma kubhadhara.
Kubasa kana kuti kuchikoro, kuchavawo nomutengo wokubhadhara. Mudzidzi mutsva weBhaibheri pashure penguva yakati acharega kugoverana mumapati enyika nokumwe kuchengeta. Haasati achateerera kutaura kusina kuchena kwavashandi biyake kana kuti vokuchikoro biyake, uyewo haasati achizochinjana majee akaipa navo. Panzvimbo pezvo, achaedza kushandisa zano rinowanwa pana VaEfeso 5:3, 4, rinoti: “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.”
Chinjo dzakadaro dzingaita kuti mudzidzi weBhaibheri ave wokunze. Ikoko kunogona kuva kwakaoma, zvikurukuru nokuda kwepwere ichiri pachikoro. Zvavane zororo rimwe pashure perimwe rokugonana naro, pamwe chete nedzidziso dzinorwisana naMwari, dzakadai semhindumupindu, uye dzvinyiriro yenguva dzose yokuwirirana neboka, vaKristu vaduku vanofanira kurwira kutenda nguva dzose. Kutevera nzira dzaMwari kuchavaita vakasiyana uye kungaguma nokunyomba kunobva kuvomukirasi biyavo navadzidzisi. Ikoku kwakaoma zvikuru kugamuchira mukati mamakore ouduku okutapurika, asi tendero yaMwari yakafanira mutengo iwoyo.
Ndizvinoregwa Chaizvoizvo Here?
Zvimwe zvinhu izvo pakutanga zvinoratidzika kuva zvinoregwa zvinova zvikomborero. Vamwe vanofanira kurega kushandisa fodya. (2 VaKorinte 7:1) Ikoku kunogona kuva hondo, asi chikomborero chakadini apo chakaipa ichocho chisingafadzi chinokurirwa pakupedzisira! Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa pamusoro pokukurira kupindwa muropa nemimwe mirimo kana kuti zvinodhaka. Upenyu huri nani zvikuru sei husina tsika dzakadaro dzinoparadza! Vamwe vanofanira kuita kuti nhau dzavo dzomuchato dziruramiswe. Avo vanogara pamwe chete vasina betsero yomuchato vanofanira kuchata kana kuti zvimwe kurega kugara pamwe chete. (VaHebheru 13:4) Avo vanogara nechiverengero chakati chavadzimai vanofanira kuchengeta bedzi mudzimai woupwere hwavo. (Zvirevo 5:18) Gadziridzo dzakadaro dzinobatanidza kurega, asi dzinounza rugare kumusha.
Funga Nezvetuso
Zvamazvirokwazvo, munhu upi noupi anoteerera mitemo yaJehovha anobetserwa zvirokwazvo. Kwenguva yokutanga muupenyu hwake, mudzidzi weBhaibheri anotanga kudana Musiki wake nezita Rake, Jehovha. (Pisarema 83:18) Mudzidzi anosvika pakuda Jehovha sezvo anodzidza pamusoro pezvinhu zvinoshamisa izvo Iye akaita uye achigere kuitira rudzi rwomunhu. Munyika umo kutya vakafa kunozivikanwa navose, anorasikirwa nourwu rutyo rwokutenda mashura, achiziva kuti vakafa vakarara, vachimirira rumuko. (Muparidzi 9:5, 10) Uye inyaradzo yakadini kuziva kuti Jehovha haatambudzi vanhu nokusingaperi muhero! Hungu, zvokwadi inomusunungura chaizvoizvo.—Johane 8:32.
Sezvo mudzidzi wacho anowiriranisa upenyu hwake zvikuru nemipimo yaJehovha, anowana hana yakachena nokuzviremekedza. Kudzidza kurarama somuKristu wechokwadi kunomubetsera kutarisira zviri nani mhuri yake, uko kunounza gutsikano huru nomufaro. Ipapo kune kupindwa kwemisangano paHoro yoUmambo. Ndichinoitika chinofadza zvakadini! Pano pane vanhu vanoshandisa chaizvoizvo rudo rwoushamwari urwo Bhaibheri rinoti runofanira kuzivisa vanhu vaMwari. (Pisarema 133:1; Johane 13:35) Kutaura kwavo kwakachena uye kunovaka sezvavanotaura “zvinhu zvakaisvonaka zvaMwari.” (Mabasa 2:11, NW) Hungu, kusonganirana ne“sangano rose rehama” manyuko omufarwa. (1 Petro 2:17, NW) Ruwadzano rwakaisvonaka rwakadaro runobetsera mudzidzi weBhaibheri ku“pfeka unhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VaEfeso 4:24, NW.
Nhano Yetsauriro
Sezvo munhu anofambira mberi muzivo, pakupedzisira anosundwa nokuda Jehovha kutsaurira upenyu hwake kwaari ndokuratidzira iyi tsauriro kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. (Mateo 28:19, 20) Zano raJesu nderokuti vasati vaita iyi nhano, vadzidzi vake vaverenge ndyiko. (Ruka 14:28) Yeuka, muKristu akazvitsaurira anoisa kuda kwaJehovha pakutanga uye anoramba zvinhu zvenyama. Anoshanda zvakaoma kuti arege “mabasa enyama” ndokusakurira “zvibereko zvomudzimu.” (VaGaratia 5:19-24, NW) Zano rinowanwa pana VaRoma 12:2 zvino rinoita basa rakazara zvikuru muupenyu hwake, rinoti: “Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidzwe muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” Nokudaro, muKristu akazvitsaurira anorarama upenyu hwake nepfungwa yakamutsidzirwa yechinangwa.
Rangarira, kunyanguvezvo, chaanogamuchira. Kutanga, zvino ava muukama hwomunhu oga noMusiki wechisiko chose. Iye anoruramiswa nomurangariro wokuva shamwari yaMwari! (Jakobho 2:23) Nerevo huru zvikuru, anodana Mwari sa“Baba vedu vari kudenga.” (Mateo 6:9) Chimwe chikomborero chaachangobva kuzvitsaurira kuziva kuti upenyu hune chinangwa chaichoicho uye kuti ari kurarama upenyu hwake mutsinhirano nechinangwa ichocho. (Muparidzi 12:13) Achitevera nhungamiro yaJesu, anogona kubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema kupfurikidza nokuramba akatendeka. Ikoko kunounza mufaro wakadini kumwoyo waJehovha!—Zvirevo 27:11.
Chokwadika, sezvo muKristu anotsungirira munzira yokutendeka, kune zvimwe zvokurega zvinofanira kuitwa. Kunoda nguva kupinda mufundo ine revo yomunhu oga neyeungano yeShoko raMwari. (Pisarema 1:1-3; VaHebheru 10:25) Nguva youshumiri hwomumunda inofanira kutengwa mumimwe mibato. (VaEfeso 5:16) Nguva nenhamburiko zvinodikanwawo kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha nokuenda kumagungano azvo nekokorodzano. Kungada kurega zvimwe zvinhu kuti ugoverane mukuwana mari yokutsigira Horo yoUmambo nebasa rokuparidza romunyika yose. Zvisinei, sezvo mamiriyoni avaKristu anogona kupupurira, kutora rutivi nomwoyo wose muzvinhu zvakadaro kunounza mufarwa. Jesu akati: “Mukupa mune mufarwa mukuru kupfuura uri mukugamuchira.”—Mabasa 20:35, NW.
Tuso dzokutsigira basa raJehovha dzinokunda zvikuru ndyiko. Sezvo tinokura muukuru mumudzimu, ushumiri hwedu hunova hunobudirira zvikuru nohunofadza. Zvamazvirokwazvo, hakuna chinhu chinogona kuunza gutsikano huru sokudzidzisa mumwe munhuwo zvake zvokwadi yeBhaibheri nokuona iyeyo achigamuchira kunamatwa kwaJehovha. Uye kana munamati mutsva ari mutezo wemhuri, zvichida mwana akarovedzwa “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha,” ikoko kunounza mufaro chaiwo. (VaEfeso 6:4, NW) Tinogona kuona chikomborero chikuru chaMwari panhamburiko dzedu dzokuva “vabati pamwe chete” vake.—1 VaKorinte 3:9.
Dzimwe TusoDzebasa Rokutendeka
Chokwadi, tichava nezvinetso chero bedzi tsika ino yezvinhu ichipfuurira. Sezvingabvira, zvinetso zvacho zvichava zvakakomba zvikuru sezvo nguva yaDhiabhorosi inopfupika. Tingafanira kutambura chitambudzo kana kuti kutsungirira muedzo. Asi kuziva kuti Mwari anesu kunotinyaradza uye kunotipa simba rokutsungirira. (1 VaKorinte 10:13; 2 Timotio 3:12) Vamwe vaKristu biyedu vakatsungirira makore okubatwa nehasha, asi vanopfuurira nemhaka yokuda kwavo Mwari. Avo vanotsungirira miedzo yamarudzi akasiyana-siyana nokubudirira vanonzwa sezvakaita vaapostora apo vakapurwa uye ipapo kusunungurwa. Mabasa 5:41 inorondedzera, kuti: “Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake.”
Tuso yetsungiriro inokunda zvikuru ndyiko kunyange zvino. Asi yeuka, kuzvipira kwoumwari “kune chipikirwa” kwete bedzi cho“upenyu hwazvino” asiwo cho“uhwo huchauya.” (1 Timotio 4:8, NW) Kariro dzomunhu anotsungirira dzakaisvonaka sei! Kana wakatendeka, uchapukunyuka dambudiko guru iro rinoratidzira mugumo wetsika ino yezvinhu. Kana kuti kana ukafa chinoitika chinokosha ichocho chisati chaitika, uchamutsirwa munyika itsva ichatevera. (Dhanieri 12:1; Johane 11:23-25) Funga nezvokunzwa kwokufara kwauchava nako panguva iyeyo apo unokwanisa kuti: “Nebetsero yaJehovha, ndabudirira!” Kunofadza sei kugara nhaka mugove mupasi iroro, iro ri“chazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.
Hungu, kubatira Mwari kunoda chimwe chinhu. Asi kukaenzaniswa netuso, ndyiko yacho iduku zvikuru. (VaFiripi 3:7, 8) Nemhaka yeizvo zvose Mwari anoitira vabatiri vake zvino uye achaita munguva yemberi, tinodzokorora mashoko owezvamapisarema, anoti: “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?”—Pisarema 116:12.