Chechi Yakakamurwa—Yakashata Sei?
“KUFANANA nemhuri huru neyakatyamadzwa, inogara muimba yekare yasakara ine madziro apamberi awa kamwe kamwe, kunoratidzika kuva kune bopoto riri kuitika muinenge kamuri iri yose—navanokoshesa kuzvipira kuna Jesu vanoridza makandira vanoridzira mhere vane mitezo yevatano mimwe cheteyo vanovatana vakatsvinda veAnglican neKaturike vakapfeka sutu nhema dzesirika.”—The Sunday Times, London, April 11, 1993.
Iyi mhuri iChechi yeEngland. Bopoto racho riri pamusoro pokubvumira vakadzi kuva vaprista. Rondedzero yakajeka yokusanzwana kukuru inoshanda zvakafanana zvikuru kuchiKristudhomu chose. Namadzitateguru eChechi yeOrthodox napapa vanoshurikidza chisarudzo chokubvumira vakadzi kuva vaprista, muuyo wose, mumwe mushumo unogumisa kudaro, ndowokuti “chiroto chokubatanazve norutivi rwose rwasara rwechiKristudhomu chiri kure zvikuru kupfuura nakare kose.”
Chechi Yakakamurwa Sei?
Sezvo tinorava pana Mateo 7:21, Jesu Kristu akataura kuti vakawanda vaizotaura kuti vanomutenda saShe asi vachingokundikana ku‘ita kuda kwaBaba vake.’ Magazini yeMaclean’s inoti: “Varavi vaMateo vanotsvaka ruponeso vangagona kukanganwirwa nokuda kwenyongano pamusoro pokuri zvomenemene kuda kwaMwari, apo vaKristu, uye chechi dzavo, zvinosiyana zvikuru kwazvo panhau yacho.” Pashure penzvero dzakati pavaCanada, yakagumisa kuti kune “mhatsa huru muzvitendero zvavaKristu veCanada nemiitiro—mhatsa huru pakati pemitezo yesangano ripi neripi rinopiwa, kutaura idi, kupfuura pakati pamasangano amene.”
Mukuwirirana neiyi nzvero, 91 muzana yavaKaturike inobvumirana nokushandisa kudzora kubereka kunoitwa navanhu kunyange zvazvo chechi yavo ichikushurikidza; 78 muzana inofunga kuti vakadzi vanofanira kubvumirwa kuva vaprista; uye 41 muzana inobvuma kubvisa pamuviri “mumigariro yakati.” Kusabvumirana mukati mamasangano akasiyana-siyana pa“mibvunzo yakawanda yorudzidziso,” Maclean’s inoti, “kunosimbisa kupesana kunoparadzanisa chechi huru.”
Mipimo Miviri
Mipimo miviri pamwe chete nemipimo inorwisana iripo pamusoro petsika. Vamwe vanoti vanotsigira nheyo dzeBhaibheri, asi vamwe vanodzizvidza. Mutambo we“roorano” wakaitirwa Vakadzi vaviri Vanovatana muMetropolitan Church of Toronto, somuenzaniso, unotsinhirana nokuda kwaMwari here? Vatori rutivi sezviri pachena vakafunga saizvozvo. “Tinoda kuchengeta rudo rwedu pachena uye pamberi paMwari,” ivo vakadaro.
Mumwe munyori wenhau akabvunza kuti kwakanga kwakadaro sei kuti “mumwe bishopi mukuru weKaturike akanga apomerwa apomerwazve, akatamisa vaprista vanovatana navana kuvabatidzikomana vakasiyana.” Muprista Andrew Greeley anokarakadza kuti kuvambira pavaprista 2 000 kusvikira ku 4 000 vangave vakachinya vanyajambwa vaduku 100 000, kazhinji kazhinji nezvishomanene zvakaitwa pamusoro pako.
Chechi isina kubatana inoparira vanhu vasina kubatana. MumaBalkan, va“Kristu” vose vari vaviri veSerbia neveCroatia vanorangarira kuti Kristu anavo muhondo yavo “yakarurama.” Vakawanda vanopfeka zvipiyaniso muhondo; mumwe, kunoshumwa kuti, “nguva dzose aiisa chipiyaniso chake mumuromo make apo kurwa kwaityisa zvikurusa.”
“Pakati Penyu Kurege Kuva Nokupesana”
Chokwadi, Bhaibheri rinosiyira zvimwe zvinhu kuhana, asi ikoku hakusati kuchifanira kusiya nzvimbo yokupesana kwakadaro. Muapostora Pauro anotaura zvakajeka, kuti: “Imi mose mutaure [ndokuita] chinhu chimwe, . . . pakati penyu kurege kuva nokupesana.”—1 VaKorinte 1:10; VaEfeso 4:15, 16.
Kunzvera kwokutendeseka “chiKristu” makore ane zviuru zviviri pashure pokunge muapostora Pauro anyora mashoko iwayo kunomutsa mibvunzo yakakomba zvikuru. Neiko “vaKristu” vakakamurwa kwazvo? Chechi yakakamurwa yakadaro inogona kupukunyuka here? Kuchazombova nechiKristudhomu chakabatana here? Nyaya inotevera icharangarira iyi mibvunzo.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Kuratidzira kunoitwa navaprista mukurwisana nokubvisa pamuviri
[Kwazvakatorwa]
Butiro napamusoro: Eleftherios/Sipa Press