Vanopedza Kufunda veGilead Vanowana “Mufarwa Mukuru Mukupa”
PASVONDO, March 6, 1994, mhuri yeBheteri yapadzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha navashanyi vakaungana nokuda kwenhambo yomutambo—kupedza kufunda kwekirasi yechi 96 yeWatchtower Bible School of Gilead. Mutsinhiro dzake dzesumo, sachigaro wepurogiramu Karl F. Klein, uyo akabatira muMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha kwaanodokusvika makore makumi maviri, akaudza vadzidzi 46, kuti: “Jesu akataura kuti pane mufarwa mukuru mukupa kupfuura uri mukugamuchira. Ndozvakuchaita mumugove wenyu woufundisi—kana mukapa zvikuru, muchafara zvikuru.”—Mabasa 20:35, NW.
Mashoko Eonekano Nezano
Nhevedzano yehurukuro kuvadzidzi yakatevera. Leon Weaver, mumwe mutezo weDare reBato reBasa, akakudziridza musoro unoti “Tsungiriro Inorumbidza Jehovha.” Tose zvedu tinotarisana nemiedzo. (2 VaKorinte 6:3-5) “Apo tinenge tiri mudzvinyiriro,” vakadaro Hama Weaver, “kuri nyore kwazvo kuzvivimba timene.” Zvisinei, vakayeuchidza vadzidzi, kuti: “Chipi kana chipi chamunofanira kutarisana nacho mumiedzo yohunhu, Jehovha anochifarira. Haasati achizotongokubvumirai kuedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira.”—1 VaKorinte 10:13.
“Nguva Dzose Koshesai Mugove Wenyu” ndiwo wakanga uri musoro wehurukuro yakatevera, yakapiwa naLyman Swingle woMutumbi Unodzora. VaIsraeri havana nguva dzose kusarudza kwavaizogara uye chavaizoita. Rudzi rumwe norumwe rwakagoverwa chikamu chenyika, uye vaRevhi vakagoverwa mabasa chaiwo okuita. Nomutoo wakafanana, vakawanda vari mubasa chairo renguva yakazara nhasi—vakadai savafundisi nemitezo yemhuri yeBheteri—havazvisarudziri vamene kwavachagara uye basa ravachaita. Zvakadiniko kana mumwe akava nemirangariro yokusava nechokwadi pamusoro pomugove wake? “Kana mukatarisisa Mumiriri Mukuru wokutenda kwedu, Jesu, uye kusanorangarira muenzaniso wake, hamusati muchizoneta,” vakadaro Hama Swingle.—VaHebheru 12:2, 3.
Leonard Pearson, weDare reWatchtower Farms, akatevera nenhau inoti “Ramba Wakanangidzira Ngwariro.” Iye akati: “Unogona kuva nekamera yakanakisisa, chinhu chakaisvonaka zvikurusa chokutora, mugariro wakanaka, uye uchingowana miuyo yakashata—kana kamera yako isina kunangidzira.” Kufanana nelens rakafara, chiono chedu chinofanira kubatanidza kuparidzira munyika yose kuri kuitwa. Hatifaniri kutongorasikirwa nechiono chomufanikiso mukuru. “Avo vanonangidzira ngwariro pavari vamene vachava vasingafari mumigove yavo,” vakadaro Hama Pearson. “Avo vanonangidzira ngwariro pana Jehovha uye pabasa raakavapa kuti vaite vachabudirira.”
“Zvakawanda Kwazvo Zvokuonga” wakanga uri musoro wehurukuro yakatevera, yakapiwa naJohn E. Barr, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora. “Musatongorasikirwa nomurangariro wenyu wokuonga Jehovha,” Hama Barr vakaraira vadzidzi. “Kumwe kwamanyuko makurusa egutsikano, pasinei zvapo nechiri mugove wamungava nawo.” Chimiro chendangariro chokuonga chakasunda Dhavhidhi kunyora, kuti: “Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.” (Pisarema 16:6) “Mune pfuma inokosha yakadaro mukunzwa muri pedyo naJehovha muupenyu hwenyu hwezuva nezuva,” vakadaro Hama Barr. “Jehovha haasati achizotongokutorerai ukama ihwohwo chero bedzi mukaramba muchihurangarira sechimwe chinhu chinofadza zvikuru chamunoonga nokuda kwacho.”
Murairidzi weGilead Jack Redford ndiye akatevera kutaura, pamusoro, unoti “Uchashandisa Sei Rurimi Rwako?” Kutaura kusina mufungo kunogona kuparira ruparadziko rwakadini! (Zvirevo 18:21) Rurimi runogona sei kudzorwa? “Unofanira kutanga kurovedza ndangariro yako,” vakapindura kudaro Hama Redford, “nemhaka yokuti rurimi runoratidzira ndangariro nomwoyo.” (Mateo 12:34-37) Jesu akagovera muenzaniso wakaisvonaka; iye akashandisa rurimi rwake kurumbidza zita raJehovha. “Nhasi kune nzara yokunzwa mashoko aJehovha,” Hama Redford vakaudza kirasi kudaro. “Munoziva mashoko iwayo. Mune ‘rurimi rwavakadzidziswa.’ Naizvozvo nguva dzose itai kuti rurimi rwenyu rutungamirirwe nendangariro nomwoyo zvakatsaurirwa zvizere kuna Jehovha.”—Isaya 50:4.
Ukoshi hwomunyengetero hwakasimbiswa muhurukuro, yaiti “Uri Kufamba Sapamberi paJehovha Here?” Ulysses Glass, munyori wechikoro, chacho akati: “Kana vamwe baba vakashanda zvakaoma kuti vatsigire mhuri yavo asi vasingatongotauri kwavari uye vasingatongotauri mashoko orudo, mhuri yavo ingasanogumisa kuti vavariro yavo ndeyebasa risingafadzi panzvimbo porudo. Ndozvakwakaita nesu. Tingava vakabatikana mubasa raMwari. Asi kana tisinganyengeteri, ipapo takangozvitsaurira kubasa panzvimbo pokuna Baba vano rudo vokudenga.”
Theodore Jaracz, woMutumbi Unodzora, akataura pamusoro, unoti “Chikonzero Nei Vazhinji Vari Kusonganira Navanhu vaMwari.” Gore rimwe nerimwe mazana ezviuru anodirana kusangano raJehovha. (Zekaria 8:23) Chii chinozivisa Zvapupu zvaJehovha savanhu vaMwari? Kutanga, zvinogamuchira Bhaibheri rose seShoko raMwari. (2 Timotio 3:16) Chechipiri, hazvitori rutivi mune zvamatongerwe enyika. (Johane 17:16) Chechitatu, zvinopupurira zita raMwari. (Johane 17:26) Chechina, zvinoratidzira rudo rwokuzvibaira. (Johane 13:35; 15:13) Neizvi zvipupuriro, tinogona noushingi ‘kuzivisa kwakafara zvakaisvonaka zvouyo akatidana kubuda murima ndokupinda muchiedza chake chinoshamisa.’—1 Petro 2:9.
Pashure peidzi hurukuro dzinonyandura, vadzidzi vose 46 vakagamuchira magwaro. Vakagoverwa kunyika 16 kupota nyika yose.
Purogiramu Yamasikati Ine Mhatsa
Mumasikati Fundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa yakaitiswa naDonald Krebs weDare reBheteri. Ipapo vanopedza kufunda vakapa purogiramu yaiva nomusoro unoti “Uchenjeri Hunoramba Huchidanidzira Zvikuru Mumugwagwa Mumene.” (Zvirevo 1:20) Ivo vakaratidzirazve zvinoitika zvinotusa zvavakanga vava nazvo mose muri muviri mukupupurira mumigwagwa nomunzvimbo dzamabhizimisi. Zvirokwazvo, Jehovha anokomborera avo vanowana ushingi hwokuparidzira namasanga. “Ndinoda kufunga nezvedu samajeko ari mumaoko avacheki vengirozi,” akadaro mumwe akapedza kufunda. “Kana mano edu akapinza zvikuru, ngirozi idzodzo dzinogona kutishandisa kuita basa rakawanda zvikuru.” (Enzanisa naZvakazarurwa 14:6.) Purogiramu yavadzidzi yakabatanidzawo kuratidzirwa kwamasiraidhi kwakaendesa vateereri pachakairo yedzidzo yeBolivia, Malta, uye Taiwan—nhatu dzenyika uko vakapedza kufunda vomukirasi iyi vakatumirwa.
Tevere, Wallace naJane Liverance—vafundisi kwamakore 17—vakabvunzurudzwa. Muna October 1993 vakakokwa kuWatchtower Farms, uko Hama Liverance zvino vanobatira somumwe wavarairidzi veGilead.
Chinoitika chine zviono zvina chakatevera, chaiva nomusoro unoti “Kuremekedza Vakafanirwa Muukweguru Hwavo.” Sezvo vanhu vanokwegura, rutyo rwokuva vasingabatsiri nokusiyiwa runogona kupedza kuzvivimba kwavo. (Pisarema 71:9) Ichi chinoitika chinoorora chakaratidza kuti vose vari muungano vanogona sei kutsigira vakwegura vakatendeka vakadaro.
Pashure porwiyo rwokupfiga nomunyengetero, vose 6 220 vaivapo paJersey City Assembly Hall nehoro duku vakanzwa vazorodzwa. Minyengetero yedu ine vakapedza kufunda mumigove yavo mitsva. Ngavapfuurire kuwana mufaro mukuru zvikuru uyo unobva mukupa.
[Bhokisi riri papeji 26]
Mashoko Ekirasi
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 9
Chiver. chenyika dzakagoverwa kwadziri: 16
Chiverengero chavadzidzi: 46
Avhareji yezera: 33,85
Avhareji yamakore muzvokwadi: 16,6
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 12,2
[Bhokisi riri papeji 27]
Ngwariro Chaiyo Inopiwa kuMalta
CHIKRISTUDHOMU chakanyaradza zvokwadi yeBhaibheri muMalta kwamakore akawanda. Vafundisi veGilead vokupedzisira kutumirwa ikoko, Frederick Smedley naPeter Bridle, vakapedza kufunda mukirasi yechisere shure muna 1947. Zvisinei, vakasungwa ndokudzingwa muMalta chinguvana pashure pokunge vasvika. 1948 Yearbook of Jehovah’s Witnesses inoshuma, kuti: “Ava vafundisi vaviri vakapedza nguva yakawanda mumatare uye navakuru vakuru venyika sezvakaita mukuita mabasa avo oushumiri, nemhaka bedzi yechishoro cheRoman Catholic Hierarchy. Vaprista vanotaura kuti Malta ndeyavaKaturike uye mumwe munhu ari wose anofanira kubuda.” Zvino, makore 45 gare gare, vafundisi vana vomukirasi yechi 96 yeGilead vakagoverwa kuMalta.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 96 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Ehlers, P.; Giese, M.; Sellman, S.; Zusperregui, J.; Rowe, S.; Jackson, K.; Scott, T. (2) Liehr, T.; Garcia, I.; Garcia, J.; Fernández, A.; Davidson, L.; Liidemann, P.; Gibson, L.; Juárez, C. (3) Fouts, C.; Pastrana, G.; Claeson, D.; Fernández, L.; Walls, M.; Dressen, M.; Pastrana, F.; Burks. J. (4) Burks, D.; Scott, S.; Jackson, M.; Mauray, H.; Juárez, L.; Zusperregui, A.; Brorsson, C.; Rowe, C. (5) Sellman, K.; Liidemann, P.; Davidson, C.; Mauray, S.; Walls, D.; Dressen, D.; Schaafsma, G.; Liehr, S. (6) Claeson, T.; Gibson, T.; Giese, C.; Ehlers, D.; Fouts, R.; Schaafsma, S.; Brorsson, L.