RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/15 p. 32
  • “Zvapupu zvaJehovha Zvandidzivirira!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvapupu zvaJehovha Zvandidzivirira!”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/15 p. 32

“Zvapupu zvaJehovha Zvandidzivirira!”

MUKATI maaya mazuva okupedzisira, vakawanda vakazvibvumikisa vamene kuva “vanotyisa, vasina rudo rworunako.” (2 Timotio 3:1, 3, NW) Isaac, mushumiri muzvipira pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muWest Africa, akawana ikoku kuva kwechokwadi. Anorondedzera, kuti:

“Muna January 1992, ndakanga ndichifamba munharaunda yomugwagwa usina dzimwe motokari mutekisi inogoveranwa navamwe vakwiri vashanu. Ndakatanga kurukurirano nomukadzi akanga akagara pedyo neni, uye akagamuchira nomufaro bhurocha rakavakirwa paBhaibheri kwandiri.

“Kamwe kamwe, panenge pa 4 kiroko mumasikati, motokari itsva isina nhamba dzerezenisi yakagura pamberi pedu, uye motokari yedu yakaita ruzha rukuru sezvayakamira. Varume vatatu vakasimba, mumwe nomumwe ane pfuti, vakasvetuka vachibva muimwe motokari ndokuvhura nokukurumidza masuo edu. ‘Budai, mose,’ mumwe wavo akadzvova kudaro.

“Mumwe murume akabvuta bhegi rangu ramabhuku. Apo akaona kuti raiva namabhuku eBhaibheri bedzi, akakandira bhegi racho kure. ‘Uneizve?’ akabvunza kudaro, akanongedzera pfuti yake kwandiri. Ndakakurumidza kumupa mari yaiva muchikwama changu. ‘Ndiyo yose here?’ akabvunza kudaro. Ndakamuudza kuti ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti Zvapupu hazvirevi nhema. Akandibvutira chikwama changu, akaona kadhi rangu rezivikanwo reWatch Tower uye ipapo akati, ‘Zvakanaka, Muchitawara. Mira apa.’

“Tevere, akatendeukira kumukadzi wandakanga ndakurukura naye mutekisi. Akakurumidza kubvisa nekiresi yake ndokumupa mari yaiva muchikwama chake. Apo gororo romumugwagwa rakacherekedza bhurocha raiva muruoko rwake rwaidedera, rakafungidzira kuti taiva pamwe chete, uye naizvozvo rakamuninira kuti agare neni.

“Munguvayi, mamwe makororo ane zvombo akadenha nokurura vafambi biyedu. Vakarova uye kubira muchairi nomumwe murume aifamba nesu. Rimwe gororo rakabata nesimba nekiresi yomukadzi wechipiri. Apo akadzivisa, rakamurova zvinotyisa mumusoro nepachipfuva neshure kwepfuti kusvikira afa. Akazvuzvurudzira kunze kwemotokari mukadzi wechitatu ndokupfura pachipfuva. Nenzira inosuruvarisa, iyewo akafa. Ini bedzi nomukadzi muduku aiva neni takasiiwa tisana kukuvadzwa chose chose.

“Apo takatakurwa gare gare nomumwe muchairi wemotokari aipfuura, mukadzi atyiswa akaramba achidzokorora, ‘Zvapupu zvaJehovha zvandidzivirira!’”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe