RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/15 p. 31
  • Mashoko Akanaka Anobva kuMalawi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanaka Anobva kuMalawi!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/15 p. 31

Mashoko Akanaka Anobva kuMalawi!

PANA November 15, 1993, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania yakanga yanyorwa pamutemo munyika yeAfrica iri kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva yeMalawi. Ikoku kuchapa Zvapupu zvaJehovha zivikanwo yapamutemo uye rusununguko rwokuparidzira zvokwadi dzeBhaibheri kuvanhu veMalawi.

Shure muna 1948, hofisi yebazu yeWatch Tower Society yakatangwa muMalawi kutarisira basa reZvapupu zvaJehovha munyika iyoyo. Pana January 8, 1957, Watch Tower Society yakanyoreswa imomo kwenguva yokutanga. Kwamakore anoverengeka Zvapupu zvaJehovha zvakafarikanya kukura kunokurumidza. Asi chitambudzo chamasimba masimba chakatanga muna 1964. Neiko?

Mukuteerera Mwari, Zvapupu zvaJehovha zvakachengeta kusatora rutivi chaiko mune zvamatongerwe enyika. (Johane 17:16) Sezviri pachena, vamwe havana kunzwisisa ichi chimiro chapaMagwaro uye vakakwenengera Zvapupu sorudzidziso runonyanyisa uye sezvisiri zvapamutemo. Nokudaro, vamwe vainzwa varuramiswa mukutambudza ava vaKristu vanoda rugare. Zvapupu zvakawanda zvakadzingwa pamabasa azvo, zvakarohwa, uye neimwe nzira zvakanyadziswa. Zvimwe zvakaparadzaniswa nechisimba navana vavo.

Muna 1972 Zvapupu zvinopfuura 30 000 navamwe vakanga vachifunda Bhaibheri nazvo vaitofanira kusiya nyika nokuda kwokutyira kurasikirwa noupenyu hwavo. Zviuru zvakagara mumisasa yavapoteri munyika iri pedyo yeMozambique. Asi muna 1975 ava vapoteri vakadzorerwa kuMalawi, uko vaifanira kutarisana nechimwe chitambudzo. Vakawanda vakaiswa mumisasa yechibharo. Pakati peiyi nyongano, Watch Tower Society yakabviswa pandaza yapamutemo yamasangano apamutemo muMalawi. Chibviro chenguva iyeyo Zvapupu zvaJehovha namasangano azvo apamutemo zvave zvakarambidzwa munyika iyoyo.

Pasinei zvapo neizvi zvinoitika zvose, Zvapupu hazvina kutsiva. Hazvina kutongoumba nyongori kana kuti kuita chimurenga mukumukira hurumende. Panzvimbo pezvo, zvakachengeta nokunyengetera musengwa wazvo wechiKristu wokuratidza rukudzo rwakafanira noruremekedzo nokuda kwe“zviremera zvikuru” zvehuremende. (VaRoma 13:1-7, NW; 1 Timotio 2:1, 2) Zvapupu zvakatsigirawo mipimo yakakwirira yokurarama kwechiKristu inooneswa muBhaibheri uye mukuita kudaro zvakapfuurira kugadza muenzaniso wakaisvonaka mumufambiro.

Norusununguko rwazvo ruchangobva kuwanwa, Zvapupu zvaJehovha muMalawi zvakatsunga kupfuurira kuparidzira zvokwadi dzeBhaibheri nekurumidziro, “panguva yakafanira.”—2 Timotio 4:2.

[Mufananidzo uri papeji 31]

M. G. Henschel nemhuri yeBheteri muMalawi muma 1960

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe