Kubvisa Chifukidziro Panyika Isina Kupangurwa Zvizere Yokupedzisira yeAlaska
KWAMAZUVA maviri zvino, vana vedu tatsvikinyidzira mukamuri duku mutaundi rakakurumbira rakaumbwa navanhu vaimhanyira ndarama ichangobva kuwanwa reNome, Alaska. Muna 1898 vanzveri vanopfuura 40 000 vakaungana pano kuti vatsvake chinhu chimwe bedzi—ndarama! Isu, pane rumwe rutivi, tinotsvaka pfuma yakasiana.
Fariro yedu, iri mu“zvinhu zvinodikanwa” izvo zvingagara mumisha iri yoga yeGambell neSavoonga paSt. Lawrence Island, makiromita 300 kumadokero muBering Strait. (Haggai 2:7) Ikoko vaInuit vanoshingirira mvura dzine aizi dzeArctic ndokuvhima mawhale mamaira mashomanene bedzi kubva kune yaichimbova Soviet Union. Asi sinou inovhuvhuta negumbeze gobvu rakacheneruka rebvungapfunga zvinotitapa. Ndege yedu inoramba iri pasi.
Sezvatinomira, ndinorangarira zvinoitika zvamakore mashomanene akapfuura uye ndinoonga Jehovha Mwari nokuda kwechikomborero chake pakupupurira munharaunda dzine misha yakapararira. MuAlaska—iyo inonzi navamwe nyika isina kupangurwa zvizere yokupedzisira yenyika—mune vanhu vakaberekerwamo vanopfuura 60 000 vanogara munzanga dziri kure dzinopfuura 150, vakapararira anodokusvika makiromita anopfuura 1 600 000 akaenzana kumativi mana erenje, asina kubatanidzwa nemigwagwa yorudzi rupi norupi. Kupfurikidza nendege yeWatch Tower Society, takatosvika chinopfuura chikamu chimwe chezvitatu zveiyi misha iri yoga, tichiendesa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwairi.—Enzanisa naMateo 24:14.
Kuti isvike idzi nzvimbo dziri kure, ndege yacho kazhinji kazhinji inofanira kumhara nomumakore nebvungapfunga izvo zvingafukidza nyika yacho kwamazuva. Kana yangomhara bedzi, kune rimwezve bvungapfunga rinofanira kupindwa. Kufanana nechifukidziro, rinoputira ndangariro nemwoyo zvaava vanhu vane mutsa nevane rugare.—Enzanisa na 2 VaKorinte 3:15, 16.
Chinjo Inorwadza
Gwenzi reAlaska rinogarwa navaInuit, vaAleut, uye vaIndia. Vamwe navamwe vaivava vane tsika dzavo vamene namavara zvechienzi kunhaka yavo vamene. Kuti vapukunyuke chando cheArctic, vakadzidza kutarisira nokuchengeta pfuma yenyika kupfurikidza nokuvhima, kuredza, uye kuvhima mawhale.
Pesvedzero yokumwe yakasvika pavari pakati pama 1700. Vatengesi vamakushe veRussia vakawana vanhu vakapfeka matehwe emhuka uye vanonhuhwa mafuta eseal, avo vaigara, kwete mudzimba dzakavakwa neaizi, asi mudzimba dzine rutivi rwuri pasi pevhu dzakavakwa namadzunzwa dzine denga rouswa nemasuwo ari pasi pevhu. Vatengesi vakaunzira ava vanhu vanotaura zvinyoro, vanyoro, bva vakasimba zvinetso zvakakomba zvakawanda, kubatanidza tsika itsva nehosha itsva, izvo zvakaderedza chiverengero chavagari vemo chamamwe marudzi nehafu. Zvinwiwa zvinodhakisa zvakurumidza kuva chituko pavanhu. Mugariro mutsva wezvemari wakagombedzera chinjo kubva muchimiro chokuzvishandira choupenyu kuchiya chemari. Kusvikira kuzuva rino, vamwe vanonzwa kuti, yave iri chinjo inorwadza.
Apo vafundisi vechiKristudhomu vakasvika, chinjo yorumwe rudzi yakamanikidzirwa pavaAlaska vakaberekerwamo. Nepo vamwe vakarega vasingadi miitiro yavo yegamuchidzanwa yorudzidziso—kunamatwa kwemidzimu yemhepo, aizi, bere, gondo, uye zvichingodaro—vamwe vakakudziridza kuvhengana kwemifungo, kuchiguma nokubatanidzwa, kana kuti kunyongana, kwamarudzidziso. Kwose ikoku kwaiwanzoguma nenyumwiro nokusavimba vaenzi. Mushanyi haagamuchirwi nguva dzose mumimwe misha.
Denho iri pamberi pedu, naizvozvo, ndeyokuti, Tichasvika sei vakaberekerwamo vose vakapararira muiyi nyika yose huru isina kupangurwa zvizere? Nyumwiro dzavo dzinogona sei kugumiswa? Chii chatinogona kuita kubvisa chifukidziro chacho?
Nhamburiko Dzapakuvamba Dzokupupurira
Mukuvamba kwama 1960, chiverengero chakati cheZvapupu zvakasimba zveAlaska chakashingirira migariro yokunze yakaipa—mhepo dzinotyisa, kutonhora zvikuru, sinou—ndokubhururutsa ndege dzavo pachavo, dzine injini imwe panzendo dzokuparidzira pakati pemisha yakapararira kuchamhembe. Mukuhwirudzura, idzi hama dzine ushingi dzakanga dziri kuzviratidzira dzimene chaizvoizvo kumwero mukuru wengozi. Kukundikana kweinjini kungadai kwakatungamirira zvamazvirokwazvo kungwavaira. Kunyange kudai kumhara kwakakotsekana kwakanga kuchibvira, izvo zvaizova zviri kure zvikuru nebetsero mukutonhora kukuru uye pasina chokufambisa. Kupukunyuka kwaizotsamira pakuwana zvokudya nepokugara, izvo zvaizoshaikwa. Tinoonga kuti, hapana zvinoitika zvakakomba zvakaitika, asi ngozi dzakadaro dzaisagona kufuratirwa. Naizvozvo hofisi yebazu yeAlaska yeWatch Tower Society haina kukurudzira uyu mutoo.
Kuti dzipfuurire nebasa, hama dzakatendeka muUngano dzeFairbanks neNorth Pole dzakanangidzira nhamburiko dzadzo pamisha mikuru zvikuru, zvakadai seNome, Barrow, uye Kotzebue, iyo inobatirwa nendege dzamakambani. Dzakashandisa mari yadzo dzimene kuenda kuidzi nharaunda, makiromita anopfuuura 720 kuchamhembe nokumadokero. Dzimwe dzakasara muNome kwemwedzi inoverengeka kuti dziitise vanhu vanofarira fundo dzeBhaibheri. MuBarrow imwe furati yakarendwa kugovera utiziro patembericha yokutonhora kukuru kwe -45° C. Mumakore anoverengeka akapfuura, anopfuura Z$120 000 yakashandiswa naavo vanofungisisa murairo waJesu wokuparidzira mashoko akanaka kusvikira kumigumo yapasi.—Marko 13:10.
Betsero Isingakarirwi Inosvika
Kutsvaka nzira yokusvika nayo nzanga dziri dzoga zvikuru kwakapfuurira, uye Jehovha akazarura nzira yacho. Ndege ine injini mbiri yakawanika—chinhu chaicho chaidikanwa kuyambuka zvakakotsekana Alaska Range yakashata. Kune makomo akawanda anopfuura mamita 4 200 muAlaska, uye urengarenga hweMount McKinley (Denali) Yakakurumbira mamita 6 193 pamusoro pemwero wegungwa.
Pakupedzisira, ndege yakasvika. Fungidzira kuodzwa mwoyo kwedu apo ndege yasakara, yacheneruka, ine mavara akawanda yakamhara mukanhandare kendenge. Sezvinobvira yaigona kuva yakafanira kufamba mumhepo here? Taigona kuronzesa upenyu hwehama dzedu kwairi here? Zvakare, ruoko rwaJehovha rwakanga rusina kupfupika. Dzichitungamirirwa navanamakanika vane rezinesi, hama dzinopfuura 200 dzakapa mabasa adzo, dzichipedza zviuru zvinoverengeka zvamaawa kuti dzivandudze ndege yose.
Mufaro wakadini kuona! Ichikwira mumatenga eAlaska, ndege inopenya, yakafanana neitsva ine nhamba 710WT yakashongedzwa pamuswe! Sezvo dzose dziri mbiri nomwe negumi dzichishandiswa muBhaibheri kuratidzira kukwana, 710 angarangarirwa kuva anosimbisa tsigiro iyo sangano raJehovha rakapa kubvisa chifukidziro pamwoyo yakaputirwa murima.
Kudzika Mumudungwe weAleut
Chifo chokugamuchira ndege, takafukidza makiromita 80 000 erenje, tichiendesa mashoko akanaka oUmambo namabhuku eBhaibheri kumisha inopfuura 54. Ikoku kwakaenzana nokuyambuka nyika yeUnited States ka 19!
Katatu takadzika kuAleutian Islands yakareba makiromita 1 600, ayo anoparadzanisa Pacific Ocean neBering Sea. Zvitsuwa zvinopfuura 200 zvinodokuva zvisina miti izvo zvinoita mudungwe wacho musha kwete bedzi kuvakaberekerwamo veAleut asiwo kuzviuru zveshiri dzomugungwa, mabald eagle, uye maemperor geese, ane misoro yakachena sesinou neminhenga yakatsaukana mitema nemichena.
Runako runokwezva rwenzvimbo yacho, zvisinei, harusati ruri rusina ngozi dzarwo. Tichibhururuka pamusoro pegungwa, taigona kuona mafungu amamita 3-5 pamvura ine aizi ine mafuro, aitonhora kwazvo zvokuti kunyange muzhizha munhu anogona kupukunyuka maari kwamaminiti 10 kusvikira ku 15 bedzi. Kana akamanikidzirwa kumhara, zvisarudzo bedzi zvomuchairi wendege ndicho chitsuwa chakashata, chine matombo kana kuti gungwa rinotonhora zvikuru, rinouraya. Tinoonga sei nokuda kwehama dzedu dzine unyanzvi, vanamakanika vakakwaniriswa veA & E (Aircraft and Engines), avo vanozvipira kuchengeta ndege iri mumugariro wakaisvonaka.
Paimwe yenzendo, takaenda kuDutch Harbor nomusha wokuredza weUnalaska. Nzvimbo yacho inozivikanwa nokuda kwemhepo dzayo dzamakiromita 130 kusvikira ku 190 paawa. Nenzira inofadza, kwakanga kwakaterama zvikuru zuva iroro asi kuchiri kuvhuvhuta zvakakwana kutiita kuti tisanzwe zvakanaka kanoverengeka. Ikatyamadzo yakadini apo kanhandare kendege kakaoneka—mugwagwa chete wakacherwa mujinga regomo! Pane rutivi rumwe rwekanhandare kendege pakanga pane mawere eibwe, pane rumwe rwacho, mvura ine aizi yeBering Sea! Apo takamhara, makanga muri mumugwagwa wakanyorova wekanhandare kendege. Kunonaya mazuva anopfuura 200 pagore ikoko.
Wakanga uri mufaro wakadini kukurukura Shoko raMwari nedonzo navagari vemo venharaunda yacho! Vanhu vekare vanoverengeka vakaratidzira kuonga tariro yenyika isina hondo. Vakanga vachine yeuko dzakajeka dzokubhombwa kweDutch Harbor navaJapan mukati meHondo yeNyika II. Yeuko dzedu dzenzendo dzokupupurira dzakadaro hadzikanganwiki zvakaenzana.
Kudziya Kunononoka
Tichinzverazve mugariro wokunze, tinocherekedza kunonoka kukwira mutembiricha. Ikoko kunondiita kuti ndifunge nezvebasa redu munharaunda dzine misha yakapararira. Zvishoma nezvishoma asi nenzira yakatsiga takaona kombamiro yokudziya mumwoyo yavanhu.
Kwakatora nguva kubvisa chifukidziro chenyumwiro nokusavimba izvo vanhu vanazvo kune vokunze. Mukuedza kwedu kwapakuvamba, kwakanga kusati kuri kusingazivikanwi navose kuti vatungamiriri vechechi yomumusha vasangane nendege, kubvunza donzo reshanyo yedu, uye ipapo kutikumbira kamwe kamwe kuenda. Kugamuchirwa kwakadaro, chokwadika, kwakanga kuchiodza mwoyo. Asi takayeuka zano raJesu rinowanwa pana Mateo 10:16, rinoti: “Chenjerai senyoka, mururame senjiva.” Naizvozvo takadzoka nendege yakazara neretisi, madomasi, macantaloupe, uye zvimwe zvinhu zvimbishi zvisingawaniki nyore munzvimbomo. Vagari vemo vaichimbova vane utsinye zvino vakafadzwa nokuona zvinhu zvedu.
Nepo hama imwe yaitarisira “chitoro,” ichigamuchira mipiro yezvinhu zvimbishi, vamwe vanoverengeka vakaenda pasuo nesuo, vachizivisa vanasaimba nezvokusvika kwezvinhu zvimbishi. Pamasuo vaibvunzawo, kuti: “Haiwa, gara zviya, muri muravi weBhaibheri here? Ndinoziva kuti muchafarikanya iyi yamuro yefundo yeBhaibheri inoratidza kuti Mwari akatipikira paradhiso.” Ndiani aigona kuramba chikarakadzo chinokwezva chakadaro? Munhu ari wose akaonga zvokudya zvokunyama pamwe chete nezvomudzimu. Kugamuchirwa kwacho kwakanga kuchifadza, mabhuku akawanda akagoverwa, uye mwoyo mishomanene yakadziiswa.
Kuyambuka Muganhu
Mhiri muYukon Territory, Whitehorse Ungano yakatambanudzira kwatiri kokero ye“Makedhonia” yoku“yambukira” muCanada kuti tishanyire dzimwe dzenharaunda dziri muNorthwest Territories iri kure. (Mabasa 16:9) Vashanu vedu vakanga vakakwira sezvo takaenda kuTuktoyaktuk, musha uri pedyo neMackenzie Bay paBeaufort Sea, kuchamhembe kweArctic Circle.
‘Munodudza sei iri zita rechienzi?’ taishamisika sezvatakasvika.
“Tuk,” rimwe jaya rakapindura kudaro richinyemwerera zvikuru.
“Neiko tisina kufunga nezvaikoko?” takashamisika.
Takashamiswa nokuwana kuti vanhu veTuktoyaktuk vakanga vakasanorovedzana naMagwaro. Somuuyo, takava nekurukurirano dzakawanda dzoushamwari, uye mabhuku akawanda akagoverwa. Mumwe wamapiona edu maduku akava nekurukurirano inofadza nomumwe saimba.
“Ndiri muAngirikeni!” akadaro saimba wacho.
“Munoziva here kuti Chechi yeAngirikeni inotendera vatano yavane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo?” piona wedu akabvunza kudaro.
“Inodaro?” murume wacho akataura achizengurira. “Eya, ipapoka, handichisiri muAngirikeni.” Nenzira ine tariro, mumwe munhu akanga ari kuita kuti mwoyo wake uzarurirwe mashoko akanaka eBhaibheri.—VaEfeso 1:18.
Mumwe wekare akaororwa nokutsunga kwedu kusvika musha uri wose munharaunda yacho. Kazhinji kazhinji taifanira kuita basa redu rose tichifamba. Kazhinji kazhinji taifamba kiromita rimwe kana kuti kupfuura kubva pakanhandare kendege kuti tisvike kumusha. Ipapo, kuti tisvike musha mumwe nomumwe, taifanira kutamburira kufamba munzira dzine jecha kana kuti dzine madhaka. Murume wacho akatikweretesa karori kake, uye chakanga chiri chikomborero chakadini! Kuyambuka muganho uye kubetsera mundima yeCanada yakanga iri ropafadzo yakaisvonaka.
Kwakakufanirwa Here?
Apo mugariro wokunze unenge wakashata uye tichipererwa nezano rose kana kuti kunonotswa kusvikira kunguva isingazivikanwi, sezvatiri zvino, kana kuti apo zuva refu rokupupurira rinoratidzika kuva risina kuunza chinhu kunze kwokusafarirwa kana kuti kunyange utsinye, ipapo tinovamba kushamisika kana kwakafanirwa nenguva yose, simba, uye ndyiko. Tingafunga nezvavanhu vanoratidzika kuva vanoratidza fariro ndokuvimbisa kufunda Bhaibheri kupfurikidza netsamba asi vanokundikana kuita saizvozvo. Ipapo tinoyeuka kuti haisati iri tsika yavanhu vakawanda vakaberekerwamo kunyora tsamba, uye ushamwari hunogona kusatana kunzi kufarira shoko reBhaibheri. Padzimwe nguva kunoratidzika kuva kwakaoma kwazvo kuyera budiriro.
Iyi mifungo yakaipa inokurumidza kuparara apo tinoyeuka zvinoitika zvakanaka zvavamwe vaparidzi voUmambo. Somuenzaniso, chimwe Chapupu chokuFairbanks chakaparidzira mumusha weBarrow kure kuchamhembe. Ikoko chakasangana nowechiduku uyo akanga ari pamusha achibva kukoreji kuCalifornia. Hanzvadzi yacho yakapfuuridzira fariro yacho kupfurikidza netsamba uye yakapfuurira kukurudzira musikana wacho kunyange pashure pokunge adzokera kukoreji. Nhasi, mukadzi muduku mubatiri anofara, akabhapatidzwa waJehovha.
Kugogodza pasuo kunodzongonyedza kufunga kwangu pamusoro pezvinoitika izvozvi uye kunopa chimwezve chibvumikiso chokuti kwose kwakakufanirwa. Pasuo apo pakamira Elmer, kusvikira pari zvino Chapupu bedzi cheInuit chakazvitsaurira, chakabhapatidzwa muNome.
“Kana mukabuda, ndingaenda nemi here?” akabvunza kudaro. Achigara ari oga uye makiromita anopfuura 800 kubva paungano iri pedyosa, anoda kugoverana muushumiri nehama dzake apo anenge ane banza racho.
Mwaranzi yezuva inovamba kubuda mumakore, uye tinoziva kuti tichakurumidza kugamuchira tendero yokuenda. Sezvo Elmer anokwira mundege, tinofadzwa nechiso chake chinofara, chinonyemwerera. Iri izuva chairo nokuda kwaElmer. Ari kuenda nesu kumusha kwedu kwatiri kuenda kundoparidzira kuvanhu vake amene veInuit, achitikumbanira mukuedza kwedu kubvisa chifukidziro pamwoyo yaavo vanogara munyika isina kupangurwa zvizere yenyika.—Yakagoverwa.
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
1. Gambell
2. Savoonga
3. Nome
4. Kotzebue
5. Barrow
6. Tuktoyaktuk
7. Fairbanks
8. Anchorage
9. Unalaska
10. Dutch Harbor
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kusvika nzanga dziri dzoga, kazhinji kazhinji kuri madikanwa kuyambuka madungwerungwe akawanda eAlaska
[Mufananidzo uri papeji 25]
Betty Haws, Sophie Mezak, uye Carrie Teeples vane hwerengedzo yakabatanidzwa yamakore anopfuura 30 mubasa renguva yakazara