RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/1 p. 8
  • Zvokwadi yeBhaibheri Inobatanidza Mhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokwadi yeBhaibheri Inobatanidza Mhuri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Akasimbiswa noMutumwa Akabva Kuna Mwari
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Mwari Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/1 p. 8

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Zvokwadi yeBhaibheri Inobatanidza Mhuri

NHASI, mumativi akawanda enyika, chinzwano chemhuri chinodokuva chinhu chomunguva yakapfuura. Zvisinei, Bhaibheri rinozivisa chinodikanwa kuwana chinzwano chemhuri. Rangarira mashoko aJesu, okuti: “Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita, ungafananidzwa nomurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.” (Mateo 7:24) Zviuru zvemhuri pakati peZvapupu zvaJehovha zvakawana chinzwano kupfurikidza nokushandisa aya mashoko uye kupfurikidza nokushandisa Bhaibheri sohwaro hwokuvaka mhuri yakasanobatana. Vamwe vari kuwanawo chinzwano chakadaro, sokuratidza kunoita chinoitika chinotevera.

Apo Daniel akanga achibatira muhondo muFrance, muprista wokuhondo akakarakadza kuti Daniel atenge Bhaibheri, kuri kwaakaita, uye akatanga kurirava nguva dzose. Pakupedzisira akachinjirwa kuTahiti. Vamwe vavarwi biyake vaDaniel vaiva vaAdventist, uye vamwe vaiva vaMormon. Kurukurirano dzavo kazhinji kazhinji dzaitendeukira kunhau yorudzidziso. Rimwe zuva sajeni mukuru akasuma Daniel kumudzimai wake, uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akapedza masikati ose achipindura mibvunzo yakawanda yaDaniel uye akamuita kuti aonane neimwe yeungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha muTahiti. Nokukurumidza akavamba fundo yeBhaibheri yenguva dzose.

Vabereki vaDaniel shure muFrance vaiva vaKaturike vapachokwadi zvikuru. Baba vake vaiva mupi wezano wechikoro uye vaitarisira muraidzo worudzidziso pachikoro cheKaturike. Achida kugoverana navabereki vake zvimwe zvezvinokosha zvomudzimu zvaakanga achidzidza, Daniel pashoma napashoma akavamba kubatanidza mifungo mishomanene yeBhaibheri mutsamba dzake kwavari.

Pakutanga mai vaDaniel vakafadzwa, asi ipapo vakakatyamadzwa kuwana zita rokuti Jehovha muimwe yetsamba dzomwanakomana wavo. Mazuva mashomanene gare gare, vakanzwa purogiramu yenhepfenyuro iyo yakaratidza Zvapupu zvaJehovha se“sekete rine ngozi.” Vakanyorera Daniel, vachimukumbira kugura batano yose neZvapupu nokukurumidza. Zvisinei, Daniel akapfuurira kuita fambiro mberi mufundo yake yeBhaibheri uye nokukurumidza akaita gadziriro dzokusiya hondo ndokudzoka kuFrance.

Nokukurumidza apo akanga ava kumusha zvakare, Daniel akapedza manheru mamwe namamwe—pane dzimwe nguva kusvikira usiku chaihwo—ari mukurukurirano refu dzeBhaibheri namai vake. Pakupedzisira vakabvuma kuperekedza Daniel kuHoro yoUmambo. Apo vakapinda musangano wavo wokutanga, vakaororwa kwazvo zvokuti vakavamba kuva nefundo yeBhaibheri yavo vamene yenguva dzose. Vakaita fambiro mberi yokukurumidza uye vakakurumidza kubhapatidzwa.

Baba vaDaniel vaiva murume anoshivirira asi akazvitsaurira zvikuru kumibato yake yebasa neyorudzidziso. Zvisinei, pane imwe nhambo vakaendesa mudzimai wavo naDaniel nemotokari kukukorodzano yoruwa. Aiva July 14, uye vakanga vachirangarira kuona kuratidzwa kweBastille Day muguta. Apo vakanga vachimirira vakasarudza, nemhaka yokudisa kuziva, kutarisa mukati mehoro yekokorodzano. Vakaororwa nenhevedzano norugare zvavakaona pakati pavanhu vaJehovha, uye sezvo vakafamba mumapato akasiana-siana ekokorodzano munhu ari wose akaramba achivadaidza kuti “hama.” Vakakanganwa zvose pamusoro pokuratidzwa kweBastille Day uye vakagara kusvikira kumugumo wekokorodzano. Vakakumbira fundo yeBhaibheri uye vakaita fambiro mberi yokukurumidza mukudzidza zvokwadi. Zvisinei, apo vakadzidza zvakawanda zvikuru, vakavamba kunzwa vasina kusununguka zvikuru mubasa ravo, naizvozvo pazera ramakore 58, vakasiya basa ravo. Zvino vose vatatu mumhuri vakazvitsaurira nokubhapatidzwa uye vari kubatira Jehovha vakabatana pamwe chete.

Yaiva zvokwadi yeBhaibheri yakabatanidza mhuri yaDaniel. Inogonawo kubatanidza dzimwe mhuri kana dzikadzidza ndokuishandisa nomwoyo wose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe