RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/1 p. 3
  • Nyika Iri Nani—Chiroto Chete Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Iri Nani—Chiroto Chete Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Iri Nani—Yava Pedyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zviroto Zvinogona Kufanotaura Ramangwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Zviroto Mashoko Anobva Kuna Mwari Here?
    Mukai!—2001
  • Upenyu Huri Nani—Nokukurumidza!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/1 p. 3

Nyika Iri Nani—Chiroto Chete Here?

KUDAI wakanga wave uri muteveri wechiMazda sechaiparidzirwa nomuporofita weIran Zoroaster, ungadai wakamirira zuva umo pasi raizodzoka kurunako rwaro rwapakuvamba. Kudai wakanga wagara muGirisi yakare, zvichida ungadai wakarota uchisvika kuFortunate Isles dzinofadza kana kuti uchiona kudzoka kweNhambo Yakaisvonaka yakarondedzerwa nomudetembedzi Hesiod muzana ramakore rechisere P.N.V. MuIndia weGuaraní muSouth America angave achiri kutsvaka Nyika Isina Zvakaipa. Uchirarama munguva yedu, zvichida unokarira kuti nyika ichavandudzika nemhaka youzivi hwakati hwezvamatongerwe enyika kana kuti somuuyo wokuziva zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo kwomuzuva razvino uno.

Nhambo Yakaisvonaka, Fortunate Isles, Nyika Isina Zvakaipa—iwaya ari pakati pamazita akawanda anoshandiswa kurondedzera chishuvo chimwe chetecho, tariro yenyika iri nani.

Nyika ino, nyika yedu, zvamazvirokwazvo haisati iri nzvimbo yakanaka. Nenzira inowedzera utsotsi hwoutsinye, hondo dzokuuraya hama dzokunyama dzamasimba masimba asina muenzaniso, kuurawa kwedzinza rose, kusaitira hanya kutambura kwavamwe, urombo nenzara, kushaikwa kwamabasa uye kushaikwa kwokubatana, zvinetso zvezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo, zvirwere zvisingarapiki zvinotambudza mamirioni—ndaza yenhamo dzazvino uno inoratidzika kuva isingagumi. Achifunga nezvehondo dziri kurwiwa zvino, mumwe munyori wenhau weItaly akati: “Mubvunzo unomuka nenzira yomuzvarirwo ndowokuti utsinye hausi murangariro wakasimba zvikurusa wenguva yedu here.” Uchirangarira mugariro wacho, unofunga kuti ndokwechokwadi here kushuva chimwe chinhu chakasiana, chimwe chinhu chiri nani? Kana kuti chishuvo chakadaro kungopanga chete Utopia here, chiroto chisati chichizotongoitika? Tinorarama muyakanakisisa yenyika dzose dzinobvira here?

Izvozvi hazvisati zviri zvokuitira hanya zvitsva. Kwamazana amakore vanhu vave vachirota nyika umo tsinhirano, ruramisiro, budiriro, uye rudo zvaizotekeshera. Pashure penguva yakati, chiverengero chakati chavazivi chakarondedzera mifungo yavo yeNyika dzakanaka, nyika dziri nani. Asi, nenzira inosuruvarisa, havana kutongokwanisa kutsanangura nzira yokuita nayo kuti dzishande.

Iyi ndaza yave iripo kwamazana amakore yezviroto, maUtopia, uye zvishuvo zvavanhu zvenzanga iri nani inogona kutidzidzisa chinhu chipi nechipi here?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Iyi ndiyo yakanakisisa yenyika dzose dzinobvira here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe