“Inopfuura Guta Rakasimba”
“PAMWERO yazvino uno, inenge 40% yavana veUnited States ichapupurira kuputsika kweroorano dzavabereki vavo vasati vasvika makore 18.” (Science, June 7, 1991) Chiverengero chinotyisa zvakadini! Neiko ikoku kuchiitika?
Mutongi womudare remhuri naanobvumikisa zvido zvenhaka Edward M. Ginsburg, mubvunzurudzo neThe Boston Globe, akapa murangariro wake. Akati: “Tiri chaunga chine udyire. Tinoda nokuda ‘kwangu.’ Tinobvunza kuti, ‘Chii chiri makuri nokuda kwangu zvino?’ Tinoda gutsikano yapakarepo.”
Udyire hwouhwana hwakadaro hunotitungamirira kukukasharara nokubonderana muroorano. Mutongi Ginsburg anotaura kuti apo varoorani vanosvika pakupedzisira dare rechatanuro, murume nomudzimai vanoda reverero. Vanoda mumwe munhu kuvaudza kuti vakarurama uye kuti mukwanyina wavo haana kururama. Vanoda kuti mumwe munhu ati: “Mawina hondo yacho.”
Mashoko ake anotiyeuchidza nezvechirevo chakafuridzirwa: “Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba.” (Zvirevo 18:19) Hungu, apo gakava rinovamba kamwe kamwe muroorano, mativi anorwa anogona kuva asina mufungo uye akaoma. Kazhinji kazhinji, anoramba zvakasimba kutera, kufanana ne“guta rakasimba” riri kukombwa.
Zvinhu zvinofanira kuva zvakadaro here? Aiwa, pane chimwe. Roorano dzakasimba uye dzinotsungirira apo mativi ose ari maviri, kubva pakuvamba chaipo, anoteerera mashoko omuapostora Pauro: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.” (VaEfeso 4:32) Kuri nyore here kusakurira mavara akadaro? Kwete nguva dzose. Asi chatanuro yakapfava sei? Inorwadza sei mitoro yepfungwa neyemari yeroorano yakaputsika? Uye zvakadini nezvavana, avo kazhinji kazhinji vanotakura mavanga echatanuro yavabereki vavo kupinda muupenyu hwomukuru?
Kuri nani zvikuru nokuda kwavakwanyina vose vari vaviri kushanda kuchengeta roorano uye kwete kuva vasingabvumirani nomumwe nomumwe, kufanana ne“guta rakasimba.” Zano raPauro kumaKristu rinoshanda zvikurukuru kuvanhu vakaroorana: “Fukai rudo ndicho chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:14.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck