Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Mwari akanyevera Kaini kuti ‘chivi chakanga chichivandira pamukova uye iye akanga achidiwa nacho,’ uko kunoratidzika kuva kunonongedzera kuchikara nanyajambwa wacho. (Genesi 4:7) Nei mutauro iwoyo waizoshandiswa kana pamberi paMafashamo, mhuka dzaidya mirivo bedzi?
Mumabhuku akanyorwa naMosesi, tinowana chiverengero chakati chendima icho chinoratidzira maidi kana kuti zvinoitika zvenhau izvo zvingaratidzika kuva zvisingakodzeri nomutoo wechienzi mugariro wazvo wenhau.
Somuenzaniso, nhauro iri pana Genesi 2:10-14 inopa udzame hwomugariro wapasi pamusoro pebindu reEdheni. Mosesi akanyora kuti rwizi rumwe rwakanga rwuri “runoyerera kumabvazuva kweAsiria.” Asi nyika yeAsiria yakawana zita rayo kubva kuna Ashuri, mwanakomana waShemi akaberekwa pashure paMafashamo. (Genesi 10:8-11, 22; Ezekieri 27:23; Mika 5:6) Sezviri pachena, munhauro yake yakarurama, yakafuridzirwa, Mosesi akangoshandisa zvake shoko rokuti “Asiria” kunongedzera kunharaunda yakanga yakarovedzeka kuvaravi vake.
Rangarira mumwe muenzaniso unobva mumaganhuro apakuvamba aGenesi. Pashure pokunge Adhama naEvha vatadza uye vadzingwa mubindu, Jehovha akavadzivisa kudzokera. Seiko? Genesi 3:24 inoti: “Akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.” Cherechedza, “murazvo womunondo.” Ko Mwari akagadzira minondo here?
Hatifaniri kugumisa kuti Musiki wedu ane rudo ndiye akanga ari wokutanga kugadzira izvo tinoziva seminondo. Adhama naEvha vakaona chichitenderera pamberi pengirozi chimwe chinhu chaipenya. Chaiva chii chaizvoizvo? Pakasvika nguva yakanyora Mosesi bhuku raGenesi, minondo yaisanozivikanwa nokushandiswa muhondo. (Genesi 31:26; 34:26; 48:22; Eksodho 5:21; 17:13) Naizvozvo mashoko aMosesi “murazvo womunondo” akagonesa varavi vake kuisa muchiono kusvikira kumwero wakati chaivapo pamukova weEdheni. Mashoko aizivikanwa muzuva raMosesi akagovera kukunzwisiswa kwezvinhu zvakadaro. Uye mutauro uyo Mosesi akashandisa unofanira kuva wakanga wakarurama, nokuti Jehovha akaita kuti ubatanidzwe muBhaibheri.—2 Timotio 3:16.
Zvino zvakadini nezvaGenesi 4:7? Ipapo Mwari akanyevera Kaini: “Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” Sezvacherechedzwa, mutauro wacho unoratidzika kuva unoratidzira mufananidzo wechikara chine nzara chakavanda kuti chisvetuke ndokuparadza nyajambwa.
Kunyanguvezvo, ufakazi huri muBhaibheri hunonongedzera kukuva kwaAdhama naEvha norugare nemhuka dzose. Zvimwe zvezvisikwa zvingave zvaifara zvikuru zvine vanhu, kunyange kubetserwa nokuva pedyo. Zvimwe zvaiva zvikara, mhuka idzo nomusikirwo dzaitsvaka pokugara kure navanhu. (Genesi 1:25, 30; 2:19) Bva, Bhaibheri harikarakadzi kuti dzipi nedzipi dzemhuka dzaidya dzimwe mhuka kana kuti vanhu. Pakuvamba, Mwari nomutoo wakananga akagovera mirivo sezvokudya zvezvose zviri zviviri mhuka navanhu. (Genesi 1:29, 30; 7:14-16) Ikoko hakuna kuchinja kusvikira pashure paMafashamo, seizvo Genesi 9:2-5 inoratidzira.
Zvakadini, ipapoka, nezvenyevero yaMwari kuna Kaini, sezvatinorava pana Genesi 4:7? Zvamazvirokwazvo mufananidzo wechikara chine utsinye zvimwe chakavanda uye chakagadzirira kusvetukira pana nyajambwa waizonzwisiswa nomutoo uri nyore muzuva raMosesi, uye tinounzwisisawo. Naizvozvo, zvakare, Mosesi angave aishandisa mutauro wakawiriraniswa navaravi vakarovedzana nenyika yapashure paMafashamo. Uye kunyange kudai Kaini akanga asina kutongoona chisikwa chakadaro, angadai akakwanisa kuwana pfundo renyevero rakafananidza chishuvo chokutadza chaiva maari nechikara chine nzara, chine makaro.
Mativi makuru anofanira kuva netapuro huru patiri ndeaya: Mutsa waMwari mukunyevera Kaini, ukoshi hwokugamuchira zano nokuzvininipisa, kusatana kuipisa munhu kunogona kuita shanje, uye kurangarira zvakakomba kwatinofanira kuita dzimwe nyevero dzoumwari idzo Mwari akaisa muMagwaro nokuda kwedu.—Eksodho 18:20; Muparidzi 12:12; Ezekieri 3:17-21; 1 VaKorinte 10:11; VaHebheru 12:11; Jakobho 1:14, 15; Judhasi 7, 11.