Hondo Hadzidzivisiki Here?
HONDO rutivi runoodza mwoyo rwenhau. Mishumo iyoyo yenhau youtsinye pasina panikiro inokukangaidza. Asi zvichida iyo inokuitawo kuti ushamisike chikonzero nei zvombo zvichifanira kuva zvinopedza kakavadzano dzakawanda kwazvo. Ko vanhu havasati vachizotongodzidza kurarama murugare here?
Mushonga wedambudziko rehondo unoratidzika kuva unonzvenga zvikuru kupfuura mushonga weAIDS. Mukati mezana ramakore rechi 20, marudzi ose akaunganidzwa nokuda kwehondo, mamirioni avarume akakandirwa muhondo, uye mazana amaguta akaparadzwa. Hakuna mugumo kukuuraya vanhu vakawanda unoratidzika kuva unooneka. Kutengeserana zvombo kunobhadhara kunovimbisa kuti hondo dzenyika—uye magandanga—zvichapfuurira kuva zvinobudirira nenzira inotyisa.
Sezvo zvombo zvehondo zvakava zvinouraya zvikuru, zviverengero zvakaurawa kana kuti zvakakuvadzwa zvakawedzera zvikuru. Inopfuura hafu yavarwi vane mamirioni 65 avo vakarwa muHondo yeNyika I vakaurawa kana kuti vakakuvadzwa. Makore 30 gare gare, mabhomba maviri chete eatomu akauraya upenyu hwavasiri varwi vechiJapan vanopfuura 150 000. Chifo cheHondo yeNyika II, rwisano dzave dziri dzomunzvimbomo zvikuru. Kunyanguvezvo, idzo dzinouraya, zvikurukuru nokuda kwavasiri varwi, avo zvino vanoumba 80 muzana yavanourawa kana kuti vanokuvadzwa.
Nenzira inosetsa, uku kuuraya kukuru kwakaitika mukati mezera rakaona nhamburiko dzisina muenzaniso dzokurambidza hondo senzira yokupedza nayo kakavadzano pakati pamarudzi. Nomugumo wemisi ichangobva kupfuura iyi woUtsinye Hwakakomba Pakati paMarudzi, tariro dzakanga dzakakwira dzokuti nhevedzo yenyika itsva, ine rugare yaizooneka. Zvisinei, rugare rwenyika yose rwunoramba rwuchizvenga senguva dzose. Neiko?
Ndichinodikanwa Choupenyu Here?
Vamwe vezvenhau navanodzidza madzinza avanhu vanotaura kuti hondo hadzidzivisiki—kunyange kuti dziri madikanwa—nemhaka bedzi yokuti idzo rutivi rweparapatiko yokuchinja nokuda kwokupukunyuka. Apesvedzerwa nokufunga kwakadaro, mukamuranisi wezvehondo Friedrich von Bernhardi akaita nharo muna 1914 kuti hondo inorwiwa “nokuda kwefambiro mberi youpenyu, yenzanga uye yetsika.” Rondedzero yacho yakanga iri yokuti hondo inzira yokubvisa nayo vanhu kana kuti marudzi asina simba, ichisiya vakasimba zvikurusa.
Nharo dzakadaro hadzisati dzaizotongonyaradza mamirioni echirikadzi nenherera dzehondo. Kunze kwokuva kunonyangadza mutsika, kufunga ikoku kunofuratira zvomene dzakashata dzehondo dzazvino uno. Chigwagwagwa hachiremekedzi vakasimba zvikurusa, uye bhomba rinoparadza vakasimba pamwe chete navasina kusimba.
Achifuratira zvidzidzo zvakakomba zvehondo yenyika yokutanga, Adolf Hitler akarota kuita dzinza guru kupfurikidza norukundo rwehondo. Mubhuku rake Mein Kampf, iye akanyora, kuti: “Rudzi rwomunhu rwakura murwisano isingagumi, uye rwunoparara murugare rwusingagumi bedzi. . . . Vakasimba zvikuru vanofanira kudzora ndizvo kwete kubatana navasina kusimba zvikuru.” Panzvimbo pokusimudzira rudzi rwomunhu, kunyanguvezvo, Hitler akabaira mamirioni oupenyu uye akaparadza nyika yose.
Bva, kana hondo isiri chinodikanwa choupenyu, chii chinosunda rudzi rwomunhu kukuzviparadza? Masimbai anomanikidzira marudzi kupinda muiri “basa ravakashata”?a Runotevera rudungwe rwezvinhu zvakati zvikuru zvinodzivisa nhamburiko dzakanakisisa dzavawadzanisi.
Zvisakiso Zvehondo
Urudzi. Huchiwanzonyandurwa navezvamatongerwe enyika navatungamiriri vehondo, urudzi ndirimwe ramasimba ane simba zvikurusa mukusimudzira hondo. Hondo dzakawanda dzakatangwa kudzivirira “fariro dzorudzi” kana kuti kudzivirira “rukudzo rworudzi.” Apo murangariro wenyika yangu wakarurama kana kuti usakarurama unokurira, kunyange denho yakashata inogona kutsanangurwa sechiito chokudzivisa.
Ruvengo rwedzinza. Hondo dzakawanda dzomunharaunda dzinotangwa uye ipapo kukurudzirwa noruvengo rwenguva refu pakati pamadzinza, marudzi, uye mapoka amarudzi. Hondo dzavagari vemo dzine ngwavaira muyaichimbova Yugoslavia, muLiberia, uye muSomalia mienzaniso yemisi ichangobva kupfuura.
Makwikwi ezvemari neehondo. Mumazuva aiva norugare nechokunze pamberi peHondo yeNyika I, masimba eEurope akavaka zvomenemene hondo huru. Germany neGreat Britain dzakabatanidzwa mumakundano okuvaka ngarava dzehondo. Sezvo rudzi rukuru rumwe norumwe urwo pakupedzisira rwakava rwunobatanidzwa mukuuraya vanhu vakawanda rwakadavira kuti hondo yaizowedzera simba rayo ndokuunza mhindu yebetsero dzemari, migariro yakanga yagadzirira nokuda kwerwisano.
Rwisano dzorudzidziso. Zvikurukuru apo inosimbiswa namapoka edzinza, misiano yorudzidziso inogona kuparira muvhenganiswa wezviito zvamasimba masimba. Rwisano muLebanon neNorthern Ireland, pamwe chete nehondo pakati peIndia neParkistan, dzakadzikwa muruvengo rworudzidziso.
Mupariri wehondo asingaoneki. Bhaibheri rinozivisa kuti “mwari wetsika ino yezvinhu,” Satani Dhiabhorosi, zvino anoshingaira zvikuru kupfuura nakare kose. (2 VaKorinte 4:4, NW) Azadzwa nehasha huru uye achingova bedzi ne“nhambo pfupi yenguva,” iye ari kunyandura migariro, kubatanidza hondo, izvo zvinoipisa zvikuru mugariro une ngwavaira wapasi.—Zvakazarurwa 12:12, NW.
Izvi zvisakiso zvikuru zvehondo hazvisi nyore kubvisa. Anopfuura makore 2 000 apfuura, Plato akataura kuti “vakafa bedzi vakaona mugumo wehondo.” Ko kurangarira kwake kusingafadzi izvokwadi yakashata yatinofanira kudzidza kugamuchira here? Kana kuti tine here chikonzero chokukarira kuti rimwe zuva kuchava nenyika isina hondo?
[Mashoko Omuzasi]
a Akanga ari Napoléon akarondedzera hondo se“basa ravakashata.” Apedza uzhinjisa hwoupenyu hwake hwomukuru ari muhondo uye anodokusvika makore 20 somutungamiriri mukurusa wehondo, iye akawana zvakananga zvakashata zvehondo.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Butiro: John Singer Sargent’s painting Gassed (detail), Imperial War Museum, London
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Instituto Municipal de Historia, Barcelona