RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/1 p. 27
  • Kutsiga Kunounza Tuso Dzakapfuma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsiga Kunounza Tuso Dzakapfuma
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ungava Sei Baba Vakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kurera Vana Vasere Munzira dzaJehovha Kwaiva Basa Rakaoma Asi Richifadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chisarudzo Changu Pakati Pavanababa Vaviri
    Mukai!—1998
  • Uri Kubetsera Mwana Wako Kusarudza Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/1 p. 27

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Kutsiga Kunounza Tuso Dzakapfuma

JESU akadeya kutaura kuti vateveri vake vaizotambudzwa, uye ndizvo zvakaitawo muapostora Pauro, sezvinotaurwa pana 2 Timotio 3:12 (NW), kuti: “Kutaura idi, vose avo vanoshuva kurarama nokuzvipira kwoumwari musonganirano naKristu Jesu vachatambudzwawo.” Asi kutsiga mukubatira Jehovha Mwari kunounza tuso dzakapfuma.

◻ Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi mutaundi riri pamhenderekedzo yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweMalaysia. Kunyange zvazvo akanga ari muBuddha akasimba uyo aidzidzisa vana vake zvakakomba, mumwe baba haana kukwanisa kudzivisa vanasikana vake vatatu navanakomana vatatu kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange mudzimai wake akafarira zvokwadi. Ipapo rimwe zuva muvakidzani akamunyomba, achiti: “Unogona sei kutadza kudzora vana vako ndokuvarega vachiva Zvapupu zvaJehovha? Vana vangu vose vanoomerera neni norudzidziso rwedu rwamadzisekuru rwechiBuddha. Unonzwisa urombo!”

Baba vacho vakamhanyira kumusha vachityisidzira kurova hanzvadzi yaiitisa fundo vana vake. Zvisinei, vana vacho vakamunyaradza ndokupfuurira kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha nokupinda misangano netsigiro yaamai vavo.

Pakupedzisira, zvisinei, baba vakadana mhuri yose pamberi pavo. “Sarudzai,” vakaraira kudaro, “pakati pangu nokugara pamusha nokuva maKristu nokubva pamba.” Mwanakomana mukurusa, mukomana anotaura zvinyoro-nyoro zvikuru, kamwe kamwe akavamba kurongedza kuti aende. “Aiwa!” vakadanidzira kudaro baba vacho. “Sezvo mose muri vana vanopandukira, zviri nani kuti ini ndife.” Ivo ipapo vakamhanyira kunze kwemba, vachiteverwa nemhuri, avo vaivakumbira kuti vasazviuraye vamene. Vaororwa nezvikumbiro zvavo, vakadzokera kumusha.

Nguva yakapfuura. Baba vakavamba kucherekedza muuyo wakanaka wezvokwadi yeBhaibheri pamufambiro wavana vavo. Rimwe zuva vakasangana neshamwari yavo inonyomba, zvino munhu akati suruvarei, iyo yakati: “Ndaodzwa mwoyo zvikuru navana vangu. Vari kundinyengedza uye vari kundibira.” Asi baba vane vana vakanga vachifunda neZvapupu zvaJehovha vakati: “Haiwa, vana vangu vakasiana! Vane mutsa zvikuru kwandiri uye vakatondibetsera kubhadhara chikwereti chemotokari yangu apo ndakanga ndisingashandi.”

Nhasi, vanasikana vatatu namai vakabhapatidzwa. Mwanakomana mumwe ndipiona chaiye. Uye vaichimbova baba vakasimba navakatsamwa? Zvino vane ushamwari uye vakapinda Chirangaridzo.

Jehovha akatusa mwanakomana nehanzvadzi dzake nhatu pamwe chete namai vavo nokuda kwokutsiga kwavo kwaAri. Zvino vaparidziri voUmambo vanoshingaira, vachifadza mwoyo waJehovha.—Zvirevo 27:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe