RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/1 pp. 26-27
  • Vanhu Vaduku Vano‘vimba naJehovha’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vaduku Vano‘vimba naJehovha’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata Mwari Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/1 pp. 26-27

Vanhu Vaduku Vano‘vimba naJehovha’

PWERE hadzisi varidzi vorunako, uyewo vakwegura havasi varidzi vouchenjeri. (Enzanisa naZvirevo 11:22; Muparidzi 10:1.) Panzvimbo pezvo, avo vane runako nouchenjeri hwapachokwadi zvisingagumi ndivo avo vanovimba naJehovha ndokutaura nomwoyo wose pamusoro pake, kuti: “Ndimi Mwari wangu.”—Pisarema 31:14; Zvirevo 9:10; 16:31.

Kupote nyika kune boka riri kukura ravanhu vakaisvonaka, vose vari vaviri vaduku navakuru, avo vanoratidza uchenjeri hwavo kupfurikidza nokubatira Mwari nokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, rangarira Sabrina ane makore masere okukura.

Sabrina anogara muGermany uye ari mugiredhi rechipiri. Ndowokutanga weZvapupu zvaJehovha kupinda chikoro chake. Nenzira inosuruvarisa, akanga ari nyajambwa wokunyomba kwavekuchikoro biyake kusvikira pazuva mudzidzisi akakumbira vadzidzi kuunza bhuku ravo ravanoda zvikuru kukirasi. Sabrina akasarudza kuunza Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Usiku hwapamberi pezvo, kunyange zvazvo akanga ane ruzazu, akasanogadzirira nokuda kwekirasi. Sezvo makanga muna vadzidzi 26 mukirasi yake, akaziva kuti angasava nenguva yakawanda. Asi akanga akatsunga kusabvumira munhu upi noupi kuvhiringidza kutaura kwake uye akanga ane chokwadi chokuti Jehovha aizomubetsera. Pazuva rakasarudzwa, mudzidzisi akabvunza kuti ndiani akanga auya nebhuku uye angada kuva wokutanga kuriratidza. Nenzira inoshamisa, Sabrina bedzi akanga ariunza. Akamira pamberi pekirasi ndokuvamba kutaura, achirava nokuratidza mifanikiso mubhuku racho uye achitsanangura kuti chinhu chiri chose chakanga chakavakirwa paBhaibheri. Mukupfiga akabvunza, kuti: “Ndiani angafarira kuva neiri bhuku?” Akapa kopi imwe kumudzidzisi, uye mukati mamazuva mashomanene akatevera, akapa mabhuku gumi okuwedzera kuvamwe vomukirasi biyake. Tsinhiro bedzi yomudzidzisi pakutaura kwake yakanga iri yokuti: “Handisati ndatongoona chinhu chipi nechipi chakafanana naro.” Akapa Sabrina A nokuda kwebasa rake.

Kutaura idi, Zvapupu zviduku zvizhinji vaparidzi vanofara vamashoko akanaka kuchikoro. Mumwe muenzaniso ndiErika, muparidzi ane makore 11 okukura muMexico. Akadzidziswa kuvambira paucheche kuda Jehovha. Basa rake rokuchikoro rakatanhamara. Mumwe wemigove yake wakanga uri wokugadzirira mashoko pamusoro peAIDS nokupindwa muropa nefodya nezvinodhaka. Akasanogadzirira, achishandisa magazini yaMukai!, uye akawana mamakisi akakwirira zvikurusa. Mudzidzisi wake akabvunza kwaakawana mashoko acho uye akapiwa magazini aiva nenyaya dzakavakirwa panhau idzodzo. Gare gare, mudzidzisi wacho akashandisa aya magazini kukurukura nhau dzacho nekirasi yose. Nemhaka yomufambiro waErika, kuremekedza kwake vadzidzisi vake, uye magiredhi ake akakwirira, akakwaniriswa nokuda kwezvipo, madhipuroma, uye kubhadharirwa murutivi mari yedzidzo. Kunyanguvezvo, anorangarira kuti zviitwa zvake zvikurusa zvave zviri zvokuti akazvizivisa amene somumwe weZvapupu zvaJehovha, akakwanisa kugovera mabhuku eBhaibheri, uye akakudza zita raMwari.

Ipapo pana Shannon, mukomana ane makore gumi okukura muNew Zealand. Ane ziso rimwe bedzi rinoona; rimwe rakakuvadzwa nekenza apo akanga ari mucheche. Apo Shannon akanga ava namakore manomwe, amai vake vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, isati iri nguva refu pashure pokunge vatanga zvidzidzo zvavo zveBhaibheri, vakavamba kugara nomumwe murume pasina betsero yomuchato ndokusarudza kurega zvidzidzo zvavo. Shannon akakumbira kuti fundo yake yeBhaibheri ipfuurire. Chishuvo chake chakabvumwa. Zvapupu zvakaramba zvichishanya, uye pakupedzisira mitezo yose mitatu yemhuri yakafunda Bhaibheri uye yakaita fambiro mberi yomudzimu. Pashure pokuroorwa pamutemo, amai vaShannon nababa vokurera vakabhapatidzwa.

Rimwe zuva Shannon nomudzimai womutariri wedunhu vakanga vari mubasa romumunda pamwe chete. Saimba akabvunza Shannon, kuti: “Chii chakaitika kuziso rako?” “Ndakaita kenza mariri, uye raifanira kubviswa,” akapindura kudaro. “Nokukurumidza Jehovha achandipa idzva muParadhiso, uye ndizvo zvatiri pano kuzokuudzai pamusoro pazvo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe