MaKristu Anoshingaira eBritain
Isingasviki gumi muzana yavanhu veBritain vane mamirioni 56 panguva ino maKristu anoshingaira, mukuwirirana neThe Economist. PaSvondo romuenzaniso, vanhu vasingasviki mamirioni mana vanopinda minamato yechechi. Vaivava, mamirioni 1,1 bedzi vaAnglican. Pasinei zvapo nokusatenda kuti pane chinhu chipi nechipi chinogona kuzivikanwa pamusoro paMwari kwakapararira, zvisinei, Chechi yeEngland inopfuuridzira rutivi rwayo rwunozivikanwa sorudzidziso rweHurumende. “Britain yave isati iri chaunga chechiKristu kwamakore asi inoramba kubvuma kuti hapana chinhu chipi nechipi chinogona kuzivikanwa pamusoro paMwari, zvikurukuru nemhaka yokufunga zvekare,” inodaro magazini yenhau imwe cheteyo. Hakushamisi kuti vezvamatongerwe enyika vazvino uno namapepanhau zvinoraira kusazivikanwa kweChechi, kuparadza batano yeChechi neHurumende.
“Nyika iyo iri yenyika chaizvoizvo, iyo inotaura kuva yechiKristu, ndiyo yakaipisisa yenyika,” akachema kudaro Walter Bagehot, mupepeti wenhau wezana ramakore rechi 19 weThe Economist. Asi muzana rokutanga ramakore N.V., Jesu Kristu akataura kuti vadzidzi vake vakanga ‘vasati vari rutivi rwenyika, sezvo iye akanga asati ari rutivi rwenyika.’ (Johane 17:16) Zvisinei, iye akavatuma munyika kundoparidzira Umambo hwaMwari. Nenzira yakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinosanozivikanwa nokuda kwokuparidzira nokushingaira “pachena napaimba neimba.”—Mabasa 20:20, NW.
Zvikaenzaniswa navaAnglican, Zvapupu zvine 126 173 muBritain zvishomanene muchiverengero. Bva zvinopedza maawa 20 pamwedzi zvichipinda misangano yechiKristu. Uyezve, mukati ma 1992 Chapupu chimwe nechimwe chakapedza avhareji yamaawa okuwedzera 16 pamwedzi chichizivisa kuvamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, hurumende ichakurumidza kutanga nyika itsva yakarurama. (Mateo 24:14; 2 Petro 3:13) Nguva inotevera Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira musha wako, uchateerera shoko razvo rinosianisa ndokuwana chinosunda shingairo yazvo here?