Kuparidzira Munyika Yemisiano
KANGAROO, makoala, mawombat, uye maplatypus, Ayers Rock neGreat Barrier Reef—aya mazita anouya kundangariro apo vanhu vanofunga nezveAustralia. Asi kunyange zvazvo kuchishamisa, voruzhinji veAustralia zvimwe havana kutongoshanyira Ayers Rock kana kuti Great Barrier Reef kana kuti kuona koala, wombat, kana kuti platypus iri kunze kwepaka inochengeterwa mhuka. Chikonzero ndechokuti 85 muzana yechiverengero chavagari venyika yacho chamamirioni 17,3 vagari vomuguta, vanogara mumaguta makuru mashanu ari mumhenderekedzo yegungwa.
Achibva pamuganhu wemhenderekedzo yegungwa uye achifamba kupinda mukati menyika makiromita 200 kana kuti kupfuura, munhu anosvika panotangira maruwa akakurumbira ari mukati menyika yacho. Chimiro chenyika chinochinja kubva pasango rinonaya mvura rakasvibira uye nyika yokurima yakapfuma kuenda kunyika inopisa, yakaoma, isina chinhu, munongokura makwenzi bedzi nouswa zvakaomarara. Mumaruwa ari mukati menyika mune upenyu, zvisinei. Mapurazi makuru ehwai nemombe, anofukidza mazana amamaira akaenzana kumativi mana. Kure mukati menyika mune marenje anopisa zvikuru, umo vanhu pane dzimwe nguva vanofa apo dziviriro dzakafanira dzinenge dzisina kuitwa.
Mashoko Akanaka Anobudirira
Mumugariro wakadai umo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuparidzirwa muiyi nyika yeAustralia. Zviuru gore rimwe nerimwe zviri kugamuchira chipikirwa chaJehovha chenyika itsva yakarurama. Gore rebasa rapera, chiverengero chavaparidzi voUmambo chakasvika chiverengero chapamusoro chavanopfuura 57 000, chinodokupeta kaviri icho chamakore gumi akapfuura. Nepo vazhinjisa vavaparidzi, kufanana norutivi rukuru rwechiverengero chavagari vemo, vakawanda mumaguta ari mumhenderekedzo yegungwa, mashoko akanaka ari kubudirirawo mukati.
Kuti tiwane rumbonera rwezvakaita kuparidzira muiyi nyika huru yemisiano, ngatikumbanirei mumwe wavatariri vedu veruwa vashanu nomudzimai wake sezvavanoshanyira dzimwe dzeungano dziri munharaunda kure mumaruwa ari mukati menyika. Nzendo dzavo dzinofukidza nyika yokuWestern Australia, hafu yenyika yeQueensland, uye Ndima yokuChamhembe, nharaunda inopfuura makiromita akaenzana kumativi mana ane mamirioni 4,7. Iyoyo inodokusvika ukuru hweEurope, tisingabatanidzi yaichimbova Soviet Union.
Rwendo rwedu rwunotangira muPerth, dzimbahwe reWestern Australia. Muiri guta razvino uno chose chose ravanhu vane mamirioni 1,2, zvino mune ungano 49 dzeZvapupu zvaJehovha. Mukuwedzera kuungano dzechiNgezi, mune dzechiGiriki, dzechiTariana, dzechiPutukezi, uye dzechiSpain pamwe chete namapoka maduku mumimwe mitauro. Panewo ungano yakaumbwa chose chose nehama nehanzvadzi dzechiAborigine, avo vanonangidzira nhamburiko dzavo dzokuparidzira pakati paava vanhu vomunyika ino. Vazhinji vaava vanhu vanozvininipisa zvino vari kugamuchira shoko roUmambo. Asi zvinhu zvakadiniko kure namaguta makuru?
Kubva muPerth tinofamba makiromita 1 800 kuchamhembe kuPort Hedland, uko gungano redunhu richaitwa. Vazhinjisa vavane 289 varipo vafamba makiromita ari pakati pe 200 ne 700 kuti vave pano. Vanobva munharaunda dziri dzoga umo ungano iri pedyo zvikurusa ingava kure namakiromita 250 nomumigwagwa isina kukurwa yakafukidzwa namatombo akapinza anowanzobaya matai emotokari. Ungano nhatu dziri munharaunda iyi misi ichangobva kupfuura iyi dzakavaka Horo dzoUmambo, dzichishandisa mutoo wokuvaka nokukurumidza.
Horo Dzinovakwa Nokukurumidza Munzvimbo Dziri Dzoga
Musiano wakadini uri pakati pokuvaka Horo yoUmambo muidzi nharaunda nokuivaka mumaguta namataundi makuru zvikuru! Zvizhinjisa zvezvivakiso zvinofanira kutakurwa namarori kubva kuPerth, makiromita ane chiuru namazana matanhatu kumaodzanyemba. Mazana ehama nehanzvadzi vanofamba iri daro uye vanopfuura pakupera kwamavhiki kwakataurwa kuuya ndokuvaka Horo yoUmambo mukupisa kwe 40° kusvikira ku 45° C. Kupinda kwavakawanda vakadaro munzanga duku dziri dzoga huchapupu hwakatanhamara makuri kumene. Apo Horo yoUmambo yakavakwa muTom Price, taundi duku romugodhi wesimbi, peji rapamberi repepanhau romunzvimbomo rakazivisa, kuti: “Tinokugamuchirai noushamwari nyanzvi vazvipiri navabatsiri vanobatanidzwa mu‘kuvakwa kwokukurumidza’ kwamazuva matatu kweHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha muTom Price.”
Kwakaratidzika kuti anodokuva munhu ari wose mutaundi akanga achidisa kubatira pamwe. Panzvimbo pomutengo wenguva dzose weA$11,000 kupinza matani 50 ezvinhu, muridzi werori ane rupo akakumbira bedzi kuti hama dzipe mari yamafuta. Kambani dzinopenda dzomunzvimbomo dzakapa marita 100 ependi. Kambani dzinochera pasi dzakaita kuti michina iwanikwe, uye kambani yomugodhi yakaita kuti kireni iwanikwe pasina mutengo. Kuwana pokugara pavashanyi 300 kwakapa chinetso, asi batira pamwe yavanhu vomutaundi yakanga yakatanhamara. Vamwe vakachaya runhare ndokupa mibhedha. Mumwe murume akachaya runhare kuti ati aizova asipo nokuda kwokupera kwevhiki asi aizosiya suo reshure risina kukiiwa. Iye akati: “Imba ndeyenyu nokuda kwenhambo yokuvaka.”
Chinoitika chinosekesa chakaitika apo dzimwe hama dzakapiwa kero youko dzaifanira kutora turera yedunhu romunzvimbomo. Dzakashamiswa nokuona chiratidzo pagedhe icho chaiti, “Hapatenderwi Vashanyi Vorudzidziso.” Asi pakanga pamire turera. Naizvozvo dzakazivisa mukadzi weimba kuti dzakanga dziri kutora turera, yakanga yakazara nemarara. Apo dzakanga dzichiichenesa, dzakaziva pakare pakarepo kuti yakanga isiri turera yedunhu! Apo muridzi weturera akauya kumusha, mudzimai wake akamuudza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvatora turera yake. Hama dzakakurumidza kudzokera neturera zvino yakanga isina chinhu, dzichitsanangura chikanganiso chacho. Kurukurirano yakaisvonaka yakatevera, uye ava vaichimbova vashori vaiva nemibvunzo yakawanda yokubvunza pamusoro pedu nebasa redu. Zvino vakanga vachidisa kuuya ndokuona Horo yoUmambo itsva.
Kuparidzira mashoko akanaka muiyi nharaunda kunoda kutsungirira. Kutanga, mune madaro makuru anobatanidzwa. Imwe hanzvadzi piona nomurume wayo nguva dzose vanochaira rwendo rwokuenda nokudzokera rwamakiromita 350 mumigwagwa isina kukurwa, ine guruva, kubva kuPort Hedland kusvikira kuMarble Bar, kuti vaite shanyo dzedzokerero nokuitisa fundo dzeBhaibheri. Marble Bar iri pakati penzvimbo dzinopisa zvikurusa muAustralia, tembiricha kazhinji kazhinji dzichipfuura 50° C. kubva muna October kusvikira muna March.
Kuenda ku“Top End”
Darwin, makiromita 2 500 kure kuchamhembe, ndiro taundi rinotevera nokuda kwegungano redunhu. Mutariri weruwa nomudzimai wake vanoshandisa maawa marefu okuchaira kuvambirana nefundo yomunhu oga. Kutanga vanorava ndokurangarira rugwaro rwezuva. Ipapo vanoteerera kukuraviwa kweBhaibheri patepi. Sezvavanochinjana kuchaira, vanochinjanawo kurava nyaya dzomuNharireyomurindi naMukai!
Chiratidzo chomumugwagwa chinovanyevera kuti vangwarire “zvitima zvomumugwagwa.” Izvozvo marori makuru marefu anodhonza maturera matatu kana kuti mana uye akareba kusvika mamita 55 urefu hwose. Naizvozvo nzvimbo yakawanda inodikanwa pakupfuura. Anoshandiswa kutakura mombe nezvimwe zvinhu kuenda kumataundi ari oga.
Mugariro wokunze unopisa nguva dzose uye maruwa akaoma nguva dzose. Nyika yakaoma ingagona kurangarirwa zvisina kururama senzvimbo huru yamakuva nemhaka yokuti pasi pakafukidzwa nezvuru zvakaparadzirwa zvakati chechetere. Izvi zvuru zvinosiana-siana muruvara, zvichitsamira paivhu iro mujuru wakashandisa, uye zvinogona kuva zvakareba mamita api naapi kuvambira paimwe kusvika kumaviri nehafu. Ipapo, sezvo vafambi vedu vanoyambuka Rwizi rwaVictoria, zviratidzo zvizhinji zvakagadzirirwa pamba zvinobata ngwariro yavo. “Ngozi: Hapabvumirwi Kushambira. Makarwe Anodya Vanhu Ari Munzizi Idzi!” chinodaro chimwe. Nomutoo wokuchenjera, vanosarudza kuwana dzimwe nzira dzokugeza nadzo ndokuramba vachitonhorerwa!
Pakupedzisira, vanosvika kumugumo wokuchamhembe kweAustralia, kunowanzozivikanwa se“Top End.” Darwin, dzimbahwe reNdima yokuChamhembe, mune ungano mbiri huru dzeZvapupu zvaJehovha. Mugariro wetsika zhinji weDarwin unogona kuonwa zviri nyore pakupinda gungano redunhu. Sangana naCharles ane makore 30 okukura, akabva pakuvamba kunyika yakasakadzwa nehondo yeEast Timor iri muIndonesia. Vabereki vake vechiChina vakamurera kuti ashandise kunamata vakare. Akanga abatanidzwawo zvikuru mukurwa. Kurega kwakanga kusiri nyore nemhaka yechisungo chakasimba nokushandisa midzimu. Zvisinei, achirangarira chipikirwa chaJesu chokuti “zvokwadi ichakusunungurai,” akasununguka muiyi nzira youpenyu. (Johane 8:32) “Nhasi,” anoti, “Ndine hana yakachena pamberi paJehovha, uye pari zvino ndiri kubatira somubatiri anoshumira. Nharidzano yangu ndeyokupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri.”
Tevere, sangana naBeverly anobva kuPapua New Guinea. “Pakutanga ndakanga ndine chivimbo chiduku chokuparidzira kuvachena,” anobvuma kudaro Beverly, “nemhaka yokuti chiNgezi chakanga chiri mutauro wangu wechipiri uye mashoko akati, pamwe chete nokududza kwechiAustralia, kwakakuita kuti kuve kwakandiomera kunzwisisa. Asi ndichiyeuka kuti Bhaibheri rinotiudza kuvimba naJehovha uye kuravira ndokuona kuti akanaka, ndakatanga muushumiri hwoupiona hwenguva yakazara muna January 1991. Mudzidzi wangu weBhaibheri wokutanga ndipiona zvino. Vaviri vevanasikana vake vakagamuchirawo zvokwadi, uye mumwe wavo ari kupayona, pamwe chete nomurume wake.”
Tisati tabva muDarwin, ngatikurumidzei kuita rwendo rwamakiromita 250 kumabvazuva kuKakadu National Park, inosanozivikanwa nokuda kweshiri dzayo dzakawanda. Muno tinosangana naDebbie, muparidziri mumwe ari oga wamashoko akanaka munharaunda yose. Tinomubvunza kuti anokwanisa sei kuramba akasimba mumudzimu ari oga zvakadaro. Anopindura, kuti: “Kutanga, kupfurikidza nomunyengetero. . . . Uye ndinowana nyaradzo mumagwaro akadai saIsaya 41:10, inoti: ‘Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.’”
PaJilkmiggan, makiromita 450 kumaodzanyemba kweDarwin, tinosangana neboka duku ramaAborigine. Kwamakore akawanda iyi nzanga yamaAborigine yairangarirwa senzanga yeZvapupu zvaJehovha nemhaka yokuti vakawanda kwazvo vaipinda kokorodzano namagungano nguva dzose, kunyange zvazvo pasina nomumwe wavo akanga abhapatidzwa. Nzanga yacho yaikurumbira nokuda kworucheno rwayo. Nomufaro, vamwe zvino vakatsigira zvokwadi zvakasimba uye vakabhapatidzwa. Vari pakati pemaAborigine okutanga asati ari omumaguta kuita kudaro. Kunoda ushingi chaihwoihwo nokuvimba nomudzimu mutsvene waJehovha kuti ava vanhu vanozvininipisa vasununguke patsika nemiitiro yemidzimu zvagara mazana amakore zvavanhu vorudzi rwavo.
Kuenda kuAlice Springs Nokubva Mumaruwa Ari Mukati Menyika
Zvino yava nguva yokubva mu“The Top” ndokunanga kumakiromita 1 600 kumaodzanyemba kuAlice Springs, mu“Red Centre” yenyika yacho pedyo neAyers Rock yakakurumbira. Muno muHoro yoUmambo yakaiswa zvinodzikamisa tembiricha, zvigaro zvakanaka zvinogoverwa nokuda kwegungano, navane 130 kana kuti vanopfuura vanopinda vachibva muungano mbiri dziri muiyi nharaunda. Zvakare, tinoona chiono chinofadza chavaPolynesia, vaEurope, uye maAborigine vachivhengana musonganiro yechiKristu.
Pakupedzisira tinobva muAlice Springs ndokuvamba chikamu chokupedzisira cherwendo nomutariri wedu woruwa anofambira nomudzimai wake. Urwu rwendo rwunotifambisa makiromita 2 000 kugura nyika yacho, takananga kuchamhembe nokumabvazuva. Sezvatinoita kudaro, tinooneka maruwa ari mukati menyika, nokuti pakupedzisira tinosvika sango rakasvibira rinonaya mvura riri murutivi rwunopisa rwapasi reQueensland. Muno, pamhenderekedzo yegungwa yokuchamhembe kweQueensland—nyika yeGreat Barrier Reef—mune ungano dzakawanda dzine reshiyo yakakwira yeZvapupu kuvagari vemo.
Hatisati tapedza kufamba, zvisinei, tisati tapinda rimwezve gungano redunhu. Tichikwira ndege paCairns—taundi romurutivi rwunopisa rwapasi rweQueensland rine mukurumbira weBarrier Reef—tinobva munyika yeAustralia parwendo rupfupi kumugumo wokuchamhembe weCape York Peninsula, tichigura Torres Strait, kuenda kuThursday Island. Kune ungano duku yavaparidzi 23 chete kuno. Mufaro wakadini kuona 63 vachipinda gungano redu rokupedzisira parwendo urwu!
Tinovimba kuti wafarikanya urwu rumbonera rwebasa rokuparidzira roUmambo riri kuitwa munyika ino yemisiano. Zvichida rimwe zuva ungakwanisa kutishanyira muiyi nyika yeAustralia inofadza ndokusangana zvakananga nehama nehanzvadzi dzinoita ushumiri hwadzo nokutendeka mumugove wadzo wechienzi.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Port Hedland
Canberra
Tom Price
Marble Bar
Newman
Darwin
Katherine
Alice Springs
Ayers Rock
Thursday Island
Cairns
Adelaide
Melbourne
Hobart
Sydney
Brisbane
Perth
[Mufananidzo uri papeji 24]
Perth, dzimbahwe reWestern Australia
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kupupurira mumigwagwa kunobereka miuyo yakanaka