Nheyo kana kuti Mukurumbira—Ndeipi Iri Nhungamiro Yako?
ARI mugiredhi rechitanhatu Norihito akanga achitora rutivi muchinoitika chemitambo. Kamwe kamwe, akatarisana nechisarudzo. Vadzidzi vose vaidikanirwa kutora rutivi mumutambo wokuvimbika kunyika yako. Anofanira kukumbanira vadzidzi biyake muuyu unoratidzika kuva muitiro wenguva dzose here?
Norihito akanga adzidza muBhaibheri kuti hakuna kururama kukumbanira muchiito chipi nechipi chokunamata kuna mwari kunze kwaJehovha. (Eksodho 20:4, 5; Mateo 4:10) Aizivawo kuti maKristu anofanira kuramba asingatori rutivi munhau dzose dzenyika dzezvamatongerwe enyika. (Dhanieri 3:1-30; Johane 17:16) Naizvozvo kunyange zvazvo vadzidzi biyake vakamukurudzira kukumbanira, iye nenzira youshingi asi nenzira yokuremekedza akaramba akatsiga. Chii chaungadai wakaita mumugariro wakafanana?
Chishuvo Chokuva Weboka Rakati
Magwaro anoratidzira kuti vanhu vakasikwa naMwari kuti vave vane ushamwari, vafambidzane, uye kufarikanya kuita zvinhu pamwe chete. Ndokwomuzvarirwo kuda kuva navaenzani vako, kuva anogamuchirwa, kuva weboka rakati. Mirangariro yakadaro inoita kuti upenyu hufadze zvikuru uye inobetsera rugare netsinhirano mukubata kwedu navamwe.—Genesi 2:18; Pisarema 133:1; 1 Petro 3:8.
Chishuvo chokuberekwa nacho chokuda kuva weboka rakati chinoratidzirwa musimbiso yakasimba pawirirano inoonwa mudzimwe tsika kunyange nhasi. Vana vechiJapan, somuenzaniso, vanorovedzwa kuvambira pamakore avo apakuvamba zvikurusa kuziva ndokuwirirana nokuraira kwavoruzhinji. Migariro yakagarwa yavo nhaka inovadzidzisa kuti rimwe ramabasa avo makurusa nderokutsinhirana nenzanga. “VaJapan sezvingabvira zvikuru kwazvo vanoshanda mumapoka kupfuura vokuMabvazuva,” akadaro Edwin Reischauer, aichimbova mumiriri weU.S. kuJapan nomucherekedzi anodisa wemiitiro yechiJapan. Akawedzera, kuti: “Uko vokuMabvazuva vangaratidzira kuzvitonga noumbimbindoga, vaJapan vazhinjisa vachagutsikana zvikuru nokuwirirana mukupfeka, mufambiro, mararamiro, uye kunyange mufungo kumipimo yeboka ravo.” Chishuvo chokuwirirana, zvisinei, hachina kutongoganhurirwa kuvaJapan. Ndechenyika yose.
Dzvinyiriro Yokuwirirana
Kunyange zvazvo kuchishuviwa kuita unani hwako kuti ufambidzane navamwe, pane ngozi mukuwirirana nenzira yokusachenjera nechiri chakakurumbira. Neiko? Kuri nemhaka yokuti chakakurumbira neboka kazhinji kazhinji chinopesana nechinogamuchirika kuna Mwari. “Nyika yose iri musimba rowakaipa,” rinotiudza kudaro Bhaibheri. (1 Johane 5:19, NW) Satani nenzira yamanomano anoshandisa mutoo uri wose waanogona—kudisa zvenyika, tsika dzakaderera, fungira mano yourudzi, kusashivirira kworudzidziso, urudzi, uye zvichingodaro—kupesvedzera vanhu uye kuvabvisa kuna Mwari. Kuwirirana nemiitiro yakadaro, chaizvoizvo, kwaizoita kuti munhu ashore Jehovha Mwari namadonzo ake. Ndicho chikonzero nei maKristu achipiwa zano, kuti: “Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.”—VaRoma 12:2.
Achigara mutsika ino yezvinhu, maKristu ari mudzvinyiriro yenguva dzose yokuwirirana nechiri chakakurumbira. Pwere zvikurukuru hadzitani kukuvadzwa muna ikoku. Chishuvo chokutarisika ndokuita sevokuchikoro biyavo chakasimba zvikuru. Kunoda ushingi chaihwoihwo kuti dzitsanangurire vaenzani vadzo chikonzero nei dzisigatori rutivi mumibato yakati. Kukundikana kutaura zvakasimba chimiro chadzo, zvisinei, kungagona kureva ngozi yomudzimu nokuda kwadzo.—Zvirevo 24:1, 19, 20.
Vakuru vanotarisanawo nedzvinyiriro dzakadaro kunzvimbo yavo yebasa. Vangakarirwa kutora rutivi mumibato yakati yenzanga pashure pamaawa okushanda kana kuti pamazororo akati. Kuramba kuwirirana kungavaita kuti varatidzike kuva vasina ushamwari navasingabatiri pamwe, vachiparira mugariro wakaoma munzvimbo yebasa. Vamwe vanganzwa vachimanikidzirwa kuisa maawa marefu enguva eovhataimu nemhaka yokuti vamwe vari kuita kudaro uye kunokarirwa kwavari. Kutera muzvinhu zvakadaro kwaizova kunokuvadza mumudzimu kwavari pamwe chete nokuvadzivisa kuita mimwe misengwa yavo.—1 VaKorinte 15:33; 1 Timotio 6:6-8.
Dzvinyiriro dzokuwirirana dziripo kunyange kunze kwechikoro kana kuti nzvimbo yebasa. Vamwe amai vechiKristu vakarondedzera kuti pane imwe nhambo vakarega kuranga mwana wavo, kunyange zvazvo kwakanga kuchidikanwa zvikuru, nemhaka bedzi yokuti vakarangarira kuti vamwe vadzimai vapamba vaivapo vaisazotendera.—Zvirevo 29:15, 17.
Boka Rinogona Kuva Risina Kururama
Bhaibheri rinotipa zano rakawanda rakananga pakunouya kukutevera boka. Somuenzaniso, rudzi rwaIsraeri rwakaudzwa, kuti: “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwe chete navazhinji kuti irege kururamiswa.” (Eksodho 23:2; enzanisa naVaRoma 6:16.) Iri zano harina kuteverwa nguva dzose. Pane imwe nhambo, nokukurumidza pashure pokubuda muEgipita, apo Mosesi akanga asipo, vanhu vakati vakapesvedzera Aroni navanhu kuita mhuru yendarama nokuinamata mu“mutambo kuna Jehovha.” Vanhu vakadya ndokunwa uye vakafarikanya munziyo nokudzana apo vaibaira kumhuru yendarama. Nokuda kweichi chiito chakaipa, chokunamata zvidhori, vatungamiriri vanenge vane 3 000 vakaurawa. Asi vazhinji vavamwe vakatambudzwawo naJehovha nokuda kwokutevera kwavo boka nokusafunga.—Eksodho 32:1-35.
Chimwe chinoitika chokutevera boka kumadonzo akaipa chakaitika muzana rokutanga ramakore pamusoro porufu rwaJesu Kristu. Vanyengetedzwa navatungamiriri vorudzidziso vane godo, vazhinji vavanhu vakakumbanira mukuraira kuurawa kwaJesu. (Marko 15:11) Apo Petro akaonesa chikanganiso chavo chakakomba paPentekosta pashure porumuko rwaJesu nokukwira kudenga, vazhinji vaka“baiwa pamwoyo” uye vakaziva chavakanga vaita mukutevera boka.—Mabasa 2:36, 37.
Nheyo dzeBhaibheri Dziri Nani
Sokuratidzira zvakajeka kunoita idzi nhauro, kutevera nokusafunga chiri chakakurumbira kunogona kutungamirira kumiuyo yakakomba. Kuri nani zvikuru sei kutevera Bhaibheri ndokurega nheyo dzaro dzichiva nhungamiro muupenyu hwedu! “Denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu,” anodaro Jehovha. (Isaya 55:9) Munhau dzetsika noukama hwavanhu—zvamazvirokwazvo, muzvisarudzo zvose zvoupenyu—kwakaratidzirwa kwaratidzirwazve kuti kutevera nzira dzaJehovha kuri nani zvikuru kupfuura kutevera chakakurumbira. Ndichinokosha kunzira inofadza zvikuru neyakanaka zvikuru youpenyu.
Rangarira, somuenzaniso, chinoitika chaKazuya. Kunyange zvazvo akanga afunda Bhaibheri kwenguva yakati, akapfuurira kutevera nzira yakakurumbira—achivavarira kupfuma ndokubudirira. Nhamburiko dzake dzokufadza vakuru vake nokudiwa navashandi biyake kazhinji kazhinji dzakatungamirira kukuenda kwake kumitambo yokunwa kusvikira maawa okuvamba amangwanani. Akava anoraira, asingashiviriri, uye anokurumidza kutsamwa. Mararamiro ake okunyanyisa akakurumidza kumutungamirira kusitiroko, iyo yakamusiya adokuoma mitezo. Sezvaakanga akarara achinaya mumubhedha womuchipatara, akava nenguva yokurangarira chaakanga adzidza muBhaibheri nenzira iyo akanga achirarama nayo upenyu hwake. Akasarudza kuti yakanga yava nguva yokutanga kushandisa zvaakanga adzidza. Akarega nzvimbo yake youmaneja ndokuchinja songaniro dzake. Akaitawo nhamburiko dzapachokwadi dzokupfeka hunhu hwechiKristu ndokugadziridza murangariro wake wezvinhu zvokunyama. Somuuyo, zvinokosha zvake zvakachinja, uye utano hwake hwakavandudzika. Pakupedzisira, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akabhapatidzwa.
Kuti abudirire mukutevera nzira isina kukurumbira, munhu anofanira kuziva nheyo dzinobatanidzwa ndokupwiswa zvizere kuti dzakarurama. Icho Masaru akawana chinoratidza ikoku kuva kwakadaro. Apo akanga ari mugiredhi rechitanhatu, puraimari, akarumbidzwa navomukirasi biyake kuva musarudzwi wokuva purezidhendi wesangano ravadzidzi. Nokukwenudzwa kwakati anoyeuka kuti nemhaka yokusanzwisisa zvizere nheyo dzeBhaibheri dzaibatanidzwa, haana kukwanisa kutsanangurira vomukirasi biyake chikonzero nei aisagona kumhanyira nzvimbo yezvamatongerwe enyika. Kutya kwake munhu kwakanga kwamudzivisa kuzivisa kuti akanga ari muKristu. Zvose zvaaigona kuita kwakanga kuri kurembedza musoro wake ndokudzokorora achichema kuti, “Handigoni kukuita.”
Ichi chinoitika chinorwadza chakamuparira kunzvera chikonzero nei muKristu asingabatanidzwi mumibato yezvamatongerwe enyika. (Enzanisa naJohane 6:15.) Gare gare, apo akanga ava muchikoro chapamusoro, mugariro wakafanana wakamuka. Nguva ino, zvisinei, akanga akagadzirira kutsanangura nokupwiswa chimiro chake kumudzidzisi wake. Mudzidzisi akagamuchira tsananguro yake, sezvakaita vanoverengeka vavomukirasi biyake avo vakamubvunza pamusoro pezvitendero zvake zvakavakirwa paBhaibheri.
Apo Vose Vachaita Chiri Chakarurama
Munyika itsva iri kuuya mukutonga kwaKristu, chinhu chakakurumbira chokuita chichava chinhu chakarurama chokuita. Kusvikira panguva iyeyo, tichafanira kuva vanongwarira kurudziro yokuwirirana nechakakurumbira. Tinogona kuwana kurudziro muzano raPauro, rinoti: “Zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.”—VaHebheru 12:1.
Apo nhau nedenho zvinokuwira, chii chauchaita? Uchatera kukutya vanhu ndokutera kukuita chakakurumbira here? Kana kuti uchatendeukira kuShoko raMwari, Bhaibheri, uye kutevera nheyo dzaro here? Kutora nzira yapashure hakusati kuchizongokubetsera bedzi zvino asiwo kukupawo kariro yokuva pakati paavo “vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.”—VaHebheru 6:12.