Yakamedza Jona Here?
BHAIBHERI rinotiudza kuti Jona, muporofita waJehovha muzana ramakore rechipfumbamwe P.N.V., achitiza mugove, akakwira chikepe. Mukati merwendo rwomugungwa rune dutu guru muMediterranean, vafambisi vechikepe vakamukandira mumvura. “Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku utatu.”—Jona 1:3-17.
Vamwe vanoti, ‘Hakubviri! Hakuna chisikwa chomugungwa chaigona kumedza munhu.’ Asi sperm whale kana kuti zvimwe white shark huru yaigona. National Geographic (December 1992) yakapa imwe bviro—whale shark. Shark hurusa inozivikanwa, inogona kukura kusvika kumamita 20 muurefu ndokurema matani 70.
“Mativi omuviri okuseredza echienzi ewhale shark anokodzera nhau dzaJona. Kuri nyore kuzvifungidzira umene uchipinzwa usingadi mumuromo wewhale shark, uyo wakakura . . . Muromo wakakura wewhale shark inotova duku yakura ungagona kupinza nenzira iri nyore vanaJona vaviri.”
Whale shark inodya plankton duku nekrill, izvo “zvinodzika napagurokuro ndokupinda munoenda zvokudya makakura nomunotatamuka umo muri dumbu riri pedyo nomwoyo.” Bva, munhu upi noupi angagona sei kubuda? National Geographic inoti: “Mashark ane nzira isina masimba masimba yokubvisa nayo zvinhu zvikuru zvokuseredza zvinopanikirika zvadzinomedza . . . Shark inogona kubudisa zvishoma nezvishoma zvinhu zviri mudumbu rayo riri pedyo nomwoyo kupfurikidza nokurisandura ndokurisaidzira napamuromo. . . . Naizvozvo, ungagona kubuda uchitedzemuka pakapeti yakazadzwa nezvinotsvedza, waonda zvikuru asi zvichida wadzidza chimwe chinhu muchinoitika chacho.”
Nhasi mawhale shark haawaniki muMediterranean, kunyange zvazvo akawanwa kure kuchamhembe sokuNew York City. Akanga aripo here muMediterranean munguva yaJona? Ndiani anogona kuziva zvechokwadi? Bhaibheri haritauri kuti rudzii rwechisikwa chomugungwa icho Jehovha akashandisa, asi Jesu amene akasimbisa kuti nhauro yaJona ndeyechokwadi.—Mateo 12:39, 40.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Norbert Wu/Peter Arnold Inc.